2013
Kuzviriritira
Gunyana 2013


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Gunyana 2013

Kuzviriritira

Nomunamato dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu. Kuwana rumwe ruzivo, enda kureliefsociety.lds.org.

Chiratidzo cheSimbiso cheChita cheRubatsiro

Ruvimbo, Mhuri, Rubatsiro

Kuzviriritira ikwaniso, kuzvipira, nekuedza kuzviwanira mararamiro akanaka ezvemweya neezvenyama edu pachedu neemhuri dzedu.1

Apo patinodzidza nekushandisa misimboti yekuzviriritira mudzimba dzedu nemunzvimbo dzatinogara, tinemikana yekuchengeta varombo nevanoshaya uye nekubatsira vamwe kuti vave vanozviriritira kuitira kuti vakwanise kushingirira munguva dzematambudziko.

Tinemukana nebasa rekushandisa sarudzo yedu kuti tive vanozviriritira panyama nepamweya. Mukutaura nezvekuzviriritira kwezvemweya uye nekuvimba kwedu panaBaba Vekudenga, Gosa Robert D. Hales veChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri vakadzidzisa kuti: “Tinova vakatendeutswa nekuva vanozvirirtira pamweya apo patinorarama nemunamato zvibvumirano zvedu—kuburikidza nekutora sakaramende zvakakodzera, kuva vakakodzera mvumo yekupinda mutemberi, uye nekuzvipira kushandira vamwe.”2

Gosa Hales vakatiraira kuti tive vanokwanisa kuzviriritira pane zvepanyama, “izvo zvinosanganisira kuwana imwedzidzo yepamusoro mushure mechikoro chesekondari kana kuwana dzidzo yekosi, kudzidza kushanda, uye kushandisa mari isingapfuure yatinotambira. Nekudzivirira zvikwereti uye nekuchengetedza mari iyezvino, tinova vakagadzirira mushando uzere weChechi muneramangwana. Chinangwa chekuzviriritira kwezvenyama nekwezvemweya ndechekuti tizviise mumamiriro akanaka kuitira kuti tigokwanisa kubatsira vamwe vanoshaya.”3

Kubva muMagwaro Matsvene

Mateo 25:1–13; 1 Timotio 5:8; Aruma 34:27–28; Dzidziso neZvibvumirano 44:6; 58:26–29; 88:118

Kubva muNhoroondo Yedu

Mushure mekunge Vatendi Vamazuva Ekupedzisira vaungana muNhika yeSalt Lake, yakanga iri ngwenga riri kure kwaro rega, Mutungamiri Brigham Young aida kuti vabudirire uye vamise dzimba dzakasimba dzekugara zvachose. Izvi zvaireva kuti Vatendi vaifanira kudzidza unyanzvi hwaizovabvumira kuti vave vanozviriritira. Mukuedza uku, Mutungamiri Young vaive neruvimbo rukuru mukwaniso, matarenda, rutendo, nechido chemadzimai, uye vakavakurudzira mumabasa ezvenyama avakanga vamisirwa. Kunyange zvazvo mabasa akamisirwa masisita eChita cheRubatsiro achiwanzova akasiyana nhasi, misimboti inoramba iri mimwecheteyo:

  1. Dzidza kuda basa uye udzivirire nungo.

  2. Iva nechido chekuzvipira.

  3. Tambira sebasa rako pachako rekuona nezve kusimba pane zvemweya, utano, dzidzo, mushando, zvemari, kudya, uye nezvimwe zvinodikanwa zvekuraramisa upenyu.

  4. Namatira kuva nerutendo neushingi hwekushingirira pazvinetso.

  5. Simbisa vamwe vanoda rubatsiro.4

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Ona Handbook 2: Administering the Church (2010), 6.1.1.

  2. Robert D. Hales, “Coming to Ourselves: The Sacrament, the Temple, and Sacrifice in Service,” Liahona neEnsign, Kubvumbi 2012, 34.

  3. Robert D. Hales, “Coming to Ourselves,” 36.

  4. Ona Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 51.

Chii Chandingaite?

  1. Ndirikubatsira sei masisita andinotaririra kuti vawane mhinduro kuzvidikanwi zvavo zvenyama nezvemweya?

  2. Ndiri kuwedzera here kuzviriritira kwangu kwezvemweya kuburikidza nekugadzirira kutora sakaramende nekuzvipira kuti ndishandire?