2013
Vatendi veMwaka Yose
Gunyana 2013


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Gunyana 2013

Vatendi veMwaka Yose

Mufananidzo
Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf

Ndine ndangariro dzehudiki dzechikamu chenyika chakanga chakanakisisa zvikuru mumwaka mina yose yegore. Mwedzi wega wega waipfuura wakanga wakanakisisa uye uchishamisa. Munguva yezuva remuchando rakanaka, mazaya echando akachena asina kana kavara aifukidza makomo nemigwagwa yeguta. Mvura inonaya muchirimo yaichenesa zvinhu zvose ichikonzera miti nezvinomera kubuda, nekupfumvura mashizha nemaruva. Zuva rakajeka raipenya mumakore akadzikama, akachena emuzhizha. Uye matsutso anofadza meso aishandura zvinomera kuita mavara akanakisisa erudzi rweorenji, yero, nezvitsvuku. Semwana mudiki, ndaida mwaka wega wega, uye kunyange nanhasi, ndinoda chimiro nesiyano yemwaka wega wega.

Tine mwaka muupenyu hweduwo. Mimwe inodziya uye yakanaka. Mimwe haidziyi uye haina kunaka. Mamwe emazuva muupenyu hwedu akanaka semifananidzo iri mukarenda. Asi zvakadaro kune mazuva nemamiriro ezvinhu anokonzera kurwadza kwemwoyo uye angangounza muupenyu hwedu manzwiro akadzama ekuora mwoyo, kuvenga, nekushatirwa.

Ndine chokwadi chekuti paneimwe nguva tose takafunga kuti zvaizova zvakanaka kugara munyika izere chete nemazuva emwaka yakanaka semifananidzo uye torega kuona nguva dzakipa pakatipawo.

Asi izvi hazvikwanisike. Uye hazvidikanwe.

Apo pandinofunga nezvenhoroondo yeupenyu hwangu, zviripachena kuti nguva zhinji dzekukura zvikurusa pamweya dzakauya apo pandaisangana nenguva dzakaoma.

Baba vedu Vekudenga vaneuchenjeri hwese vaiziva kuti, kuita kuti vana Vavo vakure kuva vanhu vavakasikirwa kuti vazove, vaifanira kusangana nemwaka yematambudziko munguva dzavo dzeupenyu huno. Muporofita weBhuku raMormoni Rihai akati kana pasina pikisano, “utsvene hawaizokwanisa kuunzwa” (2 Nifai 2:11). Zvechokwadi, marwadzo eupenyu anotibvumira kuziva, kusiyanisa, nekutenda kutapira kwahwo (ona D&Z 29:39; Mosesi 6:55).

Mutungamiri Brigham Young vakataura izvi nemazwi aya: “Vese vanhu vakachenjera vanogadzwa nekorona dzekubwinya, dzekusafa, nedzeupenyu husingaperi vanofanira kupfuura nemudambudziko rese rakarongerwa vanhu vakachenjera kuti vapfuure nemariri, kuti vawane kubwinya nekusimudzirwa kumusoro-soro kwavo. Rese dambudziko rinokwanisa kuuya pavanhu venyama richauya … kuvagadzirira kunakirwa nekuva pamberi paIshe. … Chese chiedzo nechitiko chawakasangana nacho chinodikanwa kuitira ruponeso rwako.”1

Mubvunzo hausi wekuti tichasangana here nemwaka yezvinetso asi matakuriro atichaita zvinetso izvozvo. Mukana wedu mukuru munguva dzemwaka inogara ichishanduka yeupenyu ndewekubatirira zvakasimba kushoko rakatendeka raMwari, nokuti rairo Yavo yakaitirwa kwete chete kuti itibatsire kushingirira zviitiko zvakaoma zveupenyu asiwo kutitungamirira kupfuura nemazviri. Baba vedu Vekudenga vakatipa shoko Ravo kuburikidza nemaporofita Avo—ruzivo rwakakosha rwakagadzirirwa kutitungamirira nemuzvinetso zvemwaka yakaoma kuenda kurufaro rwusingataurike nechiedza chinopenya cheupenyu hwekusingaperi. Chikamu chinokosha chechiitiko cheupenyu hwedu kukudziridza simba, ushingi, nerukudzo rwunotibatsira kubatirira zvakasimba kuchokwadi neururami kunyange nezvinetso zvatingangosangana nazvo.

Avo vanhu vakabhabhatidzwa uye vakagashira chipo cheMweya Mutsvene vakaisa tsoka dzavo munzira yehudzidzi uye vanorairwa kutevera mutsoka dzeMuponesi wedu zvisina kutsauka uye zvakatendeka.

Muponesi akadzidzisa kuti zuva rinobudira “vakaipa nevakanaka, uye … mvura [inonaira] vakarurama nevasakarurama” (Mateo 5:45). Dzimwe nguva tinotadza kunzwisisa kuti sei zvinhu zvakaoma, kunyange zvisina kunaka zvichiitika muupenyu hwedu. Asi sevateveri vaKristu, tinovimba kuti kana “tikashingirira kutsvaga, tichinamata nguva dzose, uye nokuva tinotenda, … zvinhu zvose zvichashanda pamwechete kuti pundutsa, kana [ti]kafamba takatwasanuka” (D&Z 90:24; emphasis added).

Senhengo dzeChechi Yake, seVatendi, tinoshandira nerufaro uye nechido mumamiriro ekunze ose uye nemumwaka yose. Uye apo patinoita izvozvo, mwoyo yedu inova inozadzwa nerutendo rutsvene, netariro inoporesa, nerudo rutsvene rwekudenga.

Asi zvakadaro, tinofanira kupfuura nemumwaka yose—yakanaka neinorwadza. Asi zvisinei nekuti mwaka upi, sevateveri vaJesu Kristu, tichamisa zvakasimba tariro yedu paAri apo patinofamba takananga kuchiedza Chake.

Muchidimbu, tiri Vatendi vaMwari, vakazvipira kudzidza neZvavo, kuVada, Nekuda vamwe vedu. Tiri vafambi varikufamba panzira tsvene inoteverwa nevadzidzi, uye tichafamba tisingasuduruke takananga kuchinangwa chedu chekudenga.

Nokudaro tinofanira kuva Vatendi muchirimo, muzhizha, matsutso nemuchando. Tinofanira kuva Vatendi munguva dzose dzeupenyu hwedu.

Kwakatorwa Chinyorwa

  1. Teachings of Presidents of the Church: Brigham Young (1997), 261–62.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Vatungamiri Vekutanga vakadzidzisa kuti, “Dzimwe dzemharidzo Dzakanakisisa dzinoparidzwa nekuimba nziyo” (Hymns, ix). Apo pamunokurukura shoko rino, funga kuimba neavo vamunodzidzisa imwe yenziyo idzi kana rumwe rumbo pamusoro pekushingirira mudambudziko: “How Firm a Foundation” (nhamba 85); “The Lord Is My Shepherd” (nhamba 108); kana “Let Us All Press On” (nhamba 243). Kana uchinzwa kukurudzirwa, govera nguva imwe apo chiitiko chakaoma muupenyu hwako chakapedzisira chava ropafadzo.

Dhinda