2015
Mhuri Dzinokwanisa Kuva Pamwechete Narinhi
Chikumi 2015


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chikumi 2015

Mhuri Dzinokwanisa Kuva Pamwechete Narinhi

Mufananidzo
Mutungamiri Henry B. Eyring

Simba rehupirisita rekusunganidza mhuri nekusingaperi ndiro rimwe rezvipo zvikuru-kuru zvaMwari. Munhu wese anonzwisisa chirongwa cheruponeso anoshuvira chipo ichocho chekusingaperi. Chete mumhemberero dzekusunganidzwa dzinoitwa mumatemberi akakumikidzwa eChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira ndimo munopihwa naMwari vimbiso yekuti mhuri dzinokwanisa kusunganidzwa pamwechete narinhi.

Makiyi ehupirisita ayo anoita kuti izvi zvikwanisike akadzorerwa kunyika nemuporofita Eria kuna Joseph Smith muTemberi yeKirtland. Makiyi ehupirisita iwayo akagadzwa kuvaporofita vanorarama mukutevedzana kwavo muChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira kusvikira nhasi.

Muponesi muhushumiri Hwake hweupenyu hunofa akataura nezvesimba rekusunganidza mhuri mumazwi kuna Petro, muApositora Wake mukuru, apo paAkati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Zvose zvamunosunga panyika, zvichasungwa kudenga: nezvose zvamunosunungura panyika zvichasunungurwa kudenga” (Mateo 18:18).

Muhumambo hweserestiyaro chete ndimo matinokwanisa kugara mumhuri narinhi. Imomo tinokwanisa kuva mumhuri pamberi paBaba vedu Vekudenga neMuponesi. Muporofita Joseph Smith akatsanangura chiitiko chinoshamisa ichocho nenzira iyi muDzidziso neZvibvumirano:

“Paachazviratidza Muponesi tichamuona sezvaari. Tichaona kuti munhu akaita sezvatakaita isu.

“Uye naiko kufambidzana kuripo pakati pedu pano, kunenge kuripo ikoko, chete kunenge kwakasangana nekubwinya kwokusingaperi, uko kubwinya kwatisina iyezvino” (D&Z 130:1–2).

Chinyorwa chitsvene ichi chinotaura kuti tinokwanisa kuva neruvimbo apo patinoedza kumisa mwero wehunhu hwekudenga muhukama hwedu mumhuri dzedu. Tinokwanisa kutaririra zvakakwana nhengo dzemhuri dzedu, vapenyu nevakafa, kuti tiite zvose zvatinokwanisa kuvapa zvisungo zvehupirisita zvinozotisunganidza kudenga.

Vazhinji venyu ,vadiki nevakuru, vari kuita izvozvo. Makatsvaga mazita emadzitateguru avo vasati vagashira zvisungo zvinokwanisa kukusunganidzayi pamwechete.

Vazhinji venyu mese mune hama dzinorarama dzisati dzasunganidzwa mumhuri nesimba rehupirisita. Vazhinji vane hama dzinorarama dzakagashira zvisungo zvehupirisita asi havasikuchengeta zvibvumirano zvavakaita naMwari. Mwari vachakuropafadzai zvekuti munozokwanisa kuva nerutendo apo pamunenge muchibatsira kuyamura hama dzose idzodzo ( mukuchengeta zvibvumirano zvavo). Munevimbiso iyo inoitwa naIshe kuvadzidzi Vake vanoshanda kuunza vamwe kwaVari:

“Uye ani zvake achakugashirai, ipapo ndichavepowo, nokuti ndichaenda pamberi pehuso hwenyu. Ndichange ndiri kurudyi rwenyu nokuruboshwe, Mweya wangu uchange uri mumwoyo yenyu, uye ngirozi dzangu dzakakukomberedzai, kuti dzikusimudzirei pamusoro.” (D&Z 84:88)

Nepafasitera rehofisi yangu ndinoona vamwenga nevawani mazuva ose vachitorwa mifananidzo yavo pakati pemaruva akanaka nezvitubu zvinodira mvura mudenga. Muwani kazhinji anotakura mwenga wake mumaoko ake, kwezvinhano zvishoma zvekutsatsarika, apo mutori wemifananidzo paanenge achitora mifananidzo yemuchato. Nguva dzose pandinoona izvi, ndinofunga vaviri vakawanana vandinoziva avo mukufamba kwenguva— dzimwenguva munguva pfupi pfupi mushure mezuva remuchato wavo—vakatakurana nedzimwe nzira apo upenyu pahwakaoma. Mabasa anokwanisa kurasika. Vana vanokwanisa kuzvarwa vaine mamiriro anonetsa kutarisana nawo. Hurwere hunokwanisa kuuya. Uye zvino, tsika dzinosanganisira kuita kune vamwe sezvatinoda kuti vaite kwatiri—pazvaiva nyore kuita izvozvo—dzinozotiita kuti titaridzike sevashingi panguva idzodzo dzakaoma apo kubata vamwe zvakanaka pakunoda simba rakawedzerwa kupinda ratinofunga kuti tinaro.

Mhuri dzedu dzinokodzera kubva kwatiri rudzi rwehukama hwatinokwanisa kuenda nahwo pamberi paMwari. Hatifanire kugumbura kana kusarudza kugumburwa. Tinokwanisa kusarudza kuregerera nekukurumidza uye zvakazara. Tinokwanisa kuedza kuita kuti vamwe vafare kudarika kuedza kwatinoita kuzvifadza pachedu. Tinokwanisa kutaura nevamwe zvinetsitsi. Apo patinoedza kuita zvose zvinhu izvi, tinozokoka Mweya Mutsvene mumhuri dzedu nemuupenyu hwedu.

Vimbiso yangu kwamuri ndeye kuti, nerubatsiro rwaIshe uye nemwoyo ine kutendeuka kwechokwadi, tinozowana kunzwisisa kudiki muupenyu huno kwerudzi rweupenyu hwatinoda kuvanahwo narinhi. Baba veKudenga Vanotida. Vanoda kuti tidzokere kwaVari. Muponesi, kuburikidza nesimba reRudzikinuro Rwake, anokwanisa shanduko yemumwoyo medu yatinofanira kuita kuitira kuti tikwanise kupinda mumatemberi matsvene, kuti tiite zvibvumirano zvatinokwanisa kuchengeta, uye pekupedzisira tigogara mumhuri narinhi mukubwinya kweserestiyaro—uye tigova kumusha zvakare.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Apo paunogovera dzidziso yemhuri dzekusingaperi, funga zvakataurwa naGosa Richard G. Scott veChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri kuti: “Nguva dzose tsvaga kusimbisa mhuri. Iva nemafungiro ekusingaperi apo paunodzidzisa pamusoro pekukosha kwekusunganidzwa kwemhuri mumatemberi. … Apo paunova nemafungiro ekusingaperi anosanganisira zvisungo zvekusunganidzwa zvetemberi, unozobatsira kuvaka humambo hwaMwari panyika” (“I Have Given You an Example,” Liahona, Chivabvu 2014, 34). Ungabatsire sei avo vaunodzidzisa kuti vakudziridze mafungiro ekukosha kwekusunganidzwa mutemberi? Koka avo vasati vasunganidzwa kuti vakurukure nhano dzavangakwanise kutora vakananga kuchisungo ichocho. Koka avo vakasunganidzwa kuti vakurukure machengetero avangakwanisa kuita chiratidzo chemhuri yavo yekusingaperi uye kuti vashande kunatsa hukama hwavo nemumwe nemumwe.

Dhinda