2013
Wongorora Nhoroondo
Nyamavhuvhu 2013


Vechidiki

Wongorora Nhoroondo

Mutungamiri Eyring vanotapa Mutungamiri Spencer W. Kimball (1895–1985) vachitaura kuti “majenari inzira yekuverenga maropafadzo edu uye yekusiira nhoroondo yemaropafadzo aya kuzvibereko zvedu.” Mumusangano mukuru muna Gumiguru 2012, Mutungamiri Thomas S. Monson vakapa uchapupu hwavo hwekunyora majenari. Vakagovera zvimwe zviitiko kubva muupenyu hwavo, vachiti, “Jenari rangu remazuva ese, randakanyora mariri makore ese aya, rinondibatsira kupa zvakaitika chaizvo izvo zvandinofunga kuti dai risipo handaizokwanisa kuzviyeuka.” Vakaraira kuti, “Wongorora nhoroondo yeupenyu hwako utarise kunyanya maropafadzo, makuru nemadiki, awakagashira” (“Consider the Blessings,” Liahona neEnsign, Mbudzi 2012, 86). Edza kutevera rairo dzemaporofita aya uye womisa zvinangwa zvekunyora mujenari rako.

Dhinda