2015
Mweya Mutsvene seMufambidzani Wako.
Mbudzi 2015


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Mbudzi 2015

Mweya Mutsvene seMufambidzani wako.

Tinokwanisa, kana tikararama zvinoukodzera, kuva neropafadzo yeMweya kuti uve nesu, kwete chete nedzimwe nguva asi kwenguva dzose.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa,ndinotenda kuva nemi pazuva reSabata rino mumusangano mukuru weChechi yaIshe. Ndanzwa, semanzwiro amaita, Mweya, Mweya Mutsvene, uchipupura kumashoko echokwadi atanzwa achitaurwa nekuimbwa.

Chinangwa changu nhasi ndechokuwedzera chido chenyu nekushingirira kwenyu pakutora chipo chakavimbiswa kune mumwe nemumwe wedu mushure mekubhabhatidzwa kwedu. Panguva yekusimbiswa kwedu takanzwa mashoko aya: “Gamuchira Mweya Mutsvene.”1 Kubva panguva iyoyo, hupenyu hwedu hwakashanduka nariini wose.

Tinokwanisa, kana tikararama zvinoukodzera, kuva neropafadzo reMweya kuti uve nesu, kwete chete nedzimwe nguva, semuzviitiko zvinoshamisa zvakaita sezvatawana nhasi, asi kwenguva dzose. Munoziva kubva mumanzwi emunamato wesakaramende kuti vimbiso iyoyo inozadzikiswa sei: Mwari Baba Vokusingaperi, tinokukumbirai muzita reMwanakomana wenyu, Jesu Kristu, kuti muropafadze nekutsvenesa chingwa ichi kumweya yeavo vose vanochidya, kuti vagochidya mukurangarira muviri weMwanakomana wenyu, uye vapupure kwamuri, Mwari Baba Vokusingaperi, kuti vanoda kutora pavari zita reMwanakomana wenyu, nokumurangarira nguva dzose nokuchengeta mirairo yake iyo yaakavapa; kuti vave neMweya wake nguva dzose.

Zvino kouya vimbiso yakanakisisa: “kuti vave neMweya wake nguva dzose” (D&Z 20:77; kusimbisisa kwakawedzerwa).

Kuva neMweya nguva dzose uinesu zvinoreva kuti tinokwanisa kuva nehutungamiri nerairo zveMweya Mutsvene muupenyu hwemazuva ose hwedu. Tinokwanisa, semuenzaniso, kuyambirwa neMweya kukunda chiedzo chokuita zvakaipa.

Nokuda kwechikonzero ichocho chete, zviri nyore kuona kuti sei varanda vaIshe vakaedza kuwedzera chido chedu kushumira Mwari mumisangano yedu yesakaramende. Kana tikatora sakaramende murutendo Mweya Mutsvene unozokwanisa zvino kutidzivirira isu neavo vatinoda kubva muzviedzo izvo zvinouya nesimba rakawedzerwa uye nguva dzakanyanya kuwanda.

Ufambidzani hweMweya Mutsvene hunoita kuti izvo zvakanaka zvive zvakanyanya kunaka uye kuti chiedzo chisava chinonyanya kukwezva. Ichi chinofanira kuva chikonzero chakakwana kutiita kuti tishingirire kukodzera Mweya kuti uve nesu nguva dzose.

Sekusimbiswa kwatinoitwa neMweya Mutsvene pakurwisa uyipi, Unotipawo simba rokuziva pakati pechokwadi nenhema. Chokwadi chinonyanya kukosha chinotaridzwa chete nezvakazarurwa zvinobva kuna Mwari. Kunzwisisa kwedu sevanhu uye kushandisa kwemanzwiro edu enyama hazvizovi zvakakwana. Tinorarama munguva apo kunyangwe vakachenjera vachava nenguva yakaoma kuziva chokwadi kubva kunyengedzo dzine ungwaru.

Ishe Akadzidzisa Muapositora Wake Tomasi, uyo aida umboo hwunoonekwa hweKumuka Kuvakafa kweMuponesi nokubata maronda Ake, kuti zvakazarurwa umboo husinganyengedzi: “Jesu akati kwaari: Tomasi watenda nokuti wandiona: Vakaropafadzwa avo vanotenda, kunyangwe vasina kuvona” (Johane 20:29).

