2015
Iva Muenzaniso neChiedza
Mbudzi 2015


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Mbudzi 2015

Iva Muenzaniso neChiedza

Apo patinotevera muenzaniso weMuponesi, wedu unozova mukana wekuva chiedza muhupenyu hwevamwe.

Mabhuratha nemasisita, zvakanaka chaizvo kuva nemi zvakare. Sezvamunoziva, kubvira pataiva pamwechete muna Kubvumbi, takasuwiswa nekushaika kwevatatu veVaapositora vedu vanodiwa: Mutungamiri Boyd K. Packer, Gosa L. Tom Perry, naGosa Richard G. Scott. Vakadzokera kumusha wavo wekudenga. Tinovasuwa. Tinotenda chaizvo nemienzaniso yavo yerudo rwakafanana nerwaKristu uye nedzidziso dzakafemerwa dzavakatisiyira tose.

Tinotambira nemwoyo wose Vaapositora vedu vatsva, Gosa Ronald A. Rasband, Gosa Gary E. Stevenson, naGosa Dale G. Renlund. Ava varume vakazvipira kubasa raIshe. Vakakodzera zvikuru kuzadza zvinzvimbo zvakakosha izvo zvavadaidzwa.

Chinguva chipfupi chakapfuura icho, apo pandakanga ndichiverenga nokufungisisa magwaro matsvene, ndima mbiri kunyanya dzakaramba dziri mupfungwa dzangu. Tinodziziva dzose ndima idzi mbiri dzemagwaro matsvene. Yokutanga inobva muMharidzo paGomo “Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga”1 Chinyorwa chitsvene chechipiri ndeicho chandakafunga nezvacho apo pandaifungisisa pamusoro pezvinoreva ndima yokutanga. Chinobva muNwadi yaMuapositora Pauro kuna Timotio “Uve muenzaniso wevanotenda, mushoko, mukutaurirana, murudo, mumweya, murutendo, mukuchena kwemwoyo.”2

Ndinobvuma kuti chinyorwa chitsvene chechipiri chinotsanangura, muchikamu chikuru, mabudiriro atinokwanisa kuita panechokutanga. Tinova mienzaniso yevanotenda nokurarama vhangeri raJesu Kristu mushoko, mukutaurirana, murudo, mumweya, murutendo, nemukuchena kwemwoyo. Apo patinoita kudaro, zviyedza zvedu zvinozovhenekera kuna vamwe kuti vaone.

Mumwe nemumwe wedu akauya pasi mushure mekunge apihwa Chiedza chaKristu. Apo patinotevera muenzaniso weMuponesi uye nokurarama samararamiro aAkaita uye sokudzidzisa kwaAkaita, chiedza ichocho chinozopisa mukati medu uye tinozova muenzaniso wekuti vamwe vatevere.

Muapositora Pauro anodorongodza hunhu hutanhatu hwemunhu anotenda, hunhu hunozobvumidza zviedza zvedu kuvhenekera. Ngatikurukurei humwe nehumwe hwacho.

Ndinotaura hunhu hwekutanga huviri pamwechete - kuva muenzaniso mushoko nemukutaurirana. Mashoko atinoshandisa anokwanisa kusimudzira nokukurudzira, kana kuti anokwanisa kukuvadza nokudupikisa. Munyika nhasi mune huwandu hukuru hwemutauro unomhura uyo unotaridzika sewakatikomberedza kwese kwese kwatinoenda. Zvinonetsa kudzivirira kunzwa mazita eHumwari achishandiswa zvisina hanya uye zvisina kufunga. Mutauro usina hunhu unotaridzika sokunge wava chikamu chemazuva ose cheterevhizheni, mafirimu, mabhuku, nemumhanzi. Mutauro wekutuka uye wekushatirwa unochinjanwa pamadiro (nguva zhinji nenzira isina maturo kana isina kukodzera). Tinofanira kutaura kuna vamwe nerudo nerukudzo, nguva dzose tichishandisa mutauro wakafanira uye tichidzivirira manzwi kana kutaura zvinhu zvinozorwadza kana kushatirisa. Tinofanira kutevera muenzaniso weMuponesi, uyo aitaura nekunzwisisa netsitsi muhushumiri Hwake hwese.

Hunhu hunotevera hwakataurwa naPauro ndehwe rudo, uhwo hwakatsanangurwa se “rudo rutsvene rwaKristu”3 Ndine chivimbo chokuti kune vanhu vatinokwanisa kushandura, avo vakasurikirwa, avo vanorwara, uye avo vanonzwa kuwodzwa moyo. Tine mukana wekuvabatsira nokuvakurudzira. Muponesi akaunza tariro kuna vakaora moyo uye simba kune vakarukutika. Akaporesa vanorwara; Akaita kuti vakaremara vafambe, mapofu aone, matsi dzinzwe. Kunyangwe vakafa Akavamutsa. Muhushumiri Hwake hwose Akananavira murudo kuna ani nani aida rubatsiro. Apo patinotevedzera muenzaniso Wake, tinozoropafadza upenyu, kusanganisira hwedu pachedu.

