2015
Hunhu hwoHumwari hwaJesu Kristu: Hunhu Hwakanaka
Chikumi 2015


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Chikumi 2015

Hunhu hwoHumwari hwaJesu Kristu: Hunhu Hwakanaka

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa hunhu hwehumwari hweMuponesi kunozowedzera sei rutendo rwako maAri nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku www.reliefsociety.lds.org.

Ruvimbo, Mhuri, Rubatsiro

“Regai hunhu hwakanaka hushongedze pfungwa dzenyu zvisingaperi; zvino ruvimbo rwenyu rwuchasimba pamberi paMwari; uye dzidziso yehupirisita ichawira pamweya yenyu sedova rinobva kudenga” (D&Z 121:45).

Chii hunhu hwakanaka? Mutungamiri James E. Faust (1920–2007) vakati: “Hunhu hwakanaka mukunzwisiswa kwahwo kuzere hunosanganisira tsika dzeururami dzinotibatsira kuumba chimiro chedu.”1 Mutungamiri Gordon B. Hinckley (1910–2008) vakawedzera kuti: “Rudo kuna Mwari ndiwo mudzi wehunhu hwakanaka hwese, werunako rwese, wesimba rose rechimiro.”2

Nezve hukama pakati pemadzimai nehunhu hwakanaka, Gosa D. Todd Christofferson veChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri vakati: “Madzimai vanozvarwa vaine humwe hunhu hwakanaka, chipo chehumwari chinovaita kuti vave neunyanzvi pakukurudzira tsika dzakaita serutendo, ushingi, kunzwira tsitsi, uye runako muhukama nemutsika dzevanhu. …

“Masisita, pafambidzano dzenyu dzose, hukama hwenyu naMwari, Baba venyu Vekudenga, vanova manyuko esimba rehunhu hwakanaka, ndihwo hwamunofanira nguva dzose kuisa pekutanga muhupenyu hwenyu. Yeukai kuti simba raJesu rakauya kuburikidza nekutendeka Kwake kusingazunguzike kuchido chaBaba. … Edzai kuva rudzi irworwo rwemudzidzi waBaba neMwanakomana, uye kurudziro yenyu haizofa yakanyangarika.”3

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene

Mapisarema 24:3–5; VaFiripi 4:8; 2 Petro 1:3–5; Aruma 31:5; D&Z 38:23–24

Kubva muMagwaro Matsvene

Nhasi, madzimai ane hunhu hwakanaka, vazere nerutendo, vanotsvaga rubatsiro kuMuponesi. Muna Ruka 8 tinoverenga nezve mudzimai akanga aine chirwere chekubuda ropa kwemakore gumi nemaviri chakanga chisingakwanise kuporeswa. Akatsvaga kuporeswa apo “paakauya mumashure [maKristu], akabata mupendero wenguvo yake: pakarepo kubuda kwake kweropa [kukaguma]. … Asi Jesu wakati, Mumwe wandibata: nokuti ndanzwa kuti simba4 rabuda kwandiri.” Mudzimai uyu ane hunhu hwakanaka akatendeka akawira pasi pamberi Pake, achizivisa “kwaari pamberi pavanhu vose” kuti “akanga amubata” uye “akaporeswa pakarepo. Uye akati kwaari, Mukunda, kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare” (ona Ruka 8:43–48; onawo 6:17–19).

Kuburikidza nehunhu hwakanaka Hwake,5 Kristu anokwanisa kuporesa, kugonesa, kusimbisa kunyaradza, nekufadza apo patinosarudza neushingi nerutendo kutsvaga rubatsiro kwaAri.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. James E. Faust, “The Virtues of Righteous Daughters of God,” Liahona, Chivabvu 2003, 108.

  2. Gordon B. Hinckley, “Excerpts from Recent Addresses of President Gordon B. Hinckley,” Ensign, Kubvumbi 1996, 73.

  3. D. Todd Christofferson, “The Moral Force of Women,” Liahona, Mbudzi. 2013, 29, 31.

  4. Hunhu hwakanaka hune simba (ona Marko 5:30).

  5. MuNhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Hupirisita” hunotsanangurwa se: “Mvumo nesimba izvo Mwari vanopa kumunhu kuti aite zvinhu zvose muruponeso rwevanhu” (D&Z 50:26–27).

Funga Izvi

Hunhu hwakanaka hunotipa mvumo nekutisimbisa sei?

Dhinda