Zvokwadi zvinotaridza nzira yokumusha kuna Mwari zvinoratidzwa neMweya Mutsvene. Hatikwanisi kuenda kusango remiti kunoona Baba neMwanakomana vachitaura kuna Joseph Smith mudiki. Hapana umboo hunoonekwa kana kutsanangura kunonzwisisika kunokwanisa kutaridza kuti Erija akauya sekuvimbiswa kwazvakaitwa kuzogadza makiyi ehupirisita ayo ikozvino akabatwa uye anoshandiswa nemuporofita anorarama, Thomas S. Monson.

Simbiso yechokwadi inouya kumwanakomana kana mwanasikana waMwari uyo akatora kodzero yokutambira Mweya Mutsvene. Sezvo manyepo nenhema zvingangopuwa kwatiri panguva ipi zvayo, tinofanira kuva nefemero nguva dzose yeMweya weZvokwadi kuitira kuti tisazova nenguva dzokusatenda.

Apowo nhengo yeChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri, George Q. Cannon akakurudzira kuti tishingirire nguva dzose kuti Mweya uve nesu. Akavimbisa, uye ndinovimbisawo kuti kana tikashingirira kuti tive neMweya uinesu, “hatizombovi tisina ruzivo” rwechokwadi, “hatizombovi tisingatendi kana kuva murima,” uye rwedu “rutendo runozova rwakasimba, rufaro [rwedu] …rwakazara.”2

Tinoda rubatsiro irworwo rwenguva yose kubva kuufambidzani hweMweya Mutsvene kwechimwezve chikonzero. Rufu rwemudikanwi rungangouya tisingazvitarisire. Uchapupu hunobva kuMweya Mutsvene hwehuchokwadi hwaBaba Vokudenga vanorudo uye hweMuponesi akamuka kuvakafa ndihwo hwunotipa tariro nenyaradzo pakufirwa nemudikanwi. Uchapupu ihwohwo hunofanira kuva nesu panguva iyoyo apo rufu parunoitika.

Saka, nokuda kwezvikonzero zvakawanda, tinoda ufambidzani hwenguva dzose hweMweya Mutsvene. Tinohuda, asi tinoziva kubva muzviitiko kuti hazvisiri nyore kuhwuchengeta. Mumwe nemumwe wedu anofunga, anotaura, uye anoita zvinhu muupenyu hwemazuva ose hwedu zvinokwanisa kukonzera kuti Mweya utisiye. Ishe vakatidzidzisa kuti Mweya Mutsvene unozova mufambidzani wenguva dzose wedu apo mwoyo yedu painenge yakazara nerudo uye apo ururami pahunoshongedza pfungwa dzedu zvisingagumi (ona D&Z 121:45).

Kuna avo varikunetseka nemwero wehunhu wakakwirira unodikanwa kukodzera kuva nechipo cheufambidzani hweMweya, ndinopa kurudziro iyi. Makava nenguva apo pamakanzwa femero yeMweya Mutsvene. Zvingange zvaitika kwamuri nhasi.

Munokwanisa kufunga nguva idzodzo dzefemero semodzi yerutendo iyo Aruma yaakatsanangura (ona Aruma 32:28) Dyarai imwe neimwe. Munokwanisa kuita izvozvo nokushanda pakurudziro yamanzwa. Femero inonyanya kukosha inozova yokuti muzive izvo Mwari zvavangada kuti muite. Kana kuri kubhadhara chegumi kana kushanyira shamwari iri kuchema, munofanira kuzviita. Chiri chipi zvacho, chiitei Apo pamunotaridza chido chenyu kuteerera, Mweya unozokutumirai dzimwe femero dzeizvo Mwari zvavanoda kuti muVaitire.

Apo pamunoteerera, femero kubva kuMweya dzinozouya kakawanda, dzova pedyo nepedyo kuva ufambidzani hwenguva dzose. Simba renyu rokusarudza zvakanaka rinozowedzera.

