2013
Ndakakwanisa Kusununguka paRusuwo Rwangu
Gunyana 2013


Vechidiki

Ndakakwanisa Kusununguka paRusuwo Rwangu

Munyori wenyaya iyi anobva kuTaiwan.

Apo shamwari dzangu Bhuradha Chen nemudzimai wake pavakabhabhatidzwa kuvanhengo muwadhi medu, ndakafara zvikuru. Pakupera kwegore rimwechete mushure merubhabhatidzo rwavo, vakasunganidzwa mutemberi, uye mwanakomana wavo akanga afa vasati vapinda Chechi akasunganidzwa kwavari. Zvaifadza zvikuru kuona vanaChen vachikura muvhangeri.

Asi zvino Bhuradha Chen vakauraiwa mutsaona yemotokari gore rakatevera. Mushure metsaona, rufu rwavo rwairatidzika serwairamba rwuri mupfungwa mangu uye kazhinji rwuchiuya muzviroto zvangu. Ndaimuka ndichichema uye ndichidzokorora kubvunza kuti, “Sei? Sei Ishe vachibvumira rudzi urwu rwetsaona kuti rwuitike? Sei chinhu chakadai chichiitika kumhuri yakanaka iyi?” Rimwe zuva, apo pandaitambudzika nemibvunzo iyi, ndakasimudza bhuku rezvidzidzo ndikaverenga mazwi aya kubva kune Mutungamiri Spencer W. Kimball (1895–1985):

“Kana tikafunga kuti upenyu hunho hwepanyika ndicho chete chikamu chekurarama kwedu, zvino marwadzo, rusuwo, kukundikana, neupenyu upfupi zvinova dambudziko rinosuwisa. Asi kana tikafunga upenyu sechinhu chekusingaperi chinobvira shure muupenyu tisati tazvarwa panyika uye chichienda mberi muneramangwana rekusingaperi shure kwerufu, zvino zviitiko zvose zvingangoiswa mumaonero kwawo ezvazviri. …

“Hatisi here tinosangana nezviedzo kuti tiedzwe simba redu, tinosangana neurwere kuti tingango dzidza mwoyo murefu, tinosangana nerufu kuti tigova neupenyu husingaperi uye tigobwinyiswa?”1

Panguva iyoyo, ndakasarudza kusununguka parusuwo rwangu uye ndotarisira muneramangwana rakavimbiswa uye ringangovapo. Ndakaona mupfungwa mangu Bhuradha Chen vabatanidzwazve nemhuri yavo nerufaro. Chiratidzo ichocho chakandipa runyararo. Ndinoziva kuti Baba Vekudenga vachatipa uchenjeri neushingi zvekuti titarisane nematambudziko.

Kwakatorwa Chinyorwa

  1. Teachings of Presidents of the Church: Spencer W. Kimball (2006), 15.

Dhinda