2012
Ndichamuona Zvakare
Kubvumbi 2012


Vechidiki

Ndichamuona Zvakare

Baba vaiita kuti mumwe nemumwe wedu isu vana anzwe kuti akakosha. Vaitida uye vairegerera zviri nyore. Vaita zvose zvavaikwanisa kuita chokwadi kuti mumwe nomumwe wedu aifara, uye vaizviburitsa pachena kuti vaida zvakanakisisa kwatiri. Ndaivada zvikuru.

Pandakanga ndiri mugiredhi rechitanhatu, baba vangu vakafa munjodzi yemotokari. Mhuri yangu neni takarwadziwa zvikurusa. Makanga mava neburi guru mumhuri yedu. Baba ndivo vandaimira navo, ndivo vandaienda kwavari kana ndaiva nematambudziko. Panekutsvaka rubatsiro, ndakarega shungu nemarwadzo zvichigara mandiri. Ndakapedzisira ndafunga kuti yakanga iri mhosva yaMwari. Ndakaregera kuverenga magwaro matsvene angu nokuita minamato yangu. Ndaienda kuchechi chete nokuti Amai vaida kuti ndiende. Ndakaedza kugara kure kure naBaba vangu Vokudenga.

Zvino ndakaenda kukembi yeVasikana Vechidiki kokutanga. Ndakafara kusangana neshamwari itsva, asi zvakadaro ndakanga ndisingaverengi magwaro matsvene angu. Pamanheru ekupedzisira, takaita musangano weuchapupu. Ndakanzwa chimwe chinhu chandakanga ndisati ndanzwa munguva yakareba: Mweya. Ndakayemura vasikana avo vakasumuka vakapa uchapupu hwavo, asi ndakaramba ndakagara nokuti ndaifunga kuti ndakanga ndisina uchapupu. Pakarepo ndakanzwa kuti ndaifanira kusimuka. Ndakavhura muromo wangu, ndichishama kuti chii chandaizotaura. Saka ndakati ndaifara nekembi yeVasikana veChidiki. Zvino ndakazviwana ndichiti ndaiziva kuti Jesu Kristu akandifira uye kuti Baba vangu Vokudenga vaindida nokuti Chechi yaiva yechokwadi.

Ndakazadzwa norunyararo rwaishamisa. Ndinotenda nechiitiko chino nokuti zvino ndavakukwanisa kutaura kuti ndinoziva kuti ndichaona baba vangu zvakare nokuda kweRudzikinuro neKumuka Kuvakafa kweMuponesi.

Dhinda