Munokwanisa kuziva apo femero idzi dzokuVaitiria chinhu dziri dzinobva kuMweya pane kunge dziri dzinobva kuzvido zvenyu. Apo femero padzinenge dzichiyanana nezvinenge zvataurwa neMuponesi nevaporofita nevaapositora Vake vapenyu, munozokwanisa kusarudza kuteerera nechivimbo. Zvino Ishe vanozotuma Mweya Wavo kukutaririrai.

Somuenzaniso, kana mukatambira femero yemweya kukudza zuva reSabata, kunyanya apo pazvinotaridzika sezvakaoma, Mwari Vanozotuma Mweya Wavo kubatsira.

Rubatsiro irworwo rwakauya kuna baba vangu makore mazhinji akapfuura apo basa ravo rakavatora kuenda kuAustralia. Vakanga vari vega musi weSvondo, uye vaida kutora sakaramende. Havana kuwana ruzivo pamusoro pemisangano yeVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Saka vakatanga kufamba netsoka. Vakanamata pamharadzaano yenzira yoga yoga kuti vazive kuti voenda nenzira ripi. Mushure mokufamba nokutsauka kwenguva inoita awa, vakamira vakanamata zvakare. Vakanzwa femero yokuti vatsauke vadzike nemumwe mugwagwa. Nenguva pfupi vakatanga kunzwa kuimba kuchibva pazasi pechivako chedzimba dzakaturikidzana chaiva pedyo. Vakatarisa mukati nepafafitera uye vakaona vanhu vashoma vakanga vakagara pedyo netafura yakafukidzwa nemucheka muchena nematireyi esakaramende.

Zvino, izvo hazvingaratidziki sechinhu chikuru kwamuri, asi chaiva chinhu chinoshamisa kwavari. Vakaziva kuti vimbiso yemunamato wesakaramende yakanga yazadzikiswa: “Nokumurangarira nguva dzose nokuchengeta mirairo yake iyo yaakavapa; kuti vave neMweya wake nguva dzose” (D&Z 20:77)

Uyu waiva muenzaniso mumwechete wenguva yavakanamata uye vakaita izvo Mweya zvawakanga wavaudza kuti Mwari vaida kuti vaite. Vakaramba vachinamata nokuita izvo mweya zvawaivakurudzira kuti vaite kwemakore ose, sezvatichaita imi neni. Vakanga vasingambotauri pamusoro pezvomweya zvavo. Vaingoramba vachiitira Ishe zvinhu zvidiki izvo zvavaikurudzirwa kuita.

Apo pese rimwe boka reVatendi vaMazuva Ekupedzisira paraivakumbira kuti vataure kwariri, vaizviita. Zvakanga zvisina mhaka kana kwaiva kutaura kuvanhu gumi kana makumi mashanu kana kuti vakanga vakaneta sei. Vaipupura uchapupu hwavo hwaBaba, Mwanakomana, neMweya Mutsvene uye hwevaporofita apo pose Mweya pawaivakurudzira kuti vazviite.

Kudaidzwa kwavo kwakakwiririsa muChechi kwaiva kwekudare repamusoro reSiteki yeBonneville Utah, umo mavaisakura papurazi resiteki, uye mavaidzidzisa kirasi yeChikoro cheSvondo. Nemumakore, apo pavaiuda, Mweya Mutsvene waivapo semufambidzani wavo.

Ndakamira parutivi rwababa vangu mumupanda wemuchipatara. Amai vangu, mudzimai wavo wemakore makumi nama nerimwe, vakanga vakarara pamubhedha. Takanga takavatarisa kwemaawa akawanda. Takatanga kuona kutaridzika kwemarwadzo kuchibva pachiso chavo. Minwe yemaoko avo, iyo yakanga yakapfundwa kuita zvibhakira, yakasununguka. Maoko avo akatandavara pamativi avo.

