2010–2019
Kuva Mienzaniso Yakanaka yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira
Gumiguru 2018


Kuva Mienzaniso Yakanaka yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira

Ndinosiya rudo rwangu neropafadzo rangu pamuri, kuti mugoguta pashoko raIshe uye mushandise dzidziso Dzake muupenyu hwenyu pachenyu.

Uyu wanga uri musangano unokurudzira uye usingakanganwiki. Tinotarisira kune ramangwana nechido chikuru. Takurudzirwa kuita zvirinani uye kuva varinani. Mashoko akanaka zvikuru ataurwa papurupiti ino neVatungamiri Vakuru uye naVabati veZvigaro Vakuru vedu uye nemumhanzi zvanga zviri zvinokurudzira zvikuru! Ndinokukurudzirai kuti munzvere mashoko aya, muchikutangisa vhiki rino.1 Anotaura pfungwa uye chido chaIshe kuvanhu Vavo, nhasi.

Dzidzo itsva yakamisirwa kumba, inotsigirwa neChechi inekwaniso yekuburitsa simba remhuri, apo mhuri yega yega painoramba ichiedza zvakasimba zvikuru kushandura imba yavo kuti ive nzvimbo yeruchengeteko neutiziro hwerutendo. Ndinovimbisa kuti apo pamunoshanda neushingi hukurusa kushandura imba yenyu kuti ive nzvimbo yekudzidza vhangeri, nekufamba kwenguva mazuva enyu eSabata zvirokwazvo anozova anofadza. Vana venyu vanozofarira kudzidza uye nekurarama dzidziso dzeMuponesi, uye runziro yemuvengi muupenyu hwenyu uye mumba menyu inozodzikira. Shanduko mumhuri yenyu dzinozova dzinoshamisa uye dzinosimbisa.

Panguva yemusangano uno tasimbisa tsungiriro yedu yekuzadzikisa kuedza kunokosha kwedu kukudza Ishe Jesu Kristu nguva dzose dzatinotaura pamusoro peChechi Yake. Ndinokuvimbisai kuti kushingaira kwedu kushandisa zita kwaro reChechi yeMuponesi uye nenhengo dzayo kunozotungamirira kurutendo rwakawedzerwa uye kukuwana simba gurusa rezvemweya kuitira nhengo dzeChechi Yake.

Iyezvino ndinozotaura pamusoro penyaya yematemberi. Tinoziva kuti nguva yedu mutemberi yakakosha zvikuru kuruponeso rwedu uye nekusimudzirwa kumusoro-soro kwedu neuko kwemhuri dzedu.

Mushure mekugashira zvisungo zvedu pachedu zvemutemberi uye nekuita zvibvumirano zvinoera naMwari, mumwe nemumwe wedu anoda kusimbaradzwa kwezvepamweya nekurairidzwa kunoenderera, izvo zvinokwanisika chete muimba yaIshe. Uye madzitateguru edu vanoda isu kuti tishandire sevamiririri vavo.

Funga pamusoro petsitsi huru uye neruenzaniso rukuru rwaMwari, avo, nyika isati yavambwa, vakaita kuti pave nenzira yekupa maropafadzo etemberi kune avo vakafa vasina ruzivo rwevhangeri. Tsika dzemutemberi dzinoera idzi ndedzechinyakare. Kwandiri kuva dzechinyakare ikoko kunofadza zvikuru uye humwe humboo hwehuchokwadi hwadzo.2

Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, kurwisa kwemuvengi kuri kuwedzera zvakanyanyisisa, mukusimba uye mukusiyana siyana kwako.3 Kudikanwa kwedu kwekuva mutemberi nguva dzose hakuna kumbova kwakura saiyezvino. Ndinokutetererai kuti mutarise nemunamato mashandisiro amunoita nguva yenyu. Pirai nguva kune ramangwana renyu uye neiro remhuri yenyu. Kana muine temberi isiri kure zvakanyanya nemi, ndinokukurudzirai kuti muwane nzira yekutara nguva yekusangana naIshe nguva nenguva—kuti muve mumba Yavo tsvene—zvino mochengeta nguva yakatarwa iyoyo nemazvo uye nemufaro. Ndinokuvimbisai kuti Ishe vanozounza zvishamiso zvaVanoziva kuti munoda apo pamunozvipira kushandira nekushumira mumatemberi Avo.

