2010–2019
Kuva Mufudzi
Gumiguru 2018


Kuva Mufudzi

Ndinovimba kuti avo vaunoshumira kwavari vanozokuona seshamwari uye vagoziva kuti, mauri, vane mutsigiri uye shamwari yapamwoyo.

Gore rakapfuura iro, mwana wePuraimari wandakasangana naye muChile akaunza runyemwerero kuchiso changu. “Mhoroi,” akadaro, “Ndini David. Mungazotaura nezvangu here mumusangano mukuru?”

Munguva dzakanyarara, ndakafungisisa nezvekukwazisa kwaDavid kwandakanga ndisingatarisiri. Tose tinoda kuzivikanwa. Tinoda kuva vakakosha, kurangarirwa, uye nokunzwa kudiwa.

Masisita nemabhuratha, mumwe nemumwe wenyu akakosha. Kunyangwe mukasataurwa nezvenyu mumusangano mukuru, Muponesi anokuzivai uye anokudai. Kana muchishama kana izvi zviri zvechokwadi, munofanira chete kufunga kuti “Akakuvezerai [imi] pazvanza zvemaoko [Ake].”1

Nokuziva kuti Muponesi anotida, tingagoshama zvino, kuti tingagona kutaridza sei zvakanakisisa rudo rwedu kwaAri?

Muponesi akabvunza Petro kuti, “Unondida here…?”

Petro akapindura achiti, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari, Fudza makwai angu.”

Apo paakabvunzwa mubvunzo uyu zvose kechipiri nekechitatu kuti, “Unondida here?” Petro akarwadziwa pamwoyo asi zvisinei akasimbisa rudo rwake achiti: “Ishe, munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari, Fudza makwai angu.2

Petro akanga asina here kuzviratidza kare semuteveri anerudo waKristu? Kubva pakusangana kwavo kwekutanga pamahombekombe egungwa, iye “pakarepo” akasiya usvasvi hwekuredzesa hove hwake akatevera Muponesi.3 Petro akava muredzi wechokwadi wavanhu. Akaperekedza Muponesi panguva yehushumiri Hwake pachake uye akabatsira kudzidzisa vamwe vhangeri raJesu Kristu.

Asi iyezvino Ishe akamutswa kuvakafa akaziva kuti. haaizovazve parutivi rwaPetro, achimutaridza mashandiriro uye nguva yaaifanira kushandira. Mukusavapo kweMuponesi, Petro aizofanira kutsvaga nhungamiro kubva kuMweya, kugamuchira zvakazarurwa iye pachake oga uye zvino agova nehushingi uye rutendo rwekuita zvaanenge audzwa. Akanangisa pamakwayi Ake, Muponesi aida kuti Petro aite izvo zvaAizoita kana Iye ainge aripo. Akakumbira Petro kuti ave mufudzi.

Kubvumbi wakapfuura uyo, Mutungamiri Russell M. Nelson vakapa kwatiri kukoka kumwecheteko kuti tifudze makwai aBaba nenzira ine hutsvene uye kuita kudaro kuburikidza nekushumira.4

Kuti tigamuchire kukokwa uku zvinobudirira, tinofanira kukudziridza mwoyo wemufudzi uye kunzwisisa zvidikanwi zvemakwai aIshe. Saka tingave sei vafudzi avo Ishe vavanoda kuti tive?

Sezvazviri nemibvunzo yose, tinogona kutarisa kuMuponesi wedu, Jesu Kristu—Mufudzi Akanaka. Makwai eMuponesi aizivikanwa uye aive akaverengwa, aitaririrwa, uye akaunganidzwa mudanga raMwari.

Kuzivikanwa neKuverengwa

Apo patioedza kutevera muenzaniso weMuponesi, tinofanira kutanga taziva uye nokuverenga makwai Ake. Takapihwa vamwe vanhu uye nedzimwe mhuri kuti titaririre kuitira kuti tive nechokwadi kuti zvipfuwo zvose zvaIshe zvinozivikanwa uye kuti hapana anokanganikwa. Kuverenga, zvisinei, hakusi chete pamusoro pehuwandu; kuri pamusoro pekuita chokwadi chekuti munhu mumwe nemumwe anonzwa rudo rweMuponesi kuburikidza nemumwe munhu anoshandira akamumiririra Iye. Nenzira iyoyo, vose vanokwanisa kuziva kuti vanozivikanwa naBaba Vokudenga vanerudo.

Mufananidzo
Muponesi ainegwayana

Munguva pfupi yakapfuura ndakasangana nemusikana wechidiki akanga arongerwa kuti ashumire kuna sisita vakuru kwaari nemakore ekuzvarwa angangova akapetwa kashanu. Pamwechete, vakaziva kuti vose vaida mumhanzi. Apo musikana wechidiki uyu paanoshanya, vanoimba nziyo pamwechete, uye vanogoverana idzo dzavanonyanya kufarira. Varikuumba hushamwari hunokomborera upenyu hwavo vose.

