Testamente Itsva 2023
Zvita 11–17. Zvakazarurwa 6–14: “Ivo Vakakunda … neRopa reGwayana”


“Zvita 11–17. Zvakazarurwa 6–14: ‘Ivo Vakakunda … neRopa reGwayana’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Zvita 11–17. Zvakzarurwa 6–14,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Jesu akamira pakati penyeredzi

Mubatanidzwa wemifananidzo wakadhirowewa naEric Johnson: The Grand Council [Dare Guru]; naRobert t. Barrett; muunganidzwa wenyeredzi wakashandiswa nemvumo yeEuropean Space Agency

Zvita 11–17

Zvakazarurwa 6–14

“Ivo Vakakunda … neRopa reGwayana”

Mutungamiri Boyd K. Pakcer vakaraira kuti: “Kana mutauro wemagwaro matsvene pokutanga uchiratidzika sounoshamisa kwauri, ramba uchiverenga. Nechinguva chidiki unozosvika pakuziva runako nesimba zvinowanikwa pamapeji iwayo” (“The Key to Spiritual Protection,” Liahona, Mbudzi 2013, 27)

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Fungidzira mudzimai “ane mimba achidanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara.” Zvino fungidzira “zinyoka ziguru dzvuku, rinemisoro minomwe, nenyanga dzinegumi” rakamira pamberi pemudzimai, ragadzirira “kuparadza mwana wake paanongozvarwa” (Zvakazarurwa 12:2–4). Kuti unzwisise ndima idzi dzezvakazarurwa zvaJohane, rangarira kuti mifananidzo iyi inomirira Chechi neumambo hwaMwari uye njodzi dzazvinozosangana nadzo. KuVatendi vakasangana nekutambudzwa kukurusa muzuva raJohane, rukundo pamusoro pehuipi rungange rusina kutaridzika serwaikwanisika. Rukundo urwu runokwanisawo kuva rwakaoma kutarisira muzuva rakaita seredu, apo muvengi paari “kurwa navatendi” uye ane “simba … pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose, nendudzi dzose” (Zvakazarurwa 13:7). Asi magumo ezvakazarurwa zvaJohane anoratidza zvinofadza zvikuru kuti zvakanaka zvinozokunda pamusoro pezvakaipa. Bhabhironi inozoputsika. Uye Vatendi vanobuda “kubva mukutambudzika kukuru” nenguvo chena—kwete nokuda kwekuti nguvo dzavo dzaiva dzisina kumbosvibiswa asi nokuda kwokuti Vatendi vanenge “vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana” (Zvakazarurwa 7:14).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Zvakazarurwa 6–11

Johane akaona zviitiko zvakawanda zvenhoroondo yapanyika, kunyanya izvo zvamazuva ekupedzisira.

Muzvitsauko izvi unozoverenga pamusoro pebhuku rine zvisimbiso zvinomwe. Kana uchishamisika kuti izvi zvinorevei, hausiri wega. Muporofita Joseph Smith akashamisikawo. Ishe vakazivisa kuna Joseph kuti bhuku iri uye nezvisimbiso zvaro rinomiririra nyaya “yekuvapo kwechinguva,” nechisimbiso choga choga chichimiririra makore zviuru (ona Dzidziso neZvibvumirano 77:6–7). Ungangofarira kuziva kuti zviitiko zvezvisimbiso zvokutanga zvina zvakapfupikiswa muchiratidzo chaJohane mundima sere chete (Zvakazarurwa6:1–8). Ndima nhatu dzinotevera dzinotsanangura chisimbiso chechishanu (mundima 9–11). Zviitiko zvezvisimbiso zvokupedzisira zviviri zvinotora ruzhinji rwezvimwe zvese zvitsauko zvebhuku reZvakazarurwa. Namamwe mashoko, nangiso huru yechiratidzo chaJohane iri pamazuva ekupedzisira—mazuva edu. Apo paunoverenga, fungisisa kuti sei zvakakosha kuziva izvo Johane zvaakanyora pamusoro pamazuva ekupedzisira.

Apo paunoverenga pamusoro pezviitiko izvo Johane zvaakaporofita nezvazvo, funga pamusoro pepfungwa nemibvunzo inotevera:

Zvakazarurwa 12–13

Hondo yekudenga inoenderera mberi panyika.

Hatizivi zvizhinji pamusoro peHondo yoKudenga, asi kune tsananguro yezvayo yakajeka kunyangwe zvayo iri diki muna Zvakazarurwa 12:7–11. Apo paunoverenga ndima idzi, zvifunge seuri chikamu cherwisano yekudenga tisati tazvarwa panyika. Chii chaunodzidza pamusoro pamakundirwo anoitwa Satani? (ona ndima 11).

