2012
Munamato neRunyararo
Gumiguru 2012


Vechidiki

Ruregerero neRunyararo

Mamwe manheru ndakakakavadzana naamai vangu uye ndikanzwa kutambudzika zvikuru. Saka ndakafunga kuti ndinamate. Kunyange ndakanga ndakatsamwa uye ndisingadi kuva pane “zvemweya,” ndakaziva kuti kunamata kwaizondibatsira kuti ndinzwe kufara kurinani uye ndigoshomesa kukakavadzana. Mushure mekunge amai vangu vabuda mumupanda umu, ndakatanga munamato wangu. “Mudikani Baba Vekudenga, ndauya kwaMuri manheru ano nokuti …” Kwete. Ndakavhura maziso angu ndikatambanudza maoko angu; mazwi iwawo akanga asina kutsarukana. Ndakaedza zvakare.“ Baba Vekudenga, ndinoda …” Mazwi iwayowo akanga asina kutsarukana. Ndakanzwa Satani achindikurudzira kuti ndiregere munamato wangu wekukumbira Baba Vekudenga rubatsiro.

Pakarepo ndakanzwa femero yekuti nditi ndinotenda! Saka ndakadaro, uye pfungwa dzakatanga kudururuka kubva mumusoro mangu dzezvinhu zvose zvandaikwanisa kutenda nazvo Baba vangu vari Kudenga. Pandakanga ndapedza kuVatenda, ndakakurukura dambudziko rakanga riripo.

Pashure ndakanzwa runyararo rwunoshamisa mukati mangu, manzwiro ezvemweya anodziya ekuti ndinoziva kuti Baba vedu Vekudenga nevabereki vangu vanondida uye nekuti ndiri mwana waMwari. Ndakakwanisa kukumbira ruregerero kuna amai vangu uye ndikatambira chikumbiro chavo cheruregerero.

Dhinda