2013
Ziva, Yeuka, uye Upe Kutenda
Nyamavhuvhu 2013


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Nyamavhuvhu 2013

Ziva,Yeuka, uye Upe Kutenda

Mufananidzo
Mutungamiri Henry B. Eyring

Mwari Vanokumbira kuti tipe kutenda kwaVari nemaropafadzo apizvawo atinogashira kubva kwaVari. Zvirinyore kuva tinongotaura mazwi asiri anobva pamwoyo muminamato yedu yerutendo, kazhinji tichidzokorora mazwi mamwechetewo zvisina chinangwa chekupa kutenda kwedu sechipo chemwoyo kuna Mwari. Tinofanira “kutenda … muMweya” (D&Z 46:32) kuitira kuti tikwanise kunzwa rutendo rwechokwadi rwezvatakapihwa naMwari.

Tingayeuke sei kunyange chikamu chezvose zvatakaitirwa naMwari? Muapostora Johane akanyora zvatakadzidziswa neMuponesi pamusoro pechipo chekuyeuka chinouya kuburikidza nechipo cheMweya Mutsvene: “Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa nababa muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvose, nekukuyeudzirai, zvose zvandakareva kwamuri” (Johane 14:26).

Mweya Mutsvene unotiyeuchidza zvatakadzidziswa naMwari. Uye imwe yenzira dzatinodzidziswa nadzo naMwari ndeye maropafadzo Avo; nokudaro, kana tikasarudza kushandisa rutendo, Mweya Mutsvene uchaunza tsitsi dzaMwari kundangariro dzedu.

Unokwanisa kuzviyedza mumunamato nhasi. Unokwanisa kutevera murairo unoti “Mutende Ishe Mwari venyu mune zvinhu zvose” (D&Z 59:7).

Mutungamiri Ezra Taft Benson (1899–1994) vakaraira kuti munamato unopa nguva yekuita izvozvo. Vakati: “Muporofita Joseph paneimwe nguva vakati, chimwe chezvitadzo zvikuru-kuru chinoita kuti Vatendi Vamazuva Ekupedzisira vazove nemhosva chitadzo chekusatenda. Ndinofunga kuti vazhinji vedu hatina kumbofunga kusatenda uku sechitadzo chikurusa. Muminamato yedu nemukuteterera kwedu kuna Ishe kazhinji tinowanzokumbira mamwe maropafadzo. Asi dzimwe nguva ndinofunga kuti tinofanira kupira minamato yedu mizhinji kumazwi erutendo neekuvonga maropafadzo atakatogashira. Tinoropafadzwa nezvakawanda.”1

Unokwanisa kuva nemanzwiro akadai nechipo cheMweya Mutsvene nhasi. Unokwanisa kutanga munamato wemuruvande nekutenda. Unokwanisa kutanga kuverenga maropafadzo ako uye wombomira kwekanguva. Kana ukashandisa ruvimbo, nechipo cheMweya Mutsvene, unozoona kuti ndangariro dzemamwe maropafadzo dzinozozara mupfungwa mako. Ukatanga kutaura rutendo rwako rwerimwe nerimwe rawo, munamato wako ungangotora nguva yakareba kupinda zvamazuva ose. Yeuko inouya, uye nerutendo runouyawo.

Unokwanisa kuedza zvimwechetezvo apo paunonyora chiitiko mujenari rako. Mweya Mutsvene wakabatsira vanhu kuyeuka kubvira pakutanga kwenguva. Unoyeuka kuti bhuku raMosesi rinoti, “Uye bhuku rendangariro rakachengetwa, umo mainyorerwa, mururimi rwaAdama, nokuti zvakanga zvakapihwa kune vose vaidaidza kuna Mwari kuti vanyore kuburikidza nemweya wekufemerwa” (Mosesi 6:5).

Mutungamiri Spencer W. Kimball (1895–1985) vakatsanangura nzira iyoyo yekunyora kwakafemerwa vachiti: “Avo vanochengeta bhuku rendangariro kazhinji ndivo vanowanzo chengeta Ishe mundangariro muupenyu hwavo hwemazuva ose. Majenari inzira yekuverenga maropafadzo edu uye yekusiira nhoroondo yemaropafadzo aya kuzvibereko zvedu.”2

Apo paunotanga kunyora, unokwanisa kuzvibvunza kuti, “Mwari varopafadza sei nhasi ini neavo vandinoda?” Ukaita izvozvo kakawanda uye neruvimbo, uchazozviwana uchiyeuka maropafadzo. Uye dzimwe nguva uchava nezvipo zvichaunzwa kupfungwa dzako izvo zvawatadza kuona muswere wezuva asi zvauchazoziva zvino kuti zvangazviri kubata kweruoko rwaMwari muupenyu hwako.

Ndinonamata kuti tingaramba tichiedza muruvimbo kuziva, kuyeuka nekupa kutenda nezvakaitwa uye zvirikuitwa naBaba vedu Vekudenga neMuponesi wedu kuzarura nzira yekumusha kwaVari.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Ezra Taft Benson, God, Family, Country: Our Three Great Loyalties (1974), 199.

  2. Spencer W. Kimball, “Listen to the Prophets,” Ensign, Kubvumbi 1978, 77.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mushoko ravo, Mutungamiri Eyring vanotikoka kuti tiyeuke tsitsi dzaBaba Vekudenga muminamato yedu. Kurukura neavo vamunodzidzisa kuti kunamata nerutendo kunokwanisa kutibatsira sei kuziva ruoko rwaMwari muupenyu hwedu. Funga kupfugama kuti munamate neavo vamunodzidzisa uye ukurudzire uyo anoita munamato kuti ataure kutenda chete.

Uno kwanisawo kudzidza kukosha kwerutendo nekuverenga ndima idzi pamusoro pendima dzakataurwa neMutungamiri Eyring: Mapisarema 100; Mosaya 2:19–22; Aruma 26:8; 34:38; Dzidziso neZvibumirano 59:21; 78:19; 136:28.

Dhinda