Mavhidhiyo uye Mifananidzo
Bhuku reMifananidzo yeVhangeri


Kushandisa Bhuku Rino

Mifananidzo iri mubhuku rino yakarongwa muzvikamu zvitanhatu: Testamende Yekare, Testamende Itsva, Bhuku raMormoni, Nhoroondo yeChechi, Kushanda kweVhangeri, uye Vaporofita veMazuva Ekupedzisira. Unokwanisa kushandisa mifananidzo ino pakudzidza nekudzidzisa kumba kana kuChechi. Udonogodzwa hwezvinyorwa uripazasi unopa musoro wenyaya unotsanangura mufananidzo wega-wega pamwechete nemajerero kuzvinyorwa zvitsvene nezvimwe zvinyorwa zvinokwanisa kushandiswa kudzidza nekukurukura pamusoro pemifananidzo. Kutsvaga muzvinyorwa zvitsvene nemuzvinyorwa zvakapiwa izvi kunozodzamisa kunzwisisa kwako kwezviitiko nemisimboti yevhangeri zvakaratidzwa. Funga pamusoro pemazano anotevera ekushandisa mifananidzo nemajerero:

  • Koka vanhu kuti vatsvage zvinyorwa zvitsvene kana zvimwe zvinyorwa zvinoenderana nemumwe mufananidzo. Vakumbire kuverenga kana kupfupisa chinyorwa ichi panguva yehurukuro yemufananidzo.

  • Kumbira nhengo dzemhuri kana dzekirasi kuti vatsanangure zvavari kuona mumufananidzo kana manzwiro avanoitiswa nemufananidzo. Mufananidzo unodzidzisa misimboti ipi yevhangeri? Tingaishandise sei kuupenyu hwedu nhasi?

  • Koka vanhu kuti vatarise mifananidzo vari pachavo. Vangangosarudza mifananidzo miviri yekufananidza nekusiyanisa. Wongororo nemibvunzo yavo pamusoro pezvavarikuona zvinokwanisa kutungamira kuhurukuro pamusoro pemagwaro matsvene uye pamusoro pemisimboti yevhangeri.

Dhinda