2012
Ruregerero Rwunounza Rufaro
Gumiguru 2012


Vana

Ruregerero Runounza Rufaro

Mutungamiri Uchtdorf vanodzidzisa kuti tinofanira kuregerera nhengo dzemhuri yedu. Ona kuti sarudzo dzaJoseph naAnna dzakashandura sei mhuri yavo.

Joseph nehanzvadzi yake diki, Anna, vari kutamba pamwechete. Anna anobvuta chitoyi chekutambisa chaJoseph kubva kwaari. Chii chinofanira kuitwa naJoseph?

Joseph anoshatirirwa Anna. Anna anochema. Amai vaJoseph vano murangira kurwisana kwaari kuita nehanzvadzi yake. Joseph ane urombo kuti aita sarudzo isina kunaka.

Joseph anoregerera Anna uye anowana chimwe chitoyi chekutamba nacho. Vanotamba vese vachifara. Amai vavo vanofara kuti Joseph aita nyasha kunehanzvadzi yake uye akachengetedza runyararo mumhuri. Joseph anonzwa kufara nekuda kwekusarudza kuregerera.

Pashure, Joseph naAnna vanofanira kubatsira amai vavo kugadzira kudya kwamanheru. Joseph haabatsire. Chii chinofanira kuitwa naAnna?

Anna ano nyunyuta kuna amai vake. Anna anokakavadza pamusoro pekuita basa ari ega. Pakudya kwemanheru munhu wese haasikufara nokuda kwekukakavadzana uku.

Anna anoregerera Joseph uye anobatsira nezvekudya kwamanheru. Amai vavo vanotenda nerubatsiro rwaAnna. Mhuri inonakirwa nokuva pamwechete panguva yekudya kwamanheru. Anna anonzwa zvakanaka nokuti asarudza kuregerera.

Sarudzo dzako dzekuregerera dzinoshandura rufaro rwemhuri yako sei?

Dhinda