2012
Nzira imwechete yekuvaMhuri Inofara
Gumiguru 2012


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Gumiguru 2012

Nzira Imwechete yekuvaMhuri Inofara

Mufananidzo
Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf

Munyori mukuru wemabhuku wechiRussian Leo Tolstoy akatanga kunyora bhuku rake rinonzi Anna Karenina nemazwi aya: “Mhuri dzinofara dzakafanana dzose; yese mhuri isingafare haifare nenzira yayo pachayo.1 Kunyange ndisina chokwadi sechaTolstoy chekuti mhuri dzose dzinofara dzakafanana, ndakaona chinhu chimwechete chakafanana muvazhinji vavo: vane nzira yekuregerera nekukanganwa zvirandu zvevamwe uye yekutsvaga zvakanaka mavari.

Avo vari mumhuri dzisingafare, nerimwe divi, kazhinji vanotsvaga mhosva, vanochengeta mataka, uye vanoratidzika sevasingakwanise kukanganwa zvitadzo zvekare.

“Hongu, asi …” vanotanga kutaura vachidaro avo vasingafare. “Hongu, asi humuzivi kuti andirwadzisa zvakaipa sei,” anodaro mumwe. “Hongu, asi hamuzive kuti akaipa zvikuru sei,” anodaro mumwe.

Zvimwe vese vari pachokwadi; zvimwe hapana ari pachokwadi.

Pane mwero yakawanda yechitadzo. Pane mwero yakawanda yekurwadziswa. Asi zvandakaona ndezvekuti kazhinji tinopembedza hasha dzedu uye tinogutsa hana dzedu nekuzvitaurira ngano pamusoro pezvikonzero zvezviito zvevamwe idzo dzinoshora zviito zvavo sezvisingaregerwe uye zvine utsinye asi, panguva imwecheteyo, tichirumbidza zvikonzero zvezviito zvedu sezvakarurama uye zvisina mhosva.

Imbwa yeMwanakomana waMambo

Pane ngano yekare yevechiWelsh yezana remakore rechigumi nematatu iri pamusoro pemwanakomana wamambo akadzoka kumba akawana imbwa yake iine ropa raiyerera nekumeso kwayo. Murume uyu akamhanyira mukati memba uye, akavhunduka nekutya, paakaona kuti mwanakomana wake mucheche akanga asimo uye mubhedha wake wekurarira wakanga wakakudubuka. Nehasha mwanakomana wamambo akazvuva bakatwa rake uye akauraya imbwa yake. Chinguva chidiki mushure maizvozvo, akanzwa kuchema kwemwanakomana wake—mwana akanga ari mupenyu! Padivi pemucheche paive negava rakanga rakafa. Imbwa yakanga, zviro kwazvo, yadzivirira mwana wemwanakomana wamambo kubva kumhondi yegava iyi.

Kunyange ngano iyi iri semutambo, inoratidza chidzidzo. Inozarura kwaniso yekuti ngano yatinozvitaurira pamusoro pekuti sei vamwe vachiita zvinhu neimwe nzira kazhinji haibvumirane nechokwadi chezvinhu—dzimwe nguva hatitomboda kuziva chokwadi chaicho chezvinhu. Tinoda kunzwa kuti tine kodzero yehasha dzedu nekuramba takabatirira pakutsamwa neruvengo rwedu. Dzimwe nguva mataka aya anokwanisa kuvapo kwemwedzi yakawanda kana makore akawanda. Dzimwe nguva anovapo kweupenyu hwese.

Mhuri Yakaparadzana

Vamwe baba havana kukwanisa kuregerera mwanakomana wavo nekuda kwekutsauka kwake kubva munzira yaakanga akadzidziswa. Mukomana uyu aiva neshamwari dzakanga dzisingadikanwe nababa vake, uye akaita zvinhu zvizhinji zvaipokana nezvaifungwa nababa vake kuti anofanira kuita. Izvi zvakakonzera kupesana pakati pababa nemwanakomana, uye apo mukomana uyu paakangokwanisa, akabva pamba uye haana kumbofa akadzoka. Havana kuzombotaura vese zvakare.

Baba ava vakanzwa kuti vakanga vaine kodzero yekuita izvi here? Pamwe.

Mwanakomana akanzwa kuti aiva nekodzero yekuita izvi here? Pamwe.

Zvandinoziva ndezvekuti mhuri iyi yakaparadzaniswa uye yakanga isingafare nokuti baba kana mwanakomana havana kukwanisa kuregererana. Havana kukwanisa kukanganwa ndangaririro dzinorwadza dzavaiva nadzo pamusoro pemumwe nemumwe. Vakazadza mwoyo yavo nehasha kunze kwerudo neruregerero. Mumwe nemumwe wavo akazvirasira mukana wekushandura upenyu hwemumwe kuti huve hwakanaka. Kupesana kwaiva pakati pavo kwakaratidzika kuva kwakadzika zvikuru uye kwakapamhama zvikuru zvekuti mumwe nemumwe wavo akava musungwa panezvemweya pachitsuwa chemanzwiro emwoyo chake pachake.

Kunaka kwazvo ndekwekuti, Baba vedu Vekusingaperi Vekudenga vane rudo neungwaru vakapa nzira dzekukunda gwanza rerudado iri. Rudzikinuro rukuru rusingagumi ndicho chiito chepamusoro-soro cheruregerero neruyanano. Hukuru hwarwo hunodarika kunzwisisa kwangu, asi ndinopupura nemwoyo nemweya wangu wese huchokwadi nesimba guru rarwo. Muponesi Akazvipa semuripo wezvivi zvedu. Kuburikidza Naye tinowana ruregerero.

Hakuna Mhuri Yakarurama Zvakakwana.

Hakuna mumwe wedu asina chitadzo. Mumwe nemumwe wedu anoita zvikanganiso, kusanganisira iwe neni. Tese takamborwadziswa. Tese takamborwadzisa vamwe.

Tinokwanisa kuwana ruponeso neupenyu husingaperi kuburikidza nekuzvipira kweMuponesi wedu. Apo patinotambira nzira Dzake uye tichikunda rudado rwedu nokupfavisa mwoyo yedu, tinokwanisa kuunza ruyanano neruregerero mumhuri dzedu nemuupenyu hwedu pachedu. Mwari vanozotibatsira kuti tive tinoregerera zvakanyanya, kuti tive nechido chakanyanya chekufamba maira yechipiri, kuti tive vekutanga kukumbira ruregerero kunyange zvazvo chimwe chinhu changachisiri mhosva yedu, kuti tiise parutivi mataka ekare uye tisazoachengetedza zvakare. Kutenda ngakuve kuna Mwari, Avo vakapa Mwanakomana Wavo Mumwechete Wekuberekwa, uyo Akapa upenyu Hwake kuitira isu.

Tinokwanisa kunzwa rudo rwaMwari kunesu zuva rega rega. Hatifanire here kunge tichikwanisa kuzvipa zvakati wandei kune vamwe vedu sekudzidziswa kwazvinoitwa murwiyo rwunodiwa rweChechi rwunoti “Because I Have Been Given Much”? (“Nokuti Ndakapihwa Zvizhinji”?)2 Ishe vakatizarurira musuwo wekuti tiregererwe. Hazvisi here zvingangova zvakanaka kuti tiise parutivi chindingoveni nerudado zvedu pachedu uye totanga kuvhura uyo musuwo wakaropafadzwa weruregerero kune avo vatinonetsana navo—kunyanya kunevese vemhuri yedu pachedu?

Pekupedzisira, rufaro harwubve paururami hwakakwana asi rwunobva pakushandisa misimboti mitsvene, kunyange muzvinhano zvidiki. Vatungamiri Vekutanga neChikwata cheVaapositori Gumi neVaviri vakazivisa kuti: “Rufaro muupenyu hwemhuri rwungangonyanya kubudirira kana rwakamiswa padzidziso dzaIshe Jesu Kristu. Michato nemhuri zvakabudirira zvakamiswa uye zvinochengetwa pamisimboti yerutendo, munamato, rutendeuko, ruregerero, rukudzo, rudo, tsitsi, basa, neyezviitwa zvekufara zvakanaka.”3

Ruregerero rwakaiswa pakati chaipo pezvokwadi zviri pachena izvi, zvakamiswa pachinangwa cherufaro chaBaba vedu Vekudenga. Nokuti ruregerero runobatanidza misimboti, runobatanidza vanhu. Ikii, inovhura misiwo yakakiiwa, ndiko kutanga kwenzira yechokwadi, uye ndiyo imwe yetariro dzedu dzakanakisisa dzemhuri inofara.

Mwari ngavatibatsire kuva tinoregerera zvakanyanya mumhuri dzedu, kuva tinoregererana zvakanyanya, uye zvichida kuva tinoregererawo zvakanyanya kunyange isu pachedu. Ndinonamata kuti tinganzwa ruregerero seimwe nzira yakanakisisa iyo mhuri zhinji dzinofara yadzakafanana.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Leo Tolstoy, Anna Karenina, dudziro Constance Garnett (2008), 2.

  2. “Because I Have Been Given Much,” (“Nokuti Ndakapihwa Zvizhinji,”) Hymns, nhamba 219.

  3. “Mhuri: Chiziviso kuNyika” Liahona, Mbudzi 2010, 129; simbiso yakawedzerwa.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

“Apo paunodzidzisa chidzidzo chega chega, zvibvunze kuti musimboti uyu wakafanana sei nechimwe chinhu nhengo dzemhuri chadzakasangana nacho muupenyu hwavo” (Teaching, No Greater Call [1999], 171). Funga kukoka nhengo dzemhuri kuti dzigovere zviitiko zvakanaka zvavakava nazvo kana zvavakaona pamusana peruregerero. Kurukura zviitiko izvi, uchisimbisa kwavari maropafadzo eruregerero. Pedzisira nekupa uchapupu hwekukosha kwekuregererana.

Dhinda