2013
Kuteerera Kuti Unzwe Kurudziro
Ndira 2013


Vechidiki

Kuteerera Kuti Unzwe Kurudziro

Umwe usiku munin’ina wangu wemuhukama akatiza kubva kumba, saka ndakamhanya kuenda kunomutsvaga. Apo pandaityaira motokari, Ndakanamata kuti Mweya undibatsire. Ndaiziva kuti Mwari vaizopindura nekunditungamira, uye ndakaedza kuteerera kukurudziro yeMweya. Asi apo pandakanga ndisina kunzwa chinhu, ndakatanga kunzwa kunetseka uye ndikanzwa kuti Mweya wakanga usiri kundikurudzira.

Kunyange ndaida kuenda kure kure kunotsvaga, ndakanzwa kuti ndaifanira kuramba ndiri munharaunda yaiva padyo neimba yemunin’ina wangu uyu. Saka ndakasarudza kutyaira motokari ndichitenderera munharaunda imomo zvakare. Apo pandakamira pamhararano, ndakaona mumvuri wemusikana mudiki achifamba. Ndakanga ndamuwana munin’ina wangu uyu!

Apo pandakabuda mumotokari ndichimhanyira kwaari, ndakaziva kuti Mweya wanga uchinditugamirira nguva yese iyi nekundibatsira kunzwa kuti ndinofanira kuramba ndiri munharaunda imwecheteyo. Nokuti ndakanga ndichiteerera kuti ndinzwe izwi rakanyarara, ndakapotsa ndarega kuteerera kukurudziro yeMweya. Ndakazonzwisisa zvino kuti nguva zhinji hatizonzwa izwi, asi tinozonzwa pfungwa mumwoyo yedu.

Ndakatenda zvikuru kuMweya wenhungamiro. Chokwadi Anogara Aripo! Sekutaura kunoita magwaro matsvene kuti, “ Mweya Mutsvene uchave mumwe wako nguva dzose” (D&Z 121:46).

Kana takakodzera nhungamiro yeMweya uye tichiteerera, tinokwanisa kuva midziyo mumaoko aMwari yekuitira zvakanaka vanhu vazhinji. Nekugara tiine ufambidzani hweMweya, tinozoziva nzira yatinofanira kuenda nayo.

Dhinda