2015
Kubatanidzwa kuMhuri Yangu Nokusingaperi
Chikumi 2015


Vechidiki

Kubatanidzwa kuMhuri Yangu Nokusingaperi

Munyori wenyaya iyi anogara muUtah, USA.

Apo pandakatorwa semwana wevamwe vabereki ndiine makore matatu, amai vangu vakandibereka vakabvumira kuti kutorwa nevamwe vabereki uku kupedziswe chete kana vabereki vangu ava vabvuma kuti zvisungo zvangu zveChechi zvizoitwa mushure mekunge ndasvitsa makore gumi nemaviri. Vaifunga kuti ndaifanira kuva ndakura zvakakwana kuti ndiite sarudzo (yekugashira zvisungo zveChechi) ndega pachangu, asi zvakanga zvakaoma zvikuru kumirira.

Hongu, zvakanga zvakaoma kuona shamwari dzangu dzichibhabhatidzwa apo pavaisvitsa makore masere, asi chakanga chakanyanyisa kuoma kwaiva kuziva kuti handaizokwanisa kusunganidzwa kuvabereki vangu vakanditora ava nevakoma vangu nehanzvadzi dzangu vakuru kwandiri vashanu kusvikira ndava nemakore gumi nemaviri. Ndakanga ndichitya kuti chimwe chinhu chaizoitika kwandiri uye ndaisazokwanisa kusunganidzwa kwavari.

Apo pakanga pavakusvika zuva rekuzvarwa kwangu regore rechigumi nemaviri, takatanga kuronga zverubhabhatidzo rwangu nekusunganidzwa kumhuri yangu. Vabereki vangu vakandibvumira kusarudza temberi yataizosunganidzirwa mairi. Ndaigara ndichifunga kuti temberi yeSan Diego California ndiyo yakanga yakanyanya kunakisisa, saka mhuri yangu yose yakabvuma kuchaira motokari kuenda kuCalifornia kunosunganidzwa.

Zvakanga zvakaoma kumirira kuva mhuri yekusingaperi nevabereki nevakoma vangu nehanzvadzi dzangu. Panguva yekusunganidzwa kwangu, ndakanzwa Mweya zvakasimba zvikuru zvekuti zvakaoma kuzvitaura ndichishandisa mazwi. Iyezvino zvandakazobatanidzwa kumhuri yangu, manzwiro angu ekunetseka akatorerwa nzvimbo nenyaradzo nerunyararo, nekuziva kuti iyezvino ndabatanidzwa kwavari nekusingaperi.

Dhinda