Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kubvumbi 2012
Idai, Taririrai, uye Simbisai
Dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.
SeMuponesi, vadzidzisi vekushanyirana vanotaririra mumwe nomumwe (ona 3 Nefi 11:15). Tinoziva kuti tiri kukunda muutariri hwedu sevadzidzisi vekushanyirana kana masisita edu achikwanisa kuti: (1) mudzidzisi wekushanyirana wangu anondibatsira kukura panezvomweya; (2) Ndinoziva mudzidzisi wekushanyirana wangu ane hanya yakadzama pamusoro pangu nemhuri yangu; uye (3) kana ndiine matambudziko, ndinoziva kuti mudzidzisi wekushanyirana wangu anobatsira asingamiriri kukumbirwa.1
Isu sevadzidzisi vekushanyirana tingada, kutaririra, nokusimbisa sisita wedu sei? Zvinotevera ipfungwa pfumbamwe dzinowanikwa muchitsauko 7 che Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society kubatsira vadzidzisi vekushanyirana kutaririra masisita avo:
-
Munamatirei iye nemhuri yake zuva rega rega.
-
Tsvakai femero yokumuziva iye nemhuri yake.
-
Mushanyirei nguva nenguva kuti muzive kuti akadii uye kuti mumunyaradze nokumusimbisa.
-
Garai muchitaura naye nguva dzose kuburikidza nokumushanyira, kumufonera, kunyora tsamba, kumutumira i-meri, kumutumira mashoko neserifone, uye nokuita zvimwe zvinhu zvomwoyo chena zvakareruka.
-
Mumhorosei kumisangano yeChechi.
-
Mubatsirei kana aita njodzi, aine urwere, kana kuti aine zvimwe zvaanoda kubatsirwa nazvo nokukurumidza.
-
Mudzidzisei vhangeri kubva mumagwaro matsvene nemuMashoko eDzidziso yoKushanyirana.
-
Mukurudzirei nokumisa muenzaniso wakanaka.
-
Taurai kumutungamiri weChita choRubatsiro pamusoro pemishando yavo uye mamiriro asisita panezvomweya nepane zvenyama.
Kubva muMagwaro Matsvene
Kubva muNhoroondo Yedu
Kudzidzisa kwekushanyirana kwava chombo chemadzimai eVatendi vaMazuva Ekupedzisira paso rose chokuda, kuriritira, nokushandira—ku ‘ita maererano neidzo tsitsi Mwari dzavakasima muzvipfuva (zvedu),’ sekudzidzisa kwakaita Joseph Smith.”2
Mumwe sisita akanga achangofirwa nemurume akati nezvevadzidzisi vekushanyirana vake: “Vakateerera. Vakandinyaradza. Vakachema neni. Uye vakandigumbatira. … [Vaka]ndibatsira kubuda mukupererwa nokusuwa kukuru kwemwedzi iyoyo mishoma yokutanga yekusurukirwa.”3
Kubatsira nemabasa epanyama rumwewo rudzi rwekutaririra. Pamusangano mukuru waGumiguru 1856, Mutungamiri Brigham Young vakataura kuti mapayoniya ezvikochikari zvemaoko vakanga vabatwa muchando chamazaya chakadzika mamaira 270–370 (makiromita 435–595) kubva kwavaienda. Vakadaidza Vatendi Vamazuva Ekupedzisira muSalt Lake City kuti vanovabatsira uye “kuti vataririre bedzi chete kuzvinhu zvatinoti zvepanyama.”4
Lucy Meserve Smith akanyora kuti madzimai vakabvisa zvipfeko zvavo zvepitikoti nemasokisi zvinodziya ipapo chaipo patabanekeri uye vakazvizadza muzvikochikari kuti zviendeswe kumapayoniya ayo akangaaoma nechando. Zvino vakaunganidza zvokufuka nezvokupfeka kuitira avo vaizogumisira vauya nezvishandiso zvishoma. Pakazosvika zvikwata zvezvikochikari zvemaoko, imba huru muguta yakanga “yazadzwa nezvokudya, zvokunwa nozvokushandisa zvavo.”5
©2012 ne Intellectual Reserve, Inc. Ndiyo chete inekodzero dziripamutemo dzekushandiswa kwechinyorwa chino. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yeMuchirungu: 6/11. Mvumo yekududzirwa: 6/11. Dudziro ye Visiting Teaching Message, April 2012. Shona. 10364 731