2015
Nzira dzekuShandira paNguva yeKisimusi
Zvita 2015


Vechidiki

Nzira dzekuShandira paNguva yeKisimusi

Mutungamiri Monson vanotora nguva yekushanyira vakwegura neavo vanochengetwa munzvimbo dzekutaririrwa, kunyanya panguva yeKisimusi Vakataura kuti kune avo vanofara nokuda kwekuti vakagashira vaenzi, asi vamwe vanongotarisira chete vaenzi vasingambouya. Kune vanhu vakamirira mumwe munhu—zvimwe Kisimusi ino, iwe ungakwanise kuva mumwe munhu iyeyo.

Zvinotevera udorongodzwa hwenzira shoma chete dzaunokwanisa kubatsira kuva nechokwadi kuti hapana mumwe anonzwa kuva ariega Kisimusi ino. Iva wakasununguka kufunga dzimwe nzira dzaungakwanisa kuratidza ushamwari kune avo vari munzvimbo maunogara mwaka uno. Pane munhu akamirira kushanya kwako here?

  • Gadzira makadhi eKisimusi ekutumira kuvashumiri nenhengo dzisina kuroora kana kuroorwa nedzakwegura dzewadhi yako.

  • Zvipire kushanda nevechirongwa chemunzvimbo maunogara.

  • Ipa mabhuku aMormoni sezvipo zveKisimusi kushamwari dzako nevavakidzani.

  • Shanyira vanhu vakwegura vemuwadhi kana vemumhuri yako.

  • Gadzira zvinhu zvakanaka zvekuendesa kuvavakidzani vako.

Dhinda