Magwaro Matsvene
Sei Tichifanira Kunzvera Magwaro Matsvene?


“Sei Tichifanira Kunzvera Magwaro Matsvene?” Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene (2021)

“Sei Tichifanira Kunzvera Magwaro Matsvene?” Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene

Mufananidzo
Christ institutes the sacrament among the Nephites [Kristu anotangisa sakaramende pakati pevaNifai], naAndrew Bosley

Sei Tichifanira Kunzvera Magwaro Matsvene?

Kana tikanzvera magwaro matsvene neushingairi, tinosvika pedyo naJesu Kristu uye tinosvika pakunzwisisa zvirinani vhangeri Rake uye nekuzvipira kwerudzikinuro Kwake. Muporofita Nifai akatikurudzira nenzira iyi:

“Naizvozvo, munofanira kuenderera mberi musingazungunuki muna Kristu, muine rujeko rwakarurama rwetariro, uye norudo rwaMwari navanhu vose. Naizvozvo, kana imi mukazoenderera mberi, muchidya pashoko raKristu, uye mukashingirira kusvika kumagumo, tarisai, nokudaro vanotaura Baba: Imi muchava noupenyu hwokusingaperi” (2 Nifai 31:20).

Mufananidzo
mhuri ichiverenga magwaro matsvene

Dzidziso dzinobva mumagwaro matsvene dzinozotibatsira kudzokera kuna Baba vedu Vokudenga. Vaporofita vedu vemazuva ekupedzisira vakatikumbira kuti tianzvere nguva dzose sevanhu pachavo uye, apo pazvakafanira, semhuri. Vakatikoka kuti tidzidze kubva kuzviitiko zveavo vari mumagwaro matsvene uye kuti tishandise tsananguro nedzidziso dzemumagwaro matsvene kuupenyu hwedu nhasi, sekuraira kunoita Nifai muna 1 Nifai 19:23. Vaporofita vechinyakare uye vemazuva ano vakatikoka kuti tinzvere magwaro matsvene uye kuti “tidye pamashoko aKristu” (2 Nifai 32:3).

Mufananidzo
murume achiverenga magwaro matsvene

Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisawo chokwadi chakakosha ichi pamusoro “pekudya” pamagwaro matsvene.

“Kudya kunoreva zvinopfuura kuravira. Kudya kunoreva kunakirwa zvikuru. Tinonakirwa nemagwaro matsvene kuburikidza nekuanzvera mumweya wekuwana zvinofadza uye kuteerera kwakatendeka. Apo patinodya pamashoko aKristu, anodzamiswa ‘mumahwendefa enyama omwoyo’ [2 vaKorinte 3:3]. Anova chikamu chakakosha chehunhu hwedu” (“Living by Scriptural Guidance,” Ensign, Mbudzi 2000, 17).

Apo patinoramba tichitora chinhano mukunzvera magwaro matsvene kwedu tega uye semhuri, isu nemhuri dzedu tinokwanisa kutungamirirwa, kudzivirirwa, uye kusimbiswa kubva kuzvinetso zvizhinji zvenguva yedu.

Dhinda