2013
Basa Dzvene raJesu Kristu: Musiki
Gumiguru 2013


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Gumiguru 2013

Basa Dzvene raJesu Kristu: Musiki

Nomunamato dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu. Kuwana rumwe ruzivo, enda kureliefsociety.lds.org.

Ruvimbo, Mhuri, Rubatsiro

Jesu Kristu “Akasika matenga nepasi” (3 Nifai 9:15). Akaita kudaro kuburikidza nesimba rehupirisita, ari pasi perairo yaBaba vedu Vokudenga (ona Mosesi 1:33).

“Tinofanira kutenda zvikuru kuti Musiki akachenjera akasika pasi uye akatiisa pano,” vakadaro Mutungamiri Thomas S. Monson, “… kuti tigowana nguva yokuedzwa, mukana wekutaridza kwaniso yedu kuitira kuti tikodzere zvose izvo Mwari zvaVakatigadzirira kuti titambire.”1 Apo patinoshandisa sarudzo yedu kuteerera mirairo yaMwari nokutendeuka, tinova vakakodzera kudzokera kunogara naVo.

Nezve Kusika, Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf, Mutevedzeri Wechipiri muHutungamiri Hwekutanga, vakati:

“Isu tisu chikonzero chaAkasikira pasi nematenga! …

“Ichi ndicho chirevo chinotaura zvinopikisana pamusoro pemunhu asi chiri chechokwadi: mukuenzaniswa naMwari, munhu haasi chinhu; asi tiri zvinhu zvose kuna Mwari.”2 Kuziva kuti Jesu Kristu akatisikira pasi nokuda kwekuti takakoshesesa kupinda zvinhu zvose kuna Baba Vokudenga kunokwanisa kutibatsira kuwedzera rudo rwedu kwaVari.

Kubva muMagwaro Matsvene

Johane 1:3; VaHeberu 1:1–2; Mosaya 3:8; Mosesi 1:30–33, 35–39; Abrahama 3:24–25

Kubva muNhoroondo Yedu

Takasikwa mumufananidzo waMwari (ona Mosesi 2:26–27), uye tine kwaniso tsvene yokuva saMwari nokuti tiri vana Vavo. Muporofita Joseph Smith vakakurudzira zvakasimba masisita muChita cheRubatsiro kuti “vararame zvinoenderana nemikana [yavo].”3 Nekurudziro iyoyo sehwaro, masisita muChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira vakadzidziswa kuti vararame zvinoenderana nekwaniso yavo tsvene kuburikidza nokuzadzikisa chinangwa chaMwari kwavari. “Apo pavanosvika pakunzwisisa kuti ivo ndivanaani chaizvo—vanasikana vaMwari, vane kwaniso yavakazvarwa nayo yokuda nokuriritira—vanosvika pakwaniso yavo semadzimai matsvene.4

“Zvino maiswa mumamiriro ezvinhu umo mamunokwanisa kuita zvinhu maererano netsitsi idzo Mwari dzaVakadzika muzvipfuva zvenyu.” Vakadaro Muporofota Joseph Smith. “Kana mukararama zvinoenderana nemisimboti iyoyo zvinganaka nokurumbidzwa zvikurusa! … kana mukararama zvinoenderana nemikana yenyu, ngirozi hadzizokwanisa kudzivirirwa mukuva vafambidzani venyu.”5

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “The Race of Life,” Liahona, Kubvumbi 2012, 91.

  2. Dieter F. Uchtdorf, “You Matter to Him,” Liahona, Mbudzi 2011, 20.

  3. Joseph Fielding Smith, muDaughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 171.

  4. Daughters in My Kingdom, 171.

  5. Ona Joseph Smith, muDaughters in My Kingdom, 169.

Chii Chandingaite?

  1. Kutsvaka kunzwisisa hunhu hwedu hutsvene kunowedzera sei rudo rwedu kuMuponesi?

  2. Tingataridza sei kutenda kwedu kuzvisikwa zvaMwari?

Dhinda