Hondo iyo yakatanga kudenga inoenderera mberi panyika, sezvo Satani arikuramba “achirwa [naavo] vane uchapupu hwaJesu Kristu” (Zvakazarurwa 12:17). Chii chaunodzidza kubva muna Zvakazarurwa 13 pamusoro pamarwiro aarikuita hondo iyoyo nhasi? “Ropa reGwayana” uye “shoko reuchapupu [hwako]” (Zvakazarurwa 12:11) zvinoramba zvichibatsira sei muhondo iyi?

Onawo 1 Nifai 14:12–14; Moronai 7:12–13; Mosesi 4:1–4; Dzidziso neZvibvumirano 29:36–37; Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Hondo Kudenga,” topics.ChurchofJesusChrist.org.

Zvakazarurwa 14:6–7

“Ndakaona mumwe mutumwa … ane vhangeri risingaperi.”

Imwe zadzikiso yehurupofita mundima idzi yakaitika apo Moronai paakazviratidza kuna Joseph Smith uye akamutungamira kurondedzero idzo dzaakadudzira uye akashambadza seBhuku raMormoni. Bhuku iri rine “vhangeri risingaperi” iro ratinorairwa kuti tiparidze “kumarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose” (Zvakazarurwa 14:6).

Kuti udzidze pamusoro pengirozi idzo dzakatora chinhanho mukodzera vhangeri risingaperi, ona Dzidziso neZvibvumirano 13; 27:5–13; 110:11–16; 128:20–21.

Onawo “Kudzorerwa kweKuzara kweVhangeri raJesu Kristu: Chiziviso kuNyika cheMhemberero yeMakore Mazana Maviri,” ChurchofJesusChrist.org.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Zvakazarurwa 7:9, 13–15.Ndima idzi dzinokwanisa kutidzidzisa chii pamusoro pokuti sei tichipfeka zvichena kuitira zvisungo zverubhabhatidzo uye zvetemberi?

Zvakazarurwa 7:14–17.Funga kukoka nhengo dzemhuri yako kuti vagovere manzwiro avo pamusoro pevimbiso dzaIshe mundima idzi. Vimbiso Dzake dzingakwanisa kutibatsira sei apo patinenge tiri “mumatambidziko makuru”? (ndima 14).

Zvakazarurwa 12:7–11; 14:6.Dzimwe nhengo dzemhuri dzingangonakidzwa nokudhirowa mifananidzo wezviratidzo zvakatsanangura muna Zvakazarurwa. Somuenzaniso, kudhirowa mifananidzo iri maererano neZvakazarurwa 12 kunokwanisa kutungamira kuhurukuro pamusoro peHondo yoKudenga (ona ndima 7–11). Mifananidzo iri maererano neZvakazarurwa 14:6 inokwanisa kutungamira kuhurukuro pamusoro peKudzorerwa.

Mushure mokuverenga Zvakazarurwa 14:6 pamwechete, funga kutaridza mifananidzo yengirozi Moronai uye yedzimwe ngirozi idzo dzakabatsira kudzorera vhangeri muzuva redu (ona mifananidzo iri kumagumo kwechirongwa chechidzidzo chino). Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutora majano kusimudza mumwe wemifananidzo uye nokugovera zvikonzero zvavanovonga kuti ngirozi dzakauya “dziine vhangeri risingaperi kuti dziriparidzire [kwatiri].”

Zvakazarurwa 12:11.Ndevo inoti “shoko rokupupura kwavo” inokwanisa kurevei? Uchapupu hwedu hwaJesu Kristu hunotibatsira sei isu uye navamwe kukunda Satani?

Zvakazarurwa 13:11–14.Ndedzipi pfungwa idzo nhengo dzemhuri yenyu yadziinadzo pamusoro pechikara chinonyengera? Tingakwanisa sei kuziva uye nokudzivirira hunyengeri hwatinoona munyika nhasi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Imbai rumbo runoenderana nemusoro wenyaya webasa rehushumiri.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Zvinyudze mumagwaro matsvene. Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti, “Kuzvinyudza mushoko raMwari zuva nezuva kwakakosha zvikuru kuitira kupona kwepamweya, kunyanya mumazuva ano emhirizhonga dziri kuwedzera” (“Munzwei,” Liahona, Chivabvu 2020, 89). “Kuzvinyudza mushoko raMwari” zvinorevei kwauri?

Mufananidzo
Kristu achigogodza pamukova

Moroni Delivering the Golden Plates [Moronai Achikumikidza Mahwendefa eGoridhe], by Gary L. Kapp; Upon You My Fellow Servants [Panemi Vamwe Vangu Vatendi], naLinda Curley Christensen uye Michael T. Malm (Johane Mubhabhatidzi anogadza Hupirisita hwaAroni pana Joseph Smith); Keys of the Kingdom [Makii eHumambo], naLinda Curley Christensen uye Michael T. Malm (Petro, Jokobo, naJohane vanogadza Hupirisita hwaMerkizedeki pana Joseph Smith; Vision in the Kirtland Temple [Chiradzo muTemberi yeKirtland], na Gary E. Smith (Mosesi, Eria, uye Erija vanozviratidza kuna Joseph Smith naOliver Cowdery).

Dhinda