2015
Ipa Nguva kuMuponesi
Zvita 2015


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Zvita 2015

Ipa Nguva kuMuponesi

Yava nguva yeKisimusi zvakare, uye gore idzva richatanga muchinguva chipfupi. Zvinoratidzika sekunge ndinezuro chaiye patakanga tichipemberera kuzvarwa kweMuponesi uye tