2012
Kukudza Zvibvumirano Zvedu
Gumiguru 2012


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Gumiguru 2012

Kukudza Zvibvumirano Zvedu

Nomunamato dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.

Mufananidzo
Chiratidzo cheSimbiso cheChita cheRubatsiro

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

Dzidziso yekushanyirana chiratidzo cheudzidzi hwedu uye inzira yekukudza nayo zvibvumirano zvedu apo patinoshandirana nekusimbisana. Chibvumirano ivimbiso inoera uye isingaperi pakati paMwari nevana Vavo. “Apo patinonzwisisa kuti tiri vana vechibvumirano, tinoziva kuti tiri vanaani uye tinoziva izvo zvinotarisirwa naMwari kwatiri,” vakadaro Gosa Russell M. Nelson veChikwata cheVaapositori Gumi neVaviri. “Murau wavo wakanyorwa mumwoyo yedu. NdiMwari vedu uye tiri vanhu Vavo.”1

Sevadzidzisi vekushanyirana tinokwanisa kusimbisa avo vatinoshanyira mukuedza kwavo kuchengeta zvibvumirano zvavo zvinoera. Nekudaro, tinovabatsira kugadzirira maropafadzo eupenyu husingaperi. “Sisita wese ari muChechi ino uyo akaita zvibvumirano naIshe ane mvumo tsvene yekubatsira kuponesa vanhu, yekutungamirira vakadzi venyika, yekusimbisa dzimba dzeZioni, neyekuvaka umambo hwaMwari,” vakadaro Gosa M. Russell Ballard veChikwata cheVaapositori Gumi neVaviri.

Apo patinoita nekuchengeta zvibvumirano zvinoera, tinova midziyo mumaoko aMwari. Tinozokwanisa kutsanangura zvakajeka zvitendero zvedu nekusimbisa rutendo rwemumwe nemumwe wedu munaBaba Vekudenga naJesu Kristu.

Kubva muMagwaro Matsvene

1 Nifai 14:14; Mosaya 5:5–7; 18:8–13; Dzidziso neZvibvumirano 42:78; 84:106

Kubva muNhoroondo Yedu

Temberi “inzvimbo yekupa kutenda yevatendi vose,” Ishe vakazarura kuna Muporofita Joseph Smith muna 1833. “Inzvimbo yekudzidziswa kune avo vose vakadaidzwa kubasa rekuhushumiri mukudaidzwa kwavo kwese kwakasiyana-siyana nezvigaro; kuti vave vakakwana mukunzwisisa hushumiri hwavo, mupfungwa, mumitemo, uye nemudzidziso, muzvinhu zvose zviri maererano neumambo hwaMwari pano pasi” (D&Z 97:13–14).

Masisita eChita cheRubatsiro muNauvoo, Illinois, mukutanga kwamakore emuma1840 vaibatsirana kugadzirira zvisungo zvetemberi. Muzvisungo zvehupirisita hwepamusoro zvakagashirwa neVatendi Vamazuva Ekupedzisira Mutemberi yeNauvoo “simba reumwari [raka] onekwa” (D&Z 84:20). “Apo Vatendi pavakachengeta zvibvumirano zvavo, simba iri rakavasimbisa nekuvachengeta mumatambudziko avo mumazuva namakore aiva mberi.”3

MuChechi nhasi, vakadzi nevarume vakatendeka pasi rose vanoshanda mutemberi uye vanoramba vachiwana simba mumaropafadzo anokwanisa kugashirwa chete kuburikidza nezvibvumirano zvemutemberi.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Russell M. Nelson, “Covenants,” Liahona, Mbudzi 2011, 88.

  2. M. Russell Ballard, “Women of Righteousness,” Liahona, Zvita 2002, 39.

  3. Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 133.

Chii Chandingaite?

  • Zvibvumirano zvangu zvinondisimbisa sei?

  • Ndiri kubatsira sei masisita andinotaririra kuti vachengete zvibvumirano zvavo?

Dhinda