Ndinovimba kuti avo vaunoshumira kwavari vanozokuona seshamwari uye vagoziva kuti, mauri, vane mutsigiri uye shamwari yepamwoyo—mumwe munhu anoziva mamiriro ezvinhu avo uye anovatsigira mutarisiro nemuzvishuviro zvavo.

Nguva pfupi yakapfuura iyo ndakapihwa basa rekushumira kune vamwe sisita avo mufambidzani wangu neni vataiva tisingazive zvakanaka. Apo pandakarairana naJess, mufambidzani wangu muhushumiri wemakore 16 okuzvarwa, akapa zano rine ungwaru achiti, “Tinofanira kuti tizivane navo.”

Mufananidzo
Sisita Cordon nemufambidzani wavo pakushumira

Pakarepo takasarudza kuti kutumira mufananidzo wedu watinotora nenharembozha uye nemashoko ekuzvisuma chaiva chinhu chakanaka. Ndakabata nharemboza, uye Jess akadzvanya bhatani rekutora mufananidzo wacho. Mukana wedu wekutanga wekushumira waive kuyedza kwehufambidzani.

Pashanyo yedu yokutanga, takabvunza sisita vedu kana paiva nechimwe chinhu chataikwanisa kusanganisira muminamato yedu takavamiririra. Vakagovera chinetso chairema chavo pachavo uye vakati vaizotenda zvikuru neminamato yedu. Huchokwadi uye neruvimbo rwavo zvakaunza hukama hwerudo pakarepo. Wakava mukana wakanakisa zvikuru kumurangarira muminamato yangu yezuva nezuva.

Apo paunonamata, unozonzwa rudo rwaJesu Kristu kune avo vaunoshumira kwavari. Goverana navo rudo irworwo. Ndeipi nzira irinani iripo yekufudza makwai Ake ingadarika kuvabatsira kuti vanzwe rudo Rwake—kuburikidza newe?

Kutaririrwa

Nzira yechipiri yekuti tikudziridze mwoyo wemufudzi ndeye kutaririra makwai Ake. Senhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, tinogona kufambisa, kugadzirisa, kunhadzira, uye kuvaka zvakare chingangova chero chipi zvacho. Tinokurumidza kuzadzisa zvidikanwi nekupa rubatsiro kana nekupa ndiro yezvokudya. Asi pane zvimwe here?

Makwai edu anoziva here kuti tiri kuataririra nerudo uye kuti tinozotora chidanho kuvabatsira?

Muna Mateo 25 tinoverenga kuti:

“Uyai, imi makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi … :

“Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya: Ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa: Ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira: …

“Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, Ishe takakuonai riinhiko mune nzara, tikakupai chokudya? kana mune nyota, tikakupai chokunwa?

“Riinhiko watakakuonai muri mweni, tikakugamuchirai?”5

Mabhuratha neMasisita, izwi rakakoshesesa nderinoti takakuonai. “Vakarurama vakaona avo vaive nezvidikanwi nekuti vainge vachitarisisa uye vachicherechedza. Nesuwo tinogona kuva ziso rinotarisisa kuti tibatsire nekunyaradza, kupemberera uye kunyange kushuvira zvinhu zvakanaka. Apo patinoita chinhu, tinogona kuva nechokwadi chevimbiso iri muna Mateo yekuti: Pamakazviitira mumwe wavaduku ava … , makazviitireni.”6

Mufananidzo
Muponesi achiriritira hwai

Imwe shamwari—tinozomudaidza kuti John kuti asazivikanwe—akagovera zvinogona kuitika apo patinoona chidikanwi chemumwe chisinganyotsoonekwi: “Vamwe sisita muwadhi medu vakaedza kuzviuraya. Mushure memwedzi miviri, ndakaona kuti hapana munhu muchikwata changu akanga amboenda kumurume wavo kuti agadzirise chiitiko ichi chaishungurudza zvikuru. Zvinosuwisa ndezvekuti, iniwo ndakanga ndisina zvandakaita nezvazvo. Pakupedzisira, ndakakoka murume uyu kuti ndidye naye kudya kwemasikati. Akanga ari murume anonyara, kazhinji akazvinyararira. Asi zvakadaro pandakati, ‘Mudzimai wako akaedza kuzviuraya. Izvi zvinofanira kunge zvakakuomera zvikuru. Unoda kutaura pamusoro pazvo here?’ akachema zvaiva pachena. “Takava nehurukuro inobata mwoyo uye yepachivande uye takavamba hushamwari hwepedyo-pedyo neruvimbo pakati pedu mumaminitsi mashomanana”

John akawedzera kuti, “Ndinofunga kuti maitiro edu ndeekungouya nezvekudya panzvimbo pekufunga zvatingaite nezvemamiriro ezvinhu anenge aripo muchokwadi uye murudo.”7

Hwai yedu inogona kunge ichirwadziwa, yakarasika kana kunyangwe kutsauka pamadiro; semufudzi wayo, tinogona kuva pakati peavo vanotanga kuona chidikanwi chavo. Tinogona kuteerera nekuda pasina mutongo uye nokupa tariro nerubatsiro kuburikidza nenhungamiro ineruzivo yeMweya Mutsvene.

