Testamente Itsva 2023
Zvita 4–10. Zvakazarurwa 1–5: “Kubwinya neSimba, Ngazvive kuna Iye … Gwayana noKusingaperi-peri”


“Zvita 4–10. Zvakazarurwa 1–5: ʻKubwinya neSimba, Ngazvive kuna Iye … Gwayana noKusingaperi-peri,ʼ” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Zvita 4–10. Zvakazarurwa 1–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
gwayana rakagara pauswa

Zvita 4–10

Zvakazarurwa 1–5

“Kubwinya neSimba, Ngazvive kuna Iye … Gwayana noKusingaperi-peri”

Funga pamusoro pekunyora pasi mibvunzo yauinayo pamusoro pezvawakaverenga muna Zvakazarurwa. Unokwanisa zvino kutsvagurudza mhinduro kumibvunzo yako kana kuikurukura nenhengo yemhuri kana mumakirasi eChechi.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Wakambonetseka here kutaura kune vamwe manzwiro awakavanawo panguva yechiitiko chezvepamweya chakasimba? Matauriro emazuva ose anokwanisa kunzwika seasina kuringana kutsanangura manzwiro nefemero zvepamweya. Pamwe ndicho chikonzero chakaita kuti Johane ashandise mucherechedzo uye mufananidzo unetsananguro dzakawanda uye dzakadzama dzakadaro kutsanangura chakazarurwa chake chikurusa. Aikwanisa kunge akangotaura pachena kuti akaona Jesu Kristu, asi kutibatsira kunzwisisa chiitiko chake, akatsanangura Muponesi achishandisa mashoko akafanana neaya: “Meso Ake aiva akaita somurazvo womoto,” “mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka kwose,” uye “chiso chake chaiva sezuva rinopenya nesimba raro” (Zvakazarurwa 1:14–16). Apo paunoverenga bhuku raZvakazarurwa, edza kuwana mashoko aidikanwa naJohane kuti udzidze uye unzwe, kunyangwe kana dai usinganzwisise zvinorehwa nechiratidzo chega chega. Sei angava akaenzanisa magungano eChechi nezvigadziko zvemakenduru, Satani nezinyoka guru, uye Jesu Kristu negwayana? Pakupedzisira, haufanire kunzwisisa chiratidzo chese chiri muna Zvakazarurwa kuti unzwisise madingindira ayo akakosha, kusanganisira dingindira rayo rine mukurumbira: Jesu Kristu nevateveri Vake vachakunda umambo hwevanhu nehwaSatani.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Chiratidzo chaJohane chinodzidzisa pamusoro pechirongwa chaBaba Vokudenga chekuponesa vana Vavo.

Bhuku raZvakazarurwa rinokwanisa kuva rakaoma kunzwisisa, asi usaora mwoyo. Vimbiso yaJohane ingangokukurudzira kuramba uchiedza: “Vakaropafadzwa avo vanoverenga, uye neavo vanonzwa nekunzwisisa mashoko ehuporofita uhwu, uye nekuchengeta izvo zvinhu zvakanyorwa mahuri, nokuti nguva yekuuya kwaIshe yaswedera pedyo” (Dudziro yaJoseph Smith, Zvakazarurwa 1:3 [muNhungamiro kuMagwaro Matsvene], kusimbiswa kwakawedzerwa).

Imwe nzira yekunzvera Zvakazarurwa ndeyekutsvaka enderano yayo kuchirongwa cheruponeso. Pfupiso yezvose iyi ingangokubatsira:

Apo paunoverenga, zvibvunze kuti, “Izvi zvinondidzidzisei pamusoro pechirongwa chaMwari? Chii chakaitwa naMwari kundibatsira kukunda huipi uye ndigodzokera kwaVari? Ndezvipi zvivimbiso Zvavo kune vakatendeka?

Zvingangobatsirawo kuziva kuti Dzidziso neZvibvumirano 77 inotsanangura zvimwe zvezviratidzo zvinoshandiswa muna Zvakazarurwa. Pamusoro pezvo, Dudziro yaJoseph Smith inojekesa ndima dzakati wandei dziri muna Zvakazarurwa, naizvozvo tarisa manotsi epazasi uye Nhungamiro kuMagwaro Matsvene nguva nenguva.

Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Johane,” “Zvakazarurwa zvaJohane.”

Zvakazarurwa 1

Jesu Kristu ndiye Mwanakomana Anorarama waMwari Vanorarama.

Chitsauko chekutanga chaZvakazarurwa chinotsanangura kuzviratidza kwaJesu Kristu kuna Johane muchiratidzo. Pamwe unokwanisa kuita mudorongodzwa wezvinhu zvose zvinotaurwa nechitsauko chino pamusoro paJesu Kristu, kusanganisira kuti Ndiyani, izvo zvaAnotiitira, uye kuti Akaita sei.

