2013
Basa reUshumiri
Ndira 2013


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Ndira 2013

Basa Reushumiri

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu. Kuwana rumwe ruzivo, enda kuwww.reliefsociety.lds.org.

Mufananidzo
Chiratidzo cheSimbiso cheChita cheRubatsiro

Rutendo • Mhuri • Rubatsiro

Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vanotumirwa “kuzoshanda mumunda wa[Ishe] wemizambiringwa kuitira ruponeso rwemweya yevanhu” (D&Z 138:56), uko kunosanganisira basa reushumiri. Hatifanire kuva nedaidzo yeushumiri yepamutemo kuti tigovere vhangeri. Vamwe vane upenyu hwavo hucharopafadzwa nevhangeri vakatitenderedza, uye apo patinozvigadzirira, Ishe vanozotichandisa. Vadzidzisi vekushanyirana vanokwanisa kutambira nemwoyo wose mabasa avo emweya uye vobatsira “kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu” (Mosesi 1:39).

Apo Muporofita Joseph Smith paakaronga Chita cheRubatsiro muna 1842, akataura kuti madzimai akanga asingafanire chete kuchengeta varombo asiwo kuponesa mweya.1 Ichi ndicho chichiri chinangwa chedu.

“Ishe … Vanopa uchapupu hwechokwadi kune avo vanozougoverana nevamwe,” vakadaro Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hwekutanga. “Pamusoro pazvo, Ishe vanotarisira kuti nhengo dzeChechi Yavo ‘dzizarure [miromo yadzo] panguva dzose, dzichitaura vhangeri [Ravo] nekufara’ (D&Z 28:16). … Dzimwe nguva chikwata chemazwi chimwechete cheuchapupu chinokwanisa kutangisa zviitiko zvinoshandura upenyu hwemumwe munhu zvekusingaperi.”2

Kubva muMagwaro Matsvene

Dzidziso neZvibvumirano 1:20–23; 18:15; 123:12

Kubva muNhoroondo Yedu

Nyaya yaOlga Kovářová wekwaimbonzi kuCzekoslovakia muenzaniso webasa reushumiri renhengo kubva munhoroondo yedu yeChita cheRubatsiro. Muma1970, Olga akanga ari mudzidzi wedhigiri repamusoro-soro (doctorate) uye aine nzara yeupenyu hwakadzamisa hwezvemweya. Akaona Otakar Vojkůvka aiva nemakore makumi masere nemashanu, aiva Mutendi waMazuva Ekupedzisira. “Airatidzika kwandiri sezera rake remakore makumi manomwe nemashanu asi mumwoyo make aivapedyo nemakore gumi nemasere uye azere nerufaro,” akataura.“Izvi zvakanga zvisingaonekwe muCzechoslovakia panguva iyoyo yekushaiwa tariro.”

Olga akabvunza Otakar nemhuri yake mawaniro avakaita rufaro. Vakamusuma kune dzimwe nhengo dzeChechi uye vakamupa Bhuku raMormoni. Akariverenga nechido chikuru uye nenguva pfupi akabhabhatidzwa nekusimbiswa. Kubvira panguva iyoyo Olga akava kurudziro yezvakanaka munyika yehudzvinyiriri hwezvematongerwo enyika nekutambudzwa kwezvechitendero. Akashanda semutungamiri weChita cheRubatsiro mubazi rake diki uye akabatsira kuponesa mweya yevamwe nekuvaunza kuna Kristu.3

Chii Chandingaite?

  1. Ndinotevera here kurudziro dzeMweya Mutsvene apo pandinogoverana uchapupu hwangu nemasisita andinoshanyira?

  2. Ndirikubatsira sei masisita andinotaririra kudzidza vhangeri?

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. OnaTeachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 453.

  2. Dieter F. Uchtdorf, “Waiting on the Road to Damascus,” Liahona, Chivabvu 2011, 76–77.

  3. Ona Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 92–95.

Dhinda