2013
Chipo chaJen
Gumiguru 2013


Vechidiki

Chipo chaJen

Munyori wenyaya iyi anogara muUtah, USA.

Ndakaita sarudzo dzakawanda dzakanga dzisina kunaka mugore rangu rechipiri kuchikoro chesekondari. Sarudzo idzodzo dzakatungamirira kumibairo yakakomba norusuwo, uye ndikasarudza kushandisa zororo rangu remuzhizha kutanga kuita shanduko. Apo chikoro pachakatanga zvakare, ndaidya kudya kwangu kwemasikati muimba yokugezera kana kuti mupaseji isina munhu kuitira kuti ndidzivirire ukama hwakaipa hwakanga hwakamirira kunditambira pandakadzokera kuchikoro.

Ndakanga ndisati ndambonzwa kusurikirwa kwakadaro.

Zvino Mwari Vakandipa chipo: Vakanditumira Jen. Haana kumbonditonga pazvitadzo zvangu asi panokudaro akandikurudzira kuti ndirambe ndichiita zvinhu izvo zvandaiziva kuti zvakanaka. Kuziva kuti aizenge ari kuchikoro kwakandibatsira kuramba ndichiverenga magwaro matsvene angu nekukudziridza uchapupu hwangu. Pakazosvika nguva yokugirajuweta, ndakanga ndazvipwisa kuti ndainge ndazvitsidzira kushanduka.

Dzimwe nguva ndinoshama kuti ndingadai ndiripi nhasi dai Jen asina kunanavira kwandiri. Ndaizokwanisa here kuramba ndakashinga pamisimboti yangu dai akanga asipo? Nokuda kwerombo rakanaka, handimbofa ndakaziva nokuti akanga aripo nemoyo wake wose, akagadzirira uye achida kundibatsira.

Dhinda