2013
Izwi raIshe
Ndira 2013


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Ndira 2013

Izwi raIshe

Mufananidzo
Mutungamiri Henry B. Eyring

Bhuku reDzidziso neZvibvumirano rinokoka vanhu vose kwose kwose kuti vanzwe izwi raIshe Jesu Kristu (ona D&Z 1:2, 4, 11, 34; 25:16). Rizere nemashoko, neyambiro, nedzidziso Dzake, uye nerairo dzinokurudzira dzinopihwa nezvakazarurwa kumaporofita akasarudzwa. Munezvakazarurwa izvi tinokwanisa kuona mapinduriro anokwanisa kuitwa naMwari minamato yedu yerutendo nemashoko erairo, erunyararo, uye eyambiro.

Muminamato yedu tinotsvaga kuziva izvo Mwari zvavanoda kuti tiite, izvo zvatinofanira kuita kuti tiwane runyararo nerufaro muupenyu huno nehunotevera, uye neizvo zviri mberi kwedu. Bhuku reDzidziso neZvibvumirano rizere nemhinduro kumibvunzo yakadai inobvunzwa nevanhuwo zvavo uye nemaporofita mumunamato wakaninipa. Rinokwanisa kuvanhungamiro yakakosha yekutidzidzisa matambiriro ekuita mhinduro kumibvunzo pamusoro pemararamiro edu akanaka epanyama neruponeso rwekusingaperi rwedu.

Kuzvininipisa nerutendo munaIshe Jesu Kristu ndizvo zvinokosha. Oliver Cowdery akatambira mhinduro kubva kuna Ishe maererano nechido chake chekubatsira mukududzirwa kweBhuku raMormoni: “Rangarira kuti pasina rutendo hakuna chaungaite; nokudaro kumbira murutendo. Usatambe nezvinhu izvi; usakumbire icho chausingafanire” (D&Z 8:10).

Zvinodzokororwa kakawanda mubhuku reDzidziso neZvibumirano kuti, Ishe vanoda rutendo nekuzvininipisa vasati Vapa rubatsiro Rwavo. Chikonzero chimwechete chaizvozvo ndechekuti mhinduro Dzavo dzingangosauya nemunzira yatinotarisira. Uye hadzisi dzinogara dziri nyore kutambira.

Nhoroondo yeChechi nezviitiko zvemadzitateguru edu zvinoratidza huchokwadi uhwu. Sekuru vababa vangu Henry Eyring vakanamata nemwoyo wose kuti vazive zvavanofanira kuita apo pavakanzwa vhangeri rakadzorerwa richidzidziswa muna1855. Mhinduro yakauya muchiroto.

Vakarota kuti vakanga vakagara patafura naGosa Erastus Snow veChikwata cheVaapositori Gumi neVaviri uye nagosa vainzi William Brown. Gosa Snow vakadzidzisa misimboti yevhangeri kwenguva yakaratidzika kuva awa rimwechete. Zvino Gosa Snow vakazoti, “Muzita raJesu Kristu ndinokuraira kuti ubhabhatidzwe uye murume uyu [Gosa Brown] … vachakubhabhatidza.”1 Mhuri yangu inotenda kuti Henry Eyring akavanerutendo nekuzvininipisa zvekuti abhabhatidzwe na7:30 mangwanani mugangwa remvura yekunaya muSt. Louis, Missouri, USA, naGosa Brown.

Mhinduro kumunamato wake haina kuuya kubva kuna Ishe neizwi rinonzwika. Yakauya muchiratidzo nemuchiroto usiku, sezvayakaita kunaRihai (ona1 Nifai 8:2).

Ishe vakatidzidzisa kuti mhinduro dzinokwanisawo kuuya semanzwiro. Mubhuku reDzidziso neZvibvumirano, Vakadzidzisa Oliver Cowdery vachiti, “Tarisa, ndichakuudza mupfungwa dzako nemumwoyo mako, neMweya Mutsvene, uyu uchauya pauri uye uyu uchagara mumwoyo mako” (D&Z 8:2).

Uye Vakakurudzira Oliver nenzira iyi: “Handina here kutaura runyararo kupfungwa dzako maererano nezvenyaya iyi? Ungawane uchapupu hwakakura sei kupfuura hunobva kuna Mwari?” (D&Z 6:23).

Bhuku reDzidziso neZvibvumirano, Nhoroondo yeChechi, nenhoroondo yakachengetwa naHenry Eyring paushumiri hwake chinguva chidiki mushure merubhabhatidzo rwake zvakandidzidzisa kuti mhinduro dzinokwanisa kunzwikwa seyambiro uye serunyararo.

MunaKubvumbi 1857, Gosa Parley P. Pratt weChikwata cheVaapositori Gumi neVaviri vakapinda musangano mukuru munzvimbo umo mavakunzi iyezvino Oklahoma, USA. Henry Eyring akanyora kuti, “pfungwa dzaGosa Pratt dzakanga dzizere nemanzwiro ezvakaipa zvingangoitika … , vasingakwanise kuona ramangwana kana nzira zvayo yekuzvitiza.”2 Henry akanyora pasi nyaya inosuwisa pakarepo mushure mazvo yekupondwa kweMuapositori uyu. Gosa Pratt akanga aenderera mberi nerwendo rwake kunyange aive nemanzwiro ekuva munjodzi, sezvakanga zvakaita Muporofita Joseph mukuenda kuCarthage.

Uchapupu hwangu kuti Ishe nguva dzose vanopindura munamato wakaninipa werutendo. Bhuku reDzidziso neZvibvumirano nezviitiko zvedu pachedu zvinotidzidzisa maziviro atingaita mhinduro idzodzo nekudzitambira murutendo, kunyange dziri nhungamiro, simbiso yechokwadi, kana yambiro. Ndinonamata kuti nguva dzose tichateerera kuti tinzwe nekuziva izwi rine rudo raIshe.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. “The Journal of Henry Eyring: 1835–1902” (Chinyorwa chisina kushambadzwa chakachengetwa nemunyori).

  2. “The Journal of Henry Eyring: 1835–1902.”

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

1. Funga kuverenga pamwechete ndima dzepamusoro pemunamato dziri mushoko rino. Apo paunenge uchiverenga, kumbira nhengo dzemhuri kuti dzinyatsotereresa kumapinduriro anoitwa minamato naMwari. Funga kupupura nezvekukosha kwemunamato.

2. Bhuku reDzidziso neZvibvumirano rizere nemhinduro kumibvunzo yakabvunzwa nevanhu mumunamato. Ko dai mhinduro kumibvunzo yavo (zvakazarurwa) dzakanga dzisina kumbobvira dzanyorwa pasi? Kurudzira mhuri kuti vadzidze kuziva nekutevera kurudziro dzeMweya. Vangangoda kunyora pfungwa dzavo maererano nemunamato mumajenari avo.

Dhinda