Tinofanirawo kuva muenzaniso kuburikidza nehunhu hwedu. Kwandiri izvi zvinoreva kuti tinoedza zvikurusa kuva muupenyu hwedu netsitsi, kutenda, ruregerero, uye nemutsa. Hunhu uhwu hunozopa kwatiri mweya unozoshandura upenyu hweavo vakatikomberedza. Ndakava nemukana muupenyu hwangu wekuwadzana nevanhu vakawanda vane mweya wakadaro. Tinova nemanzwiro akakosha apo patinenge tiinavo, manzwiro anotiita kuti tide kuwadzana navo uye nokutevera muenzaniso wavo. Vanobwinya neChiedza chaKristu uye vanotibatsira kunzwa rudo Rwake kwatiri.

Kutaridza kuti chiedza icho chinobva kumweya wakarurama uye unerudo chinoonekwa nevamwe, ndinogoverana nemi chimwe chinhu chakaitika makore mazhinji akapfuura ayo.

Panguva iyoyo, vatungamiri veChechi vakasangana nemakurukota muJerusalem kuti vashande pakunyorerana pasi chibvumirano chokurenda nzvimbo yenyika iyo yaizovakirwa Jerusalem Centre yeChechi. Kuitira kuti vawane mvumo dzaidikanwa, Chechi yaifanira kubvuma kuti nhengo dzedu dzaizogara panzvimbo iyi hadzaizofamba dzichidzidzisa vanhu vemo kuti vatendeukire kuchitendero chedu. Mushure mokunge bvumirano iyoyo yaitwa, mumwe wemakurukota echiIsraeri, uyo ainyatsonzwisisa Chechi nenhengo dzayo, akataura kuti aiziva kuti Chechi yaizoremekedza bvumirano yokuti isatendeutsa vanhu vemo. “Asi” akadaro, achitaura pamusoro pevadzidzi vaizopinda panzvimbo ipapo, “chii chatichazoita pamusoro pechiedza chiri mumaziso avo?”4 Chiedza chakakosha ichocho ngachigare nguva dzose chichibwinya matiri, kuti chingoonekwa nekukudzwa nevamwe.

Kuva muenzaniso werutendo zvinoreva kuti tinovimba muna Ishe uye nemushoko Rake. Zvinoreva kuti tine zvitendero zvatinokudziridza izvo zvinozotungamira pfungwa dzedu nezviito zvedu. Rutendo rwedu munaIshe Jesu Kristu uye muna Baba vedu Vokudenga rwunozoshandura zvose zvatinoita. Pakati pekuvhiringidzika kwemuzera redu, kupikisana kwepfungwa, uye matambudziko ekurarama kwezuva nezuva, rutendo runoramba ruripo runova tsigiro inosimbisa upenyu hwedu. Rangarirai kuti rutendo nekusatenda hazvikwanisi kugara mupfungwa imwechete panguva imwechete, nokuti chimwe chinodzinga, chimwe chacho. Ndinodzokorara zvatakamboudzwa kakawanda— kuti kuitira kuti tiwane nokuchengeta rutendo rwatinoda, zvakafanira chaizvo kuti tiverenge nokunzvera nokufungisisa magwaro matsvene. Kutaurirana naBaba vedu Vokudenga kuburikidza nemunamato kwakakosha zvikurusa. Hatikwanisi kuregerera zvinhu izvi, nokuti muvengi neavo vanomutevera vanotsvaka neushingi hukuru utera hwedu, kuderera murutendo rwedu. Ishe vakati “Shingirirai kutsvaga, namatai nguva dzose, uye muve munotenda, uye zvinhu zvose zvichashanda pamwechete kukupundutsai,”5

Chokupedzisira, tinofanira kuva vakarurama, zvinoreva kuti tinofanira kuva vakachena mumuviri, mupfungwa, nemumweya. tinoziva kuti muviri wedu itemberi, uye inofanira kubatwa neruremekedzo nerukudzo. Pfungwa dzedu dzinofanira kuzadzwa nemafungiro anokurudzira uye anopa chiremera uye dzinofanira kudzivirirwa kubva kuzvinhu izvo zvinozodzisvibisa. Kuitira kuti tive neMweya Mutsvene semufambidzani wedu nguva dzose, tinofanira kukodzera. Mabhuratha nemasisita, ururami hunozotiunzira runyararo rwepfungwa uye hunozoita kuti tikodzere kutambira vimbiso dzeMuponesi. Akati, “Vakakomborerwa vakachena pamwoyo: nokuti vachaona Mwari.”6

Apo tinoratidza kuva mienzaniso mushoko, mukutaurirana, murudo, mumweya, murutendo, nemumwoyo wakachena, tinozokodzera kuva zviedza kunyika.