Marwadzo emakumi emakore echirwere chegomarara akanga avakuguma. Ndakaona pachiso chavo kutaridzika kwerunyararo. Vakatura mafemo madiki mashoma, zvino vakafemera mudenga kamwechete, uye ndokurara vasingazungunuki. Takamira ipapo takamirira kuti tione kana vaizotura mamwe mafemo.

Pokupedzisira, Baba vakati zvinyoro nyoro, “Chimusikana chidiki chaenda kumusha.”

Havana kuchema misodzi. Nokuda kwekuti Mweya Mutsvene wakanga wavapa nechekare nzwisiso yakajeka yekuti vaiva ani, vakanga vabvepi, munhu wavakanga vava, uye kwavaienda. Mweya wakanga wapupura kwavari nguva dzakawanda nezva Baba Vokudenga vanerudo, nezve Muponesi akanga akunda rufu, uye nezve huchokwadi hwekusunganidzwa kwemutemberi kumudzimai nemhuri yavo kwavakanga vaitwa.

Mweya nechekare wakanga wavavimbisa kuti runako rwemwoyo nerutendo rwemudzimai wavo rwakanga rwavakodzera kuti vadzokere kumusha wekudenga uko kwavaizoyeukwa semwana anoshamisa wechivimbo uye votambirwa kumusha nerukudzo.

Kuna baba vangu, ichi chaiva chinhu chikuru kupfuura tariro. Mweya Mutsvene wakanga wazviita kuti zvive chokwadi kwavari.

Zvino, vamwe vangangoti manzwi avo nemifananidzo yaiva mupfungwa dzavo pamusoro pekumusha kwekudenga kwaingova kufungidzira kwezvavaida, mafungiro akavhiringika emurume panguva yekushayikirwa kwake. Asi vaiziva chokwadi chokusingaperi nenzira imwechete inokwanisa kuchiziva.

Vakanga vari nyanzvi yezve saenzi iyo yakanga yatsvaka chokwadi pamusoro penyika yenyama nemuhupenyu hwehukuru hwavo hwese. Vakashandisa ruzivo rwesaenzi zvakanaka zvakakwana zvekukudzwa nedzimwe nyanzvi dzesaenzi dzepanyika pose. Zvizhinji zvavaiita mukemesitiri zvaibva mukuona mupfungwa dzavo mamolecules achifamba famba uye zvino vozosimbisa chiratidzo ichocho nekuzviedza (experiments) muraboritari (laboratory).

Asi vakanga vatevera nzira yakasiyana neiyi kuti vawane zvokwadi zvaiva zvakanyanya kukosha kwavari uye kune mumwe nemumwe wedu. Chete kuburikidza neMweya Mutsvene ndipo patinokwanisa kuona vanhu nezvinhu zvinoitika samaonere azvinoitwa naMwari.

Chipo ichocho chakaramba chichienderera muchipatara mushure mekufa kwemudzimai wavo. Takaunganidza zvinhu zvaamai vangu kuti tiende nazvo kumba. Baba vaimira kuti vatende nesi nachiremba woga woga wataisangana naye munzira yekubuda kuenda kumotokari. Ndinoyeuka kuti ndakanzwa nekakushaya mwoyo murefu, kuti taifanira kubvapo kuti tive toga nekuchema kwedu.

Ndavakuziva iyezvino kuti vaiona zvinhu izvo zvaikwanisika kunge zvaitaridzwa kwavari neMweya Mutsvene chete. Vakaona vanhu ivavo sengirozi dzakatumwa naMwari kutaririra mudikanwi wapamoyo wayo. Vangange vakazviona sevashandi vezvekurapa, asi Baba vaivatenda nerubatsiro rwavo vakamirira Muponesi.

Femero yeMweya Mutsvene yakaramba iinavo apo patakasvika pamba pavabereki vangu. Takataura kwemaminetsi mashoma mumupanda wekutandarira. Baba vakabuda vachiti vaienda kumupanda wavo wekurarira waiva pedyo.

Mushure memanitsi mashoma, vakadzoka mumupanda wekutandarira. Vakanga vachinyemwerera zvaifadza. Vakafamba kuuya kwatiri uye zvinyoro nyoro vakati, “Ndanga ndichinetseka kuti Mildred anga achazosvika kunyika yemweya oga. Ndafunga kuti angangorasika mumhomho.”

