2013
Basa Redu roKununura
Gumiguru 2013


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Gumiguru 2013

Basa Redu roKununura

Mufananidzo
Mutungamiri Thomas S. Monson

KuVatendi Vamazuva Ekupedzisira kudikanwa kwekununura mabhuratha nemasisita edu avo, nokuda kwechimwe chikonzero, vakatsauka kubva munzira yekusimba muChechi kune kukosha kwekusingaperi. Tinoziva here vanhu vakadaro avo paneimwe nguva vakatambira nokurarama vhangeri zvakazara? Kana tichivaziva, basa redu nderei mukuvanunura?

Funga nezve vakarasika pakati pevakwegura, shirikadzi netsvimborume, uye navarwere. Kazhinji chaizvo vanowanikwa murenje rakaoma rekuva uri wega rinonzi kusurikirwa. Apo hudiki pahunopera, apo utano pahunoderera, apo simba parinoderera, apo chiedza chetariro pachinotanga kudzima, vanokwanisa kubatsirwa nokutsigirwa neruoko runobatsira uye nemoyo unoziva nyasha.

Kune vamwe, chokwadi, vanoda kununurwa. Vamwe vanotambudzika nechivi uye vamwe vanodzungaira mukutya kana mukushaya hanya kana mukusaziva. Nokuda kwechikonzero chipi zvacho, vakazvibvisa kubva mukusimba muChechi. Uye chokwadi vangangoramba vakarasika kusara kokunge matiri isu—nhengo dzakasimba dzeChechi—mamuka chido chokununura nokuponesa.

Mumwe Munhu Anotaridza Nzira

Imwe nguva yakapfuura ndakatambira tsamba yakanyorwa nemurume akanga atsauka kubva muChechi. Inopa muenzaniso wenhengo dzedu zhinjisa. Mushure mokunge atsanangura kuti akava asisina kusimba muchechi sei, akanyora:

“Ndakanga ndiine zvakawanda chaizvo uye zvino ndava nezvishomanana. Handisi kufara uye ndinonzwa sokunge ndiri kukundikana muzvinhu zvose. Vhangeri harina kumbobva mumoyo mangu, kunyangwe zvazvo rakabva muupenyu hwangu. Ndinokumbira minamato yenyu.

Ndapota musakanganwa avo vedu vari kunze kuno—Vatendi Vamazuva Ekupedzisira vakarasika. Ndinoziva kune Chechi, asi dzimwe nguva ndinofunga kuti ndinoda mumwe munhu kuti anditaridze nzira, andikurudzire, abvise kutya kwangu, uye apupure uchapupu kwandiri.”

Apo pandaiverenga tsamba iyi, ndakarangarira kushanya kwandakaita kune imwe yedzimba dzakanakisisa dzemunyika dzinoonekwa mifananidzo nezvivezwa—iyo inomukurumbira inonzi Victoria and Albert Museum muLondon, England. Imomo, mune mufananidzo wakaiswa mufuremu yakanaka zvikurusa, wakanyoronyodwa neunyanzvi hukuru muna 1831 naJoseph Mallord William Turner. Mufananidzo uyu unotaridza makore matema-tema uye nehukasha hwegungwa rine masaisai makuru emvura irikusumudzwa nemhepo anotaridza kuuya kwenjodzi nerufu. Chiedza chinobva pachikepe chisisakwanise kuramba chichifamba chinopenya nokure kure. Kumberi, kune igwa rekununura guru riri kuvhuvhutwa richikandwa mudenga nemasaisai anouya emvura inemafuro. Varume vanodhonza nesimba rose pamatanda anofambisa igwa apo igwa rokununura iri parinopinda mukati medutu. Pamahombekombe pakamira mudzimai nevana vaviri vakatota nemvura inonaya uye vari kuvhuvhutwa nemhepo. Vakatarisa kugungwa vachishushikana zvikuru. Mupfungwa dzangu ndakapfupisa zita remufananidzo. Kwandiri rakave Kunonunura.1

Pakati pematambudziko eupenyu, njodzi iripedyo. Varume nevakadzi, vakomana nevasikana vanozviwana vavharirwa vasisakwanisi kuenderera mberi uye vatarisana nemharadzo. Ndiani anozobatsira avo varikutambudzika, achisiya kudekara kwemumba nemhuri, achienda kunonunura?