Masisita nemabhuratha, nyika yakazadzwa zvakanyanya netariro uye nemufaro nepamusana pezviito zvakafemerwa zvemutsa zvamunoita. Apo pamunotsvaga nhungamiro yaIshe pamusoro pemaratidziro amungaita rudo Rwavo uye nokuona zvidikanwi zveavo vamunoshumira kwavari, munozova nekunzwisisa kurinani. Basa renyu rinoyera rokushumira rinokupai kodzero yehumwari yefemero. Munokwanisa kutsvaga femero iyoyo nechivimbo.

Kuunganidzwa muDanga raMwari

Kechitatu, tinoda makwai edu kuti aunganidzwe mudanga raMwari. Kuita izvi, tinofanira kufunga pamusoro pepavari panzira yechibvumirano uye tova nechido chekufamba navo parwendo rwavo rwerutendo. Tine mukana unoyera wekusvika pakuziva mwoyo yavo uye tovanongedzera kuna Muponesi wavo.

Mufananidzo
Makwai achitevera Mufudzi Wakanaka

Sisita Josivini vemuFiji vakanga vachinetseka kuona nzira yavo yekuenderera mberi munezvemweya—chaizvo izvo. Shamwari yavo yakaona kuti Josivini aitambudzika kuona zvakanyatsonaka zvinyorwa zvitsvene kuti akwanise kuverenga. Akapa Josivini magirazi ekuverengesa matsva uye nepenzura yeyero yakajeka kuti agomaka nayo pose paitaurwa nezvaJesu Kristu muBhuku raMormoni. Chimwe chinhu chakatanga sechido chakareruka chekushumira uye kubatsira kunzvera magwaro matsvene chakagumisira nekuenda kwaJosivini kutemberi kekutanga mushure memakore 28 abhabhatidzwa.

Mufananidzo
Sisita Josivini
Mufananidzo
Sisita Josivini vari patemberi

Kunyange makwai edu akasimba kana kuti asina kusimba, achifara kana kuti ari murusuwo, tinokwanisa kuita chokwadi chekuti hapana anofamba ega. Tinokwanisa kuvada papi zvapo pavari pane zvemweya uye nokuvapa rutsigiro uye nekurudziro yechinhanho chinotevera kumberi. Apo patinonamata uye tichitsvaga kunzwisisa mwoyo yavo, ndinopupura kuti Baba Vokudenga vanozotitungamirira uye Mweya Wavo unozoenda nesu. Tine mukana wekuva “ngirozi dzakavakomberedza” apo paVanoenda pamberi pehuso hwavo.8

Mufananidzo
Mufudzi Akanaka aine makwai Ake

Ishe vanotikoka kuti tifudze makwai Avo, tiriritire zvipfuwo Zvavo sezvavanoita. Vanotikoka kuti tive vafudzi kune marudzi ose, nenyika dzose. (Hongu, Gosa Uchtdorf, tine rudo uye tinoda vafudzi vechiGerman.) Uye Vanoda kuti vanhu Vavo vechidiki vabatanewo mukuita basa iri.

Vechidiki vanogona kuva vamwe vevafudzi vakasimba chaizvo. Sekutaura kweMutungamiri Russell M Nelson kwekuti, vari “pakati pevakanakisa avo Ishe vavakambobvira vatumira kunyika ino.” Ndivo “mweya inoremekedzwa,” “vabatsiri vakakoshesesa,” vedu avo vanotevera Muponesi.9 Mungafungidzira here simba rinozounzwa nevafudzi vakadaro apo pavanotaririra makwai Ake? Tikashumira tiripamwechete nevechidiki ava, tinoona zvishamiso.

Vasikana veChidiki uye vakomana vechidiki, tinokudai! Kana musina kupihwa basa rehushumiri, taurai nemutungamiri wenyu weChita cheRubatsiro kana wechikwata chemagosa. Vanozofara muchido chenyu chekuita chokwadi chekuti makwai Ake azivikanwa nekuverengwa, ataririrwa, uye aunganidzwa mudanga raMwari.

Apo zuva iroro parichasvika rekuti tizopfugama patsoka dzeMuponesi wedu anodiwa, tichinge tariritira zvifpuwo Zvake, ndinonamata kuti tinokwanisa kupindura sezvakaitwa naPetro kuti: “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.”10 Aya, Makwai Enyu, anodiwa, uye akachengetedzeka, uye ari pamba. Muzita raJesu Kristu, ameni.

Dhinda