Magwaro Matsvene
Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega


“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega,” Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene (2021)

“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega,” Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene

Mufananidzo
mudzimai achinzvera magwaro matsvene

Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Hedzino dzimwe nzira dziri nyore dzekunatsurudza kunzvera kwako shoko raMwari mumagwaro matsvene.

Namatira Femero

Magwaro matsvene ane shoko raMwari. Apo paunenge uchianzvera, kumbira Baba vako Vokudenga nhungamiro Yavo uye ugamuchire Mweya Wavo kuti ukubatsira kuanzwisisa.

Tsvaga Zvokwadi pamusoro paJesu Kristu

Magwaro matsvene anotidzidzisa kuti zvinhu zvese zvinopupura nezvaKristu (ona 2 Nifai 11:4; Mosesi 6:63), nokudaro Mutsvage muzviitiko, nyaya, nedzidziso dzemagwaro matsvene. Funga pamusoro pekunyora pasi kana kumaka ndima dzinodzidzisa pamusoro peMuponesi uye mateverero atingaMuite.

Tsvaga Mashoko neNdevo Zvinokurudzira

Ungangowana kuti mamwe mashoko nendevo zviri mumagwaro matsvene zvinokufadza, sekunge zvakanyorwa zvakanangana newe. Zvingangonzwika kuva zvinoenderana newe pachako uye zvichikukurudzira nekukushishivadza. Funga pamusoro pekuzvimaka mumagwaro matsvene ako kana kuzvinyora mujenari rako raunonyora zvaunonzvera.

Tsvaga Zvokwadi zveVhangeri

Dzimwe nguva zvokwadi zvevhangeri (kazhinji zvinodaidzwa kuti dzidziso kana misimboti) zvinotaurwa pachena, uye dzimwe nguva zvinotaurwa kuburikidza nemuenzaniso kana nyaya. Zvibvunze kuti, “Ndezvipi zvokwadi zvekusingaperi zvinodzidziswa mundima idzi?”

Teerera kuMweya

Teerera kupfungwa dzako nemanzwiro ako, kunyange kana dai zvisingaenderani nezvauri kuverenga. Manzwiro iwayo angangova iwo zvinhu chaizvo izvo Baba vako Vekudenga zvavanoda kuti udzidze uye nokunzwa.

Mufananidzo
mudzimai achinzvera magwaro matsvene 2

Fananidza Magwaro Matsvene kuUpenyu Hwako

Funga pamusoro pemashandiro anoita nyaya nedzidziso zvauri kuverenga kuupenyu hwako. Semuenzaniso, unokwanisa kuzvibvunza kuti, “Zviitiko zvipi zvandakava nazvo zvakafanana nezvandiri kuverenga?” kana kuti “Ndingatevere sei muenzaniso wemunhu uyu ari mumagwaro matsvene?”

Bvunza Mibvunzo

Kubvunza mibvunzo pamusoro pevhangeri kunokwanisa kukubatsira kusarudza zvaunofanira kunzvera. Apo paunonzvera magwaro matsvene, mibvunzo ingangouyawo mupfungwa. Mibvunzo iyi ingangova inoenderana nezvauri kuverenga kana neupenyu hwako hwemazuva ose. Fungisisa mibvunzo iyi, uye wotsvaga mhinduro apo paunoenderea mberi nekunzvera magwaro matsvene. Mushure mekunzvera kwako, bvunza zvimwe izvo Mwari zvavangada kuti udzidze, uye womirira mhinduro mukati memaawa nemazuva anotevera.

Shandisa Zvibatsiro zveKunzvera Magwaro Matsvene

Kuti uwane dzimwe nzwisiso mundima dzaunoverenga, shandisa manotsi epazasi, Nhungamiri kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org), nezvimwe zvibatsiro zvekunzvera.

Funga Pamusoro Pekuti Zvinyorwa Zvitsvene Zvacho Zvakanyorwa Mumamiriro eZvinhu Api

Unokwanisa kuwana nzwisiso dzakakosha pamusoro pechinyorwa chitsvene kana ukafunga nezve musoro wenyaya wacho—mamiriro ezvinhu kana zvaiitika panguva yechinyorwa chitsvene chacho. Semuenzaniso, kuziva mamiriro ezvinhu uye zvitendero zvevanhu avo muporofita vaakataura navo zvinokwanisa kukubatsira kuti unzwisise vavariro yemashoko ake.

Mufananidzo
murume achiunzvera magwaro matsvene

Nyora Pasi Pfungwa Dzako neManzwiro Ako

Pane nzira dzakawanda dzekunyora nadzo pasi manzwiro anouya apo paunonzvera. Semuenzaniso, unokwanisa kumaka shoko rakakosha kana ndevo yakakosha uye wonyora pasi pfungwa dzako sechinyorwa cheyeuchidzo mumagwaro matsvene ako. Unokwanisawo kuchengeta jenari renzwisiso, manzwiro uye nepfungwa zvaunogamuchira. Kana kuti ungangonyora pasi mubvunzo wawakabvunza usati watanga kunzvera kwako, uchiteverwa nemhinduro dzawakatungamirwa kwadziri.

Nzvera Mashoko eVaporofita neVaapositora veMazuva Ekupedzisira

Verenga izvo zvakadzidziswa nevaporofita nevaapositora vemazuva ekupedzisira pamusoro pemisimboti yaunowana mumagwaro matsvene. Mashoko avo anowanikwa “muMusangano Mukuru,” “Mamagazini,” nemamwe mabhuku ari muRaibhurari yeVhangeri.

Verenga Nyaya dzemumagwaro matsvene

Verenga nyaya dziri mumagwaro matsvene, uchitsvaga kuti unzwisise mamiriro ezvinhu adzakataurwa (nguva, nzvimbo, mutauri, uye vateereri). Nyaya dzemumagwaro matsvene dzakaiswa mifananidzo dzinova chishandiso chikuru kune izvi, kunyanya kuvana uye nhengo dzechechi vasinganyatsoziva magwaro matsvene.

Govera Nzwisiso

Kukurukura nzwisiso dzaunowana pakunzvera kwako pachako haisi chete nzira yakanaka yekudzidzisa vamwe, asiwo zvinobatsira kusimbisa nzwisiso yako yezvawakaverenga.

Rarama Maererano neZvaunodzidza

Kunzvera magwaro matsvene kunokwanisa kutikurudzira nokutitungamira kuti tishandure mararamiro atinoita. Teerera kune izvo zvaunofemerwa neMweya kuti uite apo paunenge uchiverenga, uye zvino wozvipira kuita chinhu pafemero idzodzo.

Dhinda