Zvimwe zvinhu zvaunodzidza zvinozobva muzviratidzo. Fungisisa izvo Ishe zvavangange vachiedza kukudzidzisa pamusoro Pavo Ivo kuburikidza nezviratidzo izvi. Semuenzaniso, cherechedza kuti Muponesi Anozvidaidza kuti “mavambo namagumo” uye “wokutanga newokupedzisira.” Sei uchifunga kuti mazita aya akakosha? Chii chaunodzidziswa nendima idzi pamusoro peMuponesi?

Zvakazarurwa 2–3

Jesu Kristu anondiziva ini pachangu uye anozondibatsira kukunda zvinetso zvangu.

Mashoko eMuponesi muna Zvakazarurwa 2–3 anoratidza kuti Ainzwisisa budiriro uye namatambudziko zvaiwanikwa chete kubazi rega rega reChechi muzuva raJohane. Akarumbidza kuedza kweVatendi uyewo akavayambira nezve zvinhu zvavaifanira kushandura. Chii chaunodzidza kubva parumbidzo uye yambiro dzeMuponesi?

Muponesi anonzwisisawo budiriro nematambudziko ako, uye Anoda kukubatsira. Cherechedza vimbiso dzenguva zhinji dzaAnopa kune avo vanokunda. Chii chinokufadza pamusoro pevimbiso idzi? Chii chingadiwa naIshe kuti ukunde? Chii chaungakwanisa kuita kuti ugamuchire rubatsiro Rwavo?

Zvakazarurwa 4–5

Jesu Kristu chete ndiye aikwanisa kuita kuti chirongwa chaBaba Vokudenga chikwanisike.

Chii chaunodzidza pamusoro paBaba Vokudenga kubva muna Zvakazarurwa 4 uye pamusoro paJesu Kristu kubva muna Zvakazarurwa 5? Funga pamusoro pezvazvinofanira kunge zvakanga zvakaita apo patakaziva tose kuti Jesu Kristu (“Gwayana”) aizoita kuti chirongwa chaBaba Vokudenga chikwanisike (Muponesi aikwanisa “kuzarura bhuku, uye … osunungura zvisimbiso zvake zvinomwe” [Zvakazarurwa 5:5]). Sei Jesu Kristu ari iye oga aikwanisa kuita izvi? Ungakwanisa sei kuratidza rutendo rwako maAri seMuponesi wako?

Onawo Jobo 38:4–7; Dzidziso neZvibvumirano 77:1–7.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Zvakazarurwa 1:20.Sei Jesu akaenzanisa Chechi Yake nemakenduru? (ona Mateo 5:14–16).  

Zvakazarurwa 2–3.Nyepedzera kuti Johane akakumbirwa kuti ape shoko kumhuri yako seayo aakapa kumakereke panguva yake. Aizoti chii chiri kufamba zvakanaka? Munganatsurudza sei?

Zvakazarurwa 3:15–16.Mushure mekuverenga ndima idzi, mhuri yako inokwanisa kunwa chimwe chinhu chinodziya zvishoma icho chinonaka zvirinani chichipisa kana chichitonhora. Zvinorevei kuva unodziya pane zvepamweya?

Zvakazarurwa 3:20.Ratidza mufananidzo weMuponesi achigogodza pamukova (ona kumagumo kwechidzidzo chino) apo mhuri yako painoverenga Zvakazarurwa 3:20. Sei Jesu achigogodza panzvimbo pekuti angopinda mukati? Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutora majana kugogodza pamukova. Zvino mumwe munhu mumhuri anokwanisa kupa pfungwa pamusoro penzira yatingakwanisa “kuzarura mukova” kuMuponesi uye toita kuti nhengo yemhuri ipinde. Zvinganzwika sei kuva neMuponesi mumba medu?

Zvakazarurwa 4:10–11.Zvinorevei kunamata Baba Vokudenga? Chii chatinoziva pamusoro Pake chinotiita kuti tide kumunamata?

Zvakazarurwa 5:6, 12–13.Sei Jesu Kristu achidaidzwa kunzi “Gwayana”? Chii chatinodzidziswa nezita iri pamusoro Pake?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Mununuri waIsraeri,” Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba 8.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Kurudzira mibvunzo. Mibvunzo chiratidzo chekuti nhengo dzemhuri dzakagadzirira kudzidza uye nokupa nzwisiso mumapinduriro avari kuita kune zvavanenge vachidzidziswa. Dzidzisa mhuri yako mawaniro avanoita mhinduro mumagwaro matsvene. (Ona Teaching in the Savior’s Way,, 25–26).

Mufananidzo
Kristu achigogodza pamukova

Let Him In [Rega Apinde], naGreg K. Olsen

Dhinda