Ndinoda kutaura kwamuri mose, uye kunyanya kwamuri vanhu vechidiki, kuti apo nyika painoramba ichisudurukira kure nekure kubva pamisimboti nenhungamiro zvinopiwa kwatiri naBaba Vokudenga vane rudo, tinozonyanya kuonekwa kubva muruzhinji nokuda kokuti takasiyana nevamwe. Tinozonyanya kunonekwa nokuti tinopfeka zvinechiremera. Tinozosiyana nevamwe nokuti hatishandisi mutauro unomhura uye nokuda kwokuti hatitori zvinhu zvinokuvadza miviri yedu. Tinozosiyana nevamwe nokuti tinodzivirira mutauro wekuseka usinakufanira uye kutaura zvinodupikisa vamwe. Tinozosiyana nevamwe apo patinosarudza kusarega pfungwa dzedu dzichizadzwa nezvinhu zvenhepfenuro dzeparedhiyo nepaterevhizheni nezvezvinyorwa zvemumamagazini zvisina hunhu, zvisina chiremera uye zvinokonzera mweya kubva mudzimba nemuhupenyu hwedu. Chaizvo tinozoonekwa zvakanyanya apo patinoita sarudzo maererano nekuzvibata - sarudzo dzinoererana nemisimboti nemwero yevhangeri. Izvo zvinhu zvinoita kuti tive takasiyana kubva kune vamwe vazhinji vemunyika zvinotipawo icho chiedza neuyo mweya zvinokwanisa kushandura mune zvakanaka munyika irikuramba ichingoipa zvakanyanya.

Kazhinji zvakaoma kuva munhu akasiyana uye kurwira zvatinotenda mazviri uye uri wega mukudaro. Chinhu chinowanikwa muvanhu vose chokutya zvingangofungwa kana zvingangotaurwa navamwe. Mashoko aya emumapisarema anonyaradza: “Jehova ndiye chiedza changu neruponeso rwangu; ndingagotya aniko? Jehova ndiye simba rovupenyu bwangu; ndingagovhunduswa naniko?”7 Apo patinoita Kristu chinhu chakakoshesesa muupenyu hwedu, kutya kwedu kunozobviswa kodzorerwa neushingi hwetsidziro dzedu.

Upenyu hahwuna kururama kuti twasa kuna ani nani wedu zvedu, uye pane dzimwe nguva zviedzo nematambudziko zvatinotarisana nazvo zvingangova zvinorema zvikuru, zvokonzera kuti chiedza chedu chiderere. Zvisinei, nerubatsiro kubva kuna Baba vedu Vokudenga, pamwepo netsigiro inobva kuna vamwe, tinokwanisa kuwana zvakare chiedza ichocho chinozovhenekera nzira yedu pachedu zvakare uye nokupa chiedza chingangodikanwa nevamwe.

Kupa muenzaniso, ndinogoverana nemi mashoko anobata pamwoyo erimwe ramadetembo andinoda zvikuru randakaverenga kekutanga makore mazhinji akapfuura ayo:

Ndakasangana nemubvakure usiku

Uyo aiva nemwenje wakanga usisavhenekeri.

Ndakamira ndikamubvumira kutungidza

Mwenje wake kubva pane wangu.

Dutu guru remhepo rakamuka pashure

Uye rikakonzera nyika kudengenyeka.

Uye apo mhepo payakamira kuvhuvhuta

Mwenje wangu wakanga wadzima

Asi kwandiri mubvakure akadzoka—

Mwenje wake waipfuta zvakanaka!

Akabata murazvo waikosha

Akatungidza mwenje wangu!8

Mabhuratha nemasisita, mikana yedu yokuva muenzaniso yakatikomberedza zuva roga roga, zvisinei nemamiriro ezvinhu edu. Apo patinotevera muenzaniso weMuponesi, tinozova nemukana wekuva chiedza muupenyu hwevamwe, kunyangwe vakange vari nhengo dzemhuri yedu, shamwari dzedu, vatinoshanda navo kubasa, vatinongozivawo, kana vatisingambozivi.

Kune mumwe nemumwe wenyu, ndinoti uri mwanakomana kana mwanasikana waBaba vedu Vokudenga. Wakauya uchibva pamberi Pavo kuzorarama pasi pano kwemwaka kuti uve muenzaniso werudo nedzidziso zveMuponesi, uye kuti neushingi urege chiedza chako chivhenekere kuti vose vaone. Apo mwaka iwoyo pasi pano paunoguma, kana wakaita chikamu chako, rako richava ropafadzo rakanakisisa rokudzokera kunogara naVo nariini wose.

Anosimbisa zvakadii mashoko eMuponesi anoti: “Ndini chiedza chenyika: unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza chohupenyu.”9 Ndinopupura neZvake. Ndiye Muponesi neMununuri wedu; Ndiye Murevereri wedu kuna Baba. Ndiye Muenzaniso wedu nesimba redu Ndiye “chiedza chinovhenekera murima”10 Ndinovimba kuti munhu wese ari kuteerera kwandiri ndichitaura achatsidzira kuMutevera, nokudaro ova chiedza chinovhenekera kunyika, ndiwo munamato wangu nemuzita Rake dzvene, kunyangwe Jesu Kristu Ishe, ameni.

Dhinda