2013
Rubatsiro
Nyamavhuvhu 2013


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Nyamavhuvhu 2013

Rubatsiro

Nomunamato dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu. Kuwana rumwe ruzivo, enda kuwww.reliefsociety.lds.org.

Rutendo • Mhuri • Rubatsiro

Zvinangwa zverubatsiro rweChechi ndezvekubatsira nhengo kuti dzigova dzinozviriritira, kuchengeta varombo nevanoshaya, nekushandira vamwe. Rubatsiro rwakakosha kubasa reChita cheRubatsiro. Mutungamiri Henry B. Eyring, Mutevedzeri Wekutanga muHutungamiri Hwekutanga, vakadzidzisa kuti:

“[Ishe] kubvira pakutanga kwenguva vakapa nzira dzekuti vadzidzi Vavo vabatsire. Vakakoka vana Vavo kuti vapire nguva yavo, zviwanikwa zvavo, uye kuti vabatane Navo mukushandira vamwe. …

“Vakakoka uye Vakatiraira kuti titore chinhano mubasa Ravo rekusimudzira avo vanezvidikanwi. Tinoita chibvumirano chekuita izvozvo mumvura dzerubhabhatidzo uye nemumatemberi matsvene aMwari. Tinovandudza chibvumirano ichi musi weSvondo apo patinotora sakaramende.”1

Pasi pehutungamiri hwabhishopi kana hwemutungamiri webazi, vatungamiri vemunzvimbo imomo vanobatsira nerubatsiro rwezvemweya nerwezvenyama. Mikana yekushandira inowanzotanga nevadzidzisi vekushanyirana vanotsvaga femero yekuziva madairiro ekuita kuzvidikanwi zvasisita wega wega wavanoshanyira.

Kubva muMagwaro Matsvene

Ruka 10:25–37; Jakobo 1:27; Mosaya 4:26; 18:8–11; Dzidziso neZvibvumirano 104:18

Kubva muNhoroondo Yedu

Musi wa9 Chikumi, 1842, Muporofita Joseph Smith vakapa kumasisita emuChita cheRubatsiro basa “rekuyamura varombo” neku “ponesa mweya.”2 Zvinangwa izvi zvichiri pamwoyo peChita cheRubatsiro uye zvinoratidzwa muchirevo chedu, “Rudo harutongo peri” (1 VaKorinte 13:8).

Mutungamiri mukuru wedu weChita cheRubatsiro wechishanu, Emmeline B Wells, nevatevedzeri vake vakavamba chirevo ichi muna 1913 seyeuchidzo yemisimboti yedu yekutanga:” Tinozvitaura pachena kuti chinangwa chedu … [kubatirira] zvakasimba kudzidziso dzakafemerwa dzeMuporofita Joseph Smith apo pavakazivisa chinangwa chaizotevedzwa icho chekupa simba kumadzimai kuburikidza nehutungamiri hwehupirisita kuti vaunganidzwe mumapoka akakodzera nechinangwa chekunamatira varwere, kubatsira vanoshaya, kunyaradza chembere, kuyambira vanhu vasingazive, uye nekubatsira nherera.”3

Nhasi Chita cheRubatsiro chavakubata vanhu pasi rose apo masisita pavanotambanudzira rudo rwakadzama, rudo rwutsvene rwaKristu, kuvavakidzani vavo, (ona Moronai 7:46–47).

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Henry B. Eyring, “Opportunities to Do Good,” Liahona neEnsign, Chivabvu 2011, 22.

  2. Joseph Fielding Smith, muDaughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 97.

  3. Daughters in My Kingdom, 63.

Chii Chandingaite?

  1. Ndiri kugadzirira sei kuzvitaririra ini pachangu uye nemhuri yangu panezvemweya nezvenyama?

  2. Ndingakwanise sei kutevera muenzaniso weMuponesi apo pandinobatsira kuzadzikisa zvidikanwi zvemasisita andinotaririra?

Dhinda