Zvino nerufaro vakati, “Ndanamata iyezvino zvino. Ndinoziva kuti Mildred afamba zvakanaka. Amai vangu vanga varipo kumutambira.”

Ndinorangarira ndichinyemwerera apo pavaitaura izvi, ndichiona mupfungwa dzangu mbuya vangu, makumbo avo mapfupi achimhanya, nekukurumidza nemumhomho kuti vaite chokwadi kuti vakanga varipo kusangana nekugumbatira muroora wavo apo paaisvika.

Zvino, chimwe chechikonzero icho baba vangu chavakakumbira vakatambira nyaradzo iyoyo chaiva chokuti nguva dzose vainamata murutendo kubvira pavaiva mwana mudiki. Vakanga vajaira kutambira mhinduro dzaiuya kumwoyo wavo kuvapa nyaradzo nerairo. Pamusoro pokuva netsika yokunamata, vaiziva magwaro matsvene uye manzwi evaporofita vapenyu. Saka vakaziva kuzevezera kwavaigaronzwa kweMweya, uko kwamungangove manzwa nhasi.

Ufambidzani hweMweya hwakanga hwavanyaradza nokuvatungamira zvikuru. Hwakavashandura kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu. Apo patinotambira vimbiso iyo yokuva neMweya uinesu nguva dzose, Muponesi unokwanisa kutipa kutsveneswa kunodikanwa kuitira upenyu hwekusingaperi, chikurusisa chezvipo zvose zvaMwari (ona D&Z 14:7)

Munorangarira manzwi eMuponesi: “Zvino uyu ndiwo murairo: Tendeukai, imi mativi ose enyika, muuye kwandiri mugobhabhatidzwa muzita rangu, kuti mugoitwa kuti mutsveneswe nokutambira Mweya Mutsvene, kuti mugomira musina kavara pamberi pangu nezuva rokupedzisira” (3 Nifai 27:20).

Mirairo iyoyo yakauya nevimbiso iyi kubva kuna Ishe:

Uye zvino, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, isa ruvimbo rwako muMweya uyo unotungamirira mukuita zvakanaka---hongu, kuita zvakarurama, kufamba wakazvininipisa, kutonga zvakarurama; uye uyu ndiwo Mweya wangu.

Zvirokwazvo, Zvirokwazvo, ndinoti kwauri, ndichapa kwauri Mweya wangu, uyo uchajekesa pfungwa dzako, izvo zvichazadza mweya wako mufaro: (D&Z 11:12–13).

Ndinopupura kwamuri uchapupu hwangu kuti Mwari Baba vanorarama, kuti Jesu Kristu akamutswa kuvakafa anotungamirira Chechi yake, kuti Mutungamiri Thomas S. Monson vane makiyi ese ehupirisita, uye kuti zvakazarurwa kuburikidza neMweya Mutsvene zvinotungamira nokutsigira Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira uye nenhengo dzayo dzinozvininipisa.

Ndinopupura zvakare kwamuri kuti ava varume vanoshamisa vanga vachitaura kwatiri sezvapupu zvaIshe Jesu Kristu, senhengo dzeChikwata chaVaapositora vane Gumi nevaviri, vakadaidzwa naMwari. Ndinoziva kuti Mweya wakatungamirira Mutungamiri Monson kuvadaidza. Uye apo munoteerera kwavari uye neuchapupu hwavo, Mweya Mutsvene unosimbisa kwamuri zvandava kutaura iyezvino kwamuri. Vanodaidzwa naMwari. Ndinovatsigira uye ndinovada uye ndinoziva kuti Ishe Vanovada uye Vachavatsigira mukushanda kwavo. Ndinozviita nemuzita raIshe Jesu Kristu, ameni.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Bhuku reMirairo reChipiri Kutungamirira Chechi (2010), 20.3.10.

  2. Ona George Q. Cannon, mu “Minutes of a Conference,” Millennial Star, Chivabvu 2, 1863, 275–76.

Dhinda