Parizvino tine matemberi zana nemakumi mashanu nemapfumbamwe akakumikidzwa. Kutaririrwa uye nochengetedzwa zvakanaka kwematemberi iwayo kwakakosha zvikuru kwatiri. Nekufamba kwenguva, matemberi anozongoda kugadziridzwa nevandudzo. Naizvozvo, hurongwa hwuri kuitwa hwekugadziridza nekuvandudza Temberi yeSalt Lake uye mamwe matemberi akavakwa munguva dzevaparuri. Ruzivo pamusoro pemapurojekiti aya runozogoverwa apo parunounganidzwa.

Nhasi tinofara kuzivisa hurongwa kwekuvaka mamwe matemberi gumi nemaviri. Matemberi iwayo anozovakwa munzvimbo dzinotevera: Mendoza, Argentina; Salvador, Brazil; Yuba City, California; Phnom Penh, Cambodia; Praia, Cape Verde; Yigo, Guam; Puebla, Mexico; Auckland, New Zealand; Lagos, Nigeria; Davao, Philippines; San Juan, Puerto Rico; uye Washington County, Utah.

Kuvaka nekuchengetedza matemberi kunogona kusashandura upenyu hwako, asi kupedza nguva yako mutemberi zvirokwazvo kunozoshandura. Kune avo vava nenguva refu vasina kumboshanyira temberi, ndinokukurudzirai kuti mugadzirire uye mudzokere nekukurumidza sekukwanisika kwazvo. Zvino ndinokukokai kuti mushumire mutemberi uye munamate kuti munzwe zvakadzama rudo rusingaperi rweMuponesi kwamuri, kuti mumwe nemumwe wenyu agowana uchapupu hwake pachake hwekuti Anotungamira basa rinoera rino uye rekusingaperi.4

Mabhuratha nemasisita, ndinokutendai nerutendo rwenyu uye neyedzo dzenyu dzinosimbisa. Ndinosiya rudo rwangu neropafadzo rangu pamuri, kuti mugoguta pashoko raIshe uye mushandise dzidziso Dzake muupenyu hwenyu pachenyu. Ndinokuvimbisai kuti zvakazarurwa zviri kuenderera mberi muChechi, uye zvinozoenderera mberi kusvikira apo “zvinangwa zvaMwari pazvichazadzikiswa, uye Jehova Mukurusa paachati basa raitwa.”5

Ndinokuropafadzai nerutendo rwakawedzerwa maAri uye nemubasa Rake dzvene, nerutendo uye nemwoyo murefu wekutsungirira zvinetso zvenyu pachenyu muupenyu. Ndinokuropafadzai kuti muve mienzaniso yakanaka yeVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Ndinokuropafadzai uye ndinopa uchapupu hwangu hwekuti Mwari vanorarama! Jesu ndiye Kristu! Iyi iChechi Yake. Tiri vanhu Vake, nemuzita raJesu Kristu, ameni.

Manotsi

  1. Ona mashoko emusangano mukuru paindaneti paLDS.org uye paGospel Library app. Anozodhindwa muEnsign uye Liahona. Magazini eChechi, kusanganisira New Era uye Friend, ayo anotumirwa kuburikidza nepositihofisi kana kudhaunirodha paindaneti, chikamu chinokosha chedzidzo dzevhangeri dzakamisirwa kumba.

  2. Ona, semuenzaniso, Eksodo 28; 29; Revitiko 8.

  3. Ona Mosaya 4:29.

  4. Ona Wilford Woodruff, “The Law of Adoption,” nhaurwa yakapuwa pamusangano mukuru weChechi, Kubvumbi 8, 1894. Mutungamiriri Woodruff vakati: “Hatisati tapedza [ne]kuzarurirwa. Hatisati tapedza [ne]basa raMwari. … Hakuzovi nemagumo kubasa iri kusvikira razadzikiswa” (Deseret Evening News, Kubvumbi 14, 1894, 9).

  5. Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 142.

Dhinda