Basa redu harisi risingakwanisiki. Tiri pabasa raIshe; tinekodzero yerubatsiro Rwavo.

Panguva yehushumiri hwaTenzi, Akadaidza vabati vehove paGarirea kuti vasiye vutava hwavo uye vaMutevere, achitaura kuti, “Ndigokuitai vabati vavanhu.”2 Ngativei nhengo dzevabati vevarume nevakadzi, kuitira kuti tigokwanisa kupa rubatsiro rwupi zvarwo rwatinokwanisa.

Tine basa rokunanavira kuti tinunure avo vakabva padziviriro yekusimba muchechi, kuitira kuti ivavo vagokwanisa kuunzwa kutafura yaIshe kuti vadye pashoko Rake, kuti vanakirwe neufambidzani hweMweya Wake, uye kuti vachirega kuva “vaeni navatorwa, asi vobwo pamwechete navatsvene, neveimba yaMwari.”3

Musimboti weRudo

Ndakawana kuti zvikonzero zviviri zvikuru ndizvo zvinonyanya kuita kuti vanhu vadzoke mukusimba muchechi uye kuti vashandure mafungiro, tsika nezviito zvavo. Chokutanga, vanhu vanodzoka nokuda kwekuti mumwe munhu akavaratidza kwaniso dzavo dzokusingaperi uye akavabatsira kusarudza kubudirira padziri. Avo vasisina kusimba muchechi havakwanisi kugutsikana kwenguva yakareba nezvakaderera kana vachinge vaona kuti vanokwanisa kuwana zvakanakisisa zvapamusoro-soro.

Chechipiri, vamwe vanodzoka nokuda kwekuti vadikanwi kana kuti “vobwo pamwechete navatsvene” vakatevera kuraira kweMuponesi, vakada vokwavo sezvavanozvida ivo4 uye kuti vakabatsira vamwe kuti zviroto zvavo zvizadzikiswe uye kuti vavariro dzavo dziitike.

Chikurudziro mukuitika kweizvi chaiva—uye chicharamba chiri—musimboti werudo.

Muchokwadi chaicho, avo vanhu vakanga vavharirwa mumasaisai emvura makuru emugungwa remufananidzo waTurner vakafanana nevazhinji venhengo dzedu dzisisina kusimba muchechi idzo dzakamirira kununurwa neavo vanozobatsira varikutambudzika. Moyo yavo inoshuvira rubatsiro. Vanamai nanababa vanonamatira vanakomana nevanasikana vavo. Vakadzi vanodetembera kudenga kuti varume vavo vangangobatwa pamoyo. Dzimwe nguva vana vanonamatira vabereki vavo.

Munamato wangu ndewekuti tingava nechido chokununura avo vasisina kusimba muchechi uye tovadzosa kurufaro rwevhangeri raJesu Kristu, kuitira kuti vagotambira pamwepo nesu izvo zvose uwadzani huzere zvahunopa.

Ngatinanavirei kuti tinunure avo vakarasika vakatikomberedza: vakwegura, shirikadzi netsvimborume, varwere, avo vakaremara, vasisina kusimba muchechi, uye neavo vasiri kuchengeta mirairo. Ngatitambanudzirei kwavari ruoko runobatsira uye moyo unoziva nyasha. Nokuita kudaro, tinozounza rufaro mumoyo yavo, uye tinozonzwa kugutsikana kukuru kunouya kwatiri apo patinobatsira mumwe nemunzira yekuupenyu hwekusingaperi.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Musoro wenyaya wakazara wemufananidzo unoti Life-Boat and Manby Apparatus Going Off to a Stranded Vessel Making Signal (Blue Lights) of Distress.

  2. Mateo 4:19.

  3. VaEfeso 2:19.

  4. Ona Mateo 22:39.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Funga kubvunza vanhu vamunoshanyira kana vachiziva mumwe munhu ari kutambudzika kuuya kuchechi. Ungangosarudza munhu mumwechete uye mokurukura nzira dzokutaridza rudo, sezvakaita kumukoka kuti atore chinhanho mumanheru emhuri kana kuti auye kuzodya nemhuri.

Dhinda