2010–2019
Musanetseke
Gumiguru 2018


Musanetseke

Shingai mabhuratha nemasisita. Hongu, tiri kurarama munguva dzakazara nenjodzi, asi apo patinoramba tiri munzira yechibvumirano, hatifaniri kutya.

Ndinowedzera uchapupu hwangu kumashoko aMutungamiri Russell M. Nelson naGosa Quentin L. Cook, apuwa chinguva chichangopfuura eyanano nebvumirano yeDare reHutungamiri Hwekutanga neChikwata cheVaapositorai vaneGumi neVaviri. Ndinoziva kuti zviziviso zvekuzarurirwa izvi ipfungwa nekuda kwaIshe uye zvinokomborera nekusimbisa vanhu pachavo, mhuri, uye neChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira kwezvizvarwa zvichatevera.

Mamwe makore akapfuura ayo, mumwe wevanasikana vedu akanga achangochata nemurume wake vakabvunza Sisita Rasband neni mubvunzo wakakosha zvikuru, mubvunzo unoshandura upenyu: “Zvichiri chinhu chisana njodzi uye chineungwaru here kuunza vana nekuvakudza munyika ino yatiri kurarama inoratidzika kuva yakaipa uye inotyisa?”

Zvino, uyu waiva mubvunzo wakakosha wekuti mai nababa vafunge nevana vavo vakachata vavanoda . Tainzwa kutya kwaiva mumanzwi avo uye tainzwa kutya kwaive mumwoyo yavo. Mhinduro yedu kwavari yakasimba yaiva yekuti “Hongu, zvakanakisa Chose,” apo pataigoverana navo dzidziso dzinokosha dzevhangeri uye izvo zvaibva pamwoyo pedu chaipo nezvataive tasangana nazvo muupenyu.

Kutya hachisi chinhu chitsva. Vadzidzi vaJesu Kristu, varimugungwa reGarirea, vakatya “mhepo nemafungo emvura” murima reusiku.1 Sevadzidzi Vake nhasi, isuwo tine kutya. Vakuru vechidiki vedu vasati vachata vanotya kuita zvitsidzo zvakaita sekuchata. Avo vachangochata, sevana vedu, vanokwanisa kutya kuunza vana munyika irikuwedzera pakuipa. Vashumiri vanotya zvinhu zvizhinji, kunyanya kutanga kutaudza vanhu vavasingazivi. Shirikadzi dzinotya kufambira mberi neupenyu dziri dzega. Avo vachirikuyaruka vanotya kusagamuchirwa; vachiri kuchikoro chepuraimari vanotya zuva rekutanga rechikoro, vadzidzi vekuyunivhesiti vanotya kudzoserwa bvunzo ravakanyora. Tinotya kutadza, kurambwa, rusuwo, uye zvinhu zvatisingazivi. Tinotya madutu, kudengenyeka kwenyika, nemoto inoparadza nyika neupenyu hwedu. Tinotya kusasarudzwa, uye nerimwe divi, tinotya kusarudzwa. Tinotya kuti hatikodzeri zvakakwana; tinotya kuti Mwari havana makomborero edu. Tinotya shanduko, uye kutya kwedu kunogona kukwirira kusvika pakuva kutya kukurusa. Ndasanganisira munhu wese here apa?

Kubvira nguva dzemakare kare, kutya kwakadzikisira maonero evana vaMwari. Ndakagara ndichida rondedzero yaErisha muna 2 Madzimambo. Mambo weSiria akange atuma mauto ayo “akafamba neusiku, uye akakomba guta.”2 Chinangwa chavo chaive chekubata nekuuraya muporofita Erisha. Tinoverenga kuti:

“Zvino muranda wemunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo nemabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, Haiwa tenzi wangu! tichadiniko?”3

Uku kwaive kutya kwaitaura.

“Uye [Erisha] akapindura akati, Usatya hako: nekuti varikwatiri vanopfuura varikwavari pakuwanda.”4

Asi haana kugumira ipapo.

