2012
‘Wakamuka’ — Uchapupu hweMuporofita
Kubvumbi 2012


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kubvumbi 2012

“Wakamuka”

Uchapupu hweMuporofita

“Shoko riripachena revaKristu pasi rose,” Mutungamiri Thomas S. Monson vakataura pachena, nderekuti Jesu weNazareta wakamuka kubva kuvakafa. “Chokwadi cheKumuka Kuvaka chinopa kumunhu nekuna vese rugare runopfuura kunzwisisa.” (ona VaFiripi 4:7).1

Mundima diki dzinotevera, Mutungamiri Monson vanogovera uchapupu nerutendo rwavo rweKumuka Kuvafa kweMuponesi uye vanotaura pachena kuti nokuda kwekuti Mwanakomana akakunda rufu, vana vose vaBaba vanouya panyika vachararama zvakare.

Upenyu mushure meUpenyu Hunofa

“Ndinobvuma kuti hapana ani wedu anokwanisa kunzwisisa zvakazara makoshero ezvatakaitirwa naKristu muGetsemane, asi ndinotenda zuva rega rega roupenyu hwangu nekuzvipira kwerudzikinuro Kwake akatimiririra.

“Panguva yokupedzisira, Aikwanisa kunge akadzokera kumasure. Asi Haana. Akapfuura nemuzvinhu zvose kuitira kuti Akwanise kuponesa zvinhu zvose. Mukudaro, Akatipa upenyu hunopfuura uhwu huno hunofa. Akatidzikinura kubva muKuputsika kwaAdamu.

“Nemukati kati chaimo memweya wangu, ndinotenda kwaAri. Akatidzidzisa mararamiro. Akatidzidzisa mafiro. Akachengetedza ruponeso rwedu.”2

Kubvisa Rima roRufu

“Mune mamwe mamiroro ezvinhu, semukutambura kukuru nomuurwere, rufu runouya sengirozi yetsitsi. Asi kazhinji, tinorufunga semuvengi werufaro rwevanhu.

“Rima rerufu rinokwanisa kubviswa nechiedza chechokwadi chakazarurwa. ‘Ndini kumuka, noupenyu,’ akataura Tenzi. ‘Unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama: Mumwe nomumwe uri mupenyu, unotenda kwandiri, haangatongofi.’

“Ruvimbiso urwu—hongu, kunyangwe rusimbiso rutsvene—rweupenyu seri kweguva runokwanisa kupa runyararo rwakavimbiswa neMuponesi apo Akavimbisa vadzidzi Vake: ‘Ndinokusiyirai rugare, ndinokupai rugare rwangu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.’”3

Haapo Pano

“Muponesi Wedu Akararama zvakare. Chiitiko chikurusa chinoshamisa, chinonyaradza, uye chinosimbisa chinokunda zvimwe zvose zviitiko zvenhoroondo yevanhu chakanga chatora nzvimbo—kukundwa kwerufu. Kurwadziwa nokutambura kukuru kwemuGetsemane neKarivari kwakanga kwabviswa. Ruponeso rwevanhu rwakanga rwachengetedzwa. Kuputsika kwaAdamu kwakanga kwatorwa zvakare.

“Bwiro rakashama magwanani iwayo okutanga eIsita rakava mhinduro kumubvunzo waJobo, ‘Kana munhu akafa, achararama zvakare here?’ Kuna avo vose vanonzwa inzwi rangu, ndinotaura pachena, kana munhu akafa, achararama zvakare. Tinoziva, nokuti tinechiedza chechokwadi chakazarurwa. …

“Mabhuradha nemasisita angu anodikanwa, munguva yedu yerusuwo rwakadzikisa, tinokwanisa kutambira runyaroro rukuru kubva mumashoko engirozi pamagwanani ekutanga eIsita: ‘Haapo pano: nokuti akamuka.’”4

Vese Vachararama Zvakare

“Tinoseka, tinochema, tinoshanda, tinotamba, tinoda, tinorarama. Uye zvino tozofa. …

“Uye taizoramba takafa dai pasina Murume mumwechete nebasa Rake, kunyangwe Jesu weNazareta. …

“Nemoyo wangu wose nechido chikuru chomweya wangu, ndinosimudza inzwi rangu mukupupura sechapupu chakakosha ndichitaura pachena kuti Mwari chaizvo Vanorarama. Jesu Mwanakomana Wavo, Mumwechete Akaberekwa waBaba munyama. Ndiye Mununuri wedu; Ndiye Muyananisi wedu naBaba. Ndiye akafa pamuchinjikwa kudzikinura zvivi zvedu. Akava muchero wokutanga weRuponeso Nokuti Akafa, vose vachararama zvakare.”5

Uchapupu hweMuporofita Pachake

“Ndinotaura pachena uchapupu hwangu pachangu kuti rufu rwakakurirwa, kukunda pamusoro pebwiro kwakawanikwa. Mashoko akaitwa anoyera naIye uyo akaazadzikisa ngaave ruzivo chairwo kuna vose. Arangarirei. Achengetei norudo mupfungwa. Akudzei. Wakamuka6

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. “He Is Risen,” Riahona, Kubvumbi. 2003, 7.

  2. “At Parting,” Riahona, Chivabvu 2011, 114.

  3. “Now Is the Time,” Riahona, Ndira 2002, 68; onawo Johane 11:25–26; 14:27.

  4. “He Is Risen,” Riahona, Chivabvu 2010, 89, 90; onawo Jobo 14:14; Mateo 28:6.

  5. “Ndinoziva Kuti Mununuri Wangu Mupenyu!” Riahona, Chivabvu 2007, 24, 25.

  6. Riahona, Kubvumbi 2003, 7.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mushure mokugovera zvitapwa zvinobva mushoko reMutungamiri Monson, ona uchapupu hwavanopa hwechaizvo zvinoreva Isita. Unokwanisa kubvunza nhengo dzemhuri mibvunzo inotevera; “Zvinorevei kwamuri kuti muporofita mupenyu akapupura nezve chokwadi ichi nhasi uno? Mungazvishandisa sei muupenyu hwenyu?” Funga kuwedzera uchapupu hwako.

Dhinda