“Erisha akanyengetera, akati, Jehova svinudzai henyu meso ake, aone. Ipapo Jehova akasvinudza meso ejaya; akaona gomo rizere nemabhiza nengoro dzemoto zvakanga zvakakomba Erisha.”5

Tinogona kunge tiine kana tisina ngoro dzemoto dzakatumirwa kubvisa kutya kwedu uye kukunda madhimoni edu, asi chidzidzo chacho chiri pachena. Ishe vanesu, vanotirangarira uye vanotikomborera nenzira idzo Ivo vega dzavanokwanisa kuita. Munamato unogona kudanira pasi simba uye zvakazarurwa zvatinoda kunangisa pfungwa dzedu pana Jesu Kristu nerudzikinuro rwekuzvipira Rwake. Ishe vaiziva kuti pane dzimwe nguva dzatichanzwa kutya. Ini ndakabva neko uye nemiwo makabva neko, ndosaka magwaro matsvene azere nerairo yaIshe inoti:

“Ivai nekufara, uye musatye.”6

“Tarisira kwandiri mupfungwa yose; musashaya chokwadi, musatye.”7

“Musatye, imi vegungano diki”8 Ndinoda kupfava kwechirevo chokuti, “kapoka kaduku.” Muchechi ino tingangova vashoma muhuwandu nenzira yemaverengero anoita nyika hukuru, asi apo patinovhura maziso edu ezvemweya, “vari kwatiri vanopfuura vari kwavari.”9 Mufudzi wedu ane rudo, Jesu Kristu, zvino anoenderera mberi achiti, “Regai nyika negehena zvikukutsiranei, nokuti kana makavakira padombo rangu, hazvikwanisi kukunda.”10

Kutya kunobviswa sei? Kumukomana mudiki, aive akamira pedyo naErisha, muporofita waMwari. Tine vimbiso imwecheteyo. Apo patinoteerera Mutungamiri Russell M. Nelson, apo patinoteerera rairo yavo, tinenge takamira nemuporofita waMwari. Rangarirai mashoko aJoseph Smith: “Uye zvino, mushure meuchapupu hwakawanda hwakapihwa pamusoro pake, uhu ndihwo uchapupu, hwekupedzisira pane hwose, hwatinopa pamusoro pake: Kuti mupenyu!”11 Jesu Kristu mupenyu. Rudo rwedu kwaAri nevhangeri Rake rwunobvisa kutya.

Chido chedu chekuti “tive neMweya wake nguva dzose”12 uinesu chinozosundidzira kutya padivi kuti tive nekuona kwekusingaperi kwakawedzera kwehupenyu hwedu hunofa. Mutungamiri Nelson vakayambira kuti, “Mumazuva arikuuya, zvichange zvisingakwanisike kurarama pamweya pasina kutungamira, kuraira, kunyaradza, neshanduro yenguva dzose zveMweya Mutsvene.”13

Ishe vakati, maererano nematambudziko ayo anozofukidza nyika uye anozoomesa mwoyo yevazhinji, “Vadzidzi vangu vachamira munzvimbo tsvene, uye havazozunungutswi.”14

Uye zvino rairo yehumwari iyi: “Musanetseke, nokuti, pachaitika zvose zvinhu izvi muchazoziva kuti vimbiso dzakaitwa kwamuri dzichazadzikiswa.”15

Mirai munzvimbo tsvene—musanetseke—uye vimbiso dzichazadzikiswa. Ngatitarisei pane chimwe nechimwe cheizvi maererano nekutya kwedu.

Chekutanga, mirai munzvimbo tsvene. Apo patinomira munzvimbo tsvene—dzimba dzedu dzakarurama, zvivako zvedu zvekunamatira zvakakumikidzwa, matemberi akatsaurwa—tinonzwa Mweya waIshe uinesu. Tinowana mhinduro kumibvunzo inotinetsa kana runyararo rwekungodziisa padivi. Ndiwo Mweya unenge uchishanda. Nzvimbo dzinoyera idzi muumambo hwaMwari pasi pano dzinoda ruremekedzo rwedu, rukudzo rwedu kuna vamwe, kunakisisa kwedu pachedu pakurarama vhangeri, uye tariro dzedu dzekuisa parutivi kutya kwedu nekutsvaga simba rinoporesa raJesu Kristu kuburikidza neRudzikinuro Rwake.

Hakuna nzvimbo yekutya munzvimbo idzi tsvene dzaMwari kana mumwoyo yevana Vavo. Sei? Nekuda kwerudo. Mwari vanotida—nguva dzose—uye isu tinoVada. Rudo rwedu rwaMwari rwunokunda kutya kwese, uye rudo Rwavo rwunowanikwa zvakasimba munzvimbo tsvene. Funga pamusoro pazvo. Apo patinenge tisina chokwadi mukuzvipira kwedu kuna Ishe, apo patinotsauka kubva munzira Yavo inotungamira kuupenyu hwekusingaperi, apo patinobvunza kana kusava nechokwadi nekukosha kwedu muhurongwa Hwavo hwehumwari, apo patinotendera kuti kutya kuvhurire musuwo kuvafambidzani vako vose—kuora mwoyo, hasha, kushungurudzika, rusuwo—Mweya unotisiya, uye tinenge tisisina Ishe. Kana uchiziva kuti izvozvo zvakaita sei, unoziva kuti haizi nzvimbo yakanaka kuva. Mukusiyana, apo patinomira munzvimbo tsvene, tinogona kunzwa rudo rwaMwari, uye “rudo rwakarurama runodzinga kutya kwese.”16

Vimbiso inotevera ndeyekuti “Musanetseke.”17 Zvisinei nekuti huipi nenyonga nyonga zvinozadza pasi zvakakura sei, tinovimbiswa kuburikidza nekutendeka kwedu kwezuva nezuva muna Jesu Kristu kuti “rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwese.”18 Uye apo Kristu paanouya musimba rose nokubwinya kwose, huipi, rupanduko, uye kusaenzanisa zvinozopera.

Kare kare Muapositora Pauro akaporofita nezvenguva yedu, achiti kuna Timotio mudiki:

“Tinoziva kuti mumazuva ekupedzisira nyika ichava munyonga nyonga.

“Nokuti vanhu vachava vanozvida pachezvavo, vanochiva, vanozvirumbidza, vanodada, vanomhura, vasingateerere vabereki, vasingatende, vasisiri vatsvene, …

“… vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.”19

Rangarirai, “varikwatiri” kumativi ese echidzitiro, avo vanoda Ishe nemwoyo wavo wese, hukuru, pfungwa, nesimba, “vanopfuura vari kwavari.”20 Kana tichishingirira kuvimba muna Ishe uye nenzira Dzavo, kana tiri kuita basa Ravo, hatizotya maitiro enyika kana kunetswa nazvo. Ndinoteterera kwamuri kuti muise parutivi pesvedzero nemanikidzo dzepanyika uye mutsvage zvemweya muupenyu hwenyu hwezuva nezuva. Idai zvinodiwa naIshe—izvo zvinosanganisira mirairo Yavo, dzimba tsvene Dzavo, zvibvumirano zvedu zvinoyera Navo, sakaramende zuva reSabata rega rega, kutaurirana kwedu kuburikidza nemunamato—uye hamuzonetseki.

Pfungwa yekupedzisira: vimbai naIshe nevimbiso Dzavo. Ndinoziva kuti dzese vimbiso dzavo dzichazadzikiswa. Ndinozviziva zvakasimba sekumira kwandakaita pano pamberi penyu mumusangano unoyera uno.

Ishe vakazivisa kuti: “Nokuti avo vakangwara uye vakagashira chokwadi, uye vakatora Mweya Mutsvene kuti uvatungamire, uye vasina kunyengedzwa—zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, havazotemwa nokukandwa mumoto, asi kuti vachagara muzuva iroro.”21

Uku ndiko kusaka tisingafanire kunetseka nemhirizhonga yanhasi, neavo vari muchivako chikurusa uye chakapamhama, neavo vanozvidza kuedza kwechokwadi nehushandiri hwekuzvipira kuna Ishe Jesu Kristu. Tarisiro yakanaka, ushingi, kunyangwe nerudo rutsvene zvinobva mumwoyo usina kuremedzwa nematambudziko kana nemhirizhonga. Mutungamiri Nelson, avo “vane tarisiro yakanaka pamusoro peramangwana,” vakatiyeuchidza kuti, “Kana tichida kuti tizove neipi zvayo tariro yekutsvaga nemuzviuru zvemanzwi nedzidziso zvevanhu izvo zvinopikisa chokwadi, tinofanira kudzidza kugamuchira zvakazarurwa.”22

Kuti tigamuchire zvakazarurwa zvedu pachedu, tinofanira kutungamidza pamberi kurarama vhangeri uye kukurudzira rutendeko uye zvemweya mune vamwe pamwepo nematiri pachedu.

Spencer W. Kimball aive mumwe wevaporofita vemuhuduku hwangu. Makore mashoma apfuura ayo, mushure mekudaidzwa seMuapositora, ndakawana runyararo mushoko rake rekutanga pamusangano mukuru muna Gumiguru 1943. Akanga aremerwa nedaidzo yake; ndinoziva manzwiro azvinoita izvozvo. Gosa Kimball vakati: “Ndakava nekufunga nekunamata kukuru, nekutsanya nekunamata. Kwaive nepfungwa dzaipokana dzaipfuura nemupfungwa dzangu—manzwi airatidzika seaiti: ‘Haugone kuita basa iri. Hauna kukodzera. Hauna kwaniso yacho uye’—nguva dzose pekupedzisira kwaiuya pfungwa yerukundo yaiti: ‘Unofanira kuita basa rawakapuwa—unofanira kuzviita kuti uve anokwanisa, akakodzera uye aneruzivo rwaro.’ Kurwiswa uku kwakaramba kuchienderera zvakasimba.”23

Ini ndinoshingiswa kubva muuchapupu hwakachena mwoyo hweMuapositora uyu akazova Mutungamiri wechigumi nevaviri weChechi huru ino. Akaziva kuti aifanira kuisa kumashure kutya kwake kuti “aite basa raakapuwa” uye kuti aifanira kuvimba naIshe kuti awane simba rekuti azviite kuti ave “anogona, akakodzera uye ane ruzivo.” Nesu tinokwanisawo. Hondo dzicharamba dzichienda mberi, asi tichatarisana nadzo neMweya waIshe. “Hatizonetseki” nekuti apo patinomira naIshe uye nokumirira misimboti Yavo nechirongwa Chavo chekusingaperi, tinenge takamira panzvimbo tsvene.

Zvino, pamusoro pemwanasikana nemukuwasha avo vakabvunza mubvunzo nemwoyo wose uye wakadzamisisa, waive nekutya mukati makore apfuura ayo. Vakanyatsofunga nezve hurukuro yedu husiku ihwohwo; vakanamata nekutsanya, uye vakasvika pamhinduro yavo vega. Nokufara uye nemufaro kwavari nekwatiri, sekuru naambuya, ikozvino vakakomborerwa nevana vanomwe vakanaka apo pavanofambira mberi murutendo nerudo.

Mufananidzo
Vanomwe vevazukuru vaGosa naSisita Rasband.

Shingai mabhuratha nemasisita. Hongu, tiri kurarama munguva dzakazara nenjodzi, asi apo patinoramba tiri munzira yechibvumirano, hatifaniri kutya. Ndinokuropafadzai kuti apo pamunodaro, hamuzonetseki nenguva dzatiri kurarama kana matambudziko anouya kwamuri. Ndinokuropafadzai kuti musarudze kumira munzvimbo tsvene uye musazunungutswa. Ndinokuropafadzai kuti mutende muvimbiso dzaJesu Kristu, dzekuti Mupenyu uye kuti Arikutitarisira, achititaririra nokumira nesu. Muzita raIshe neMuponesi wedu, Jesu Kristu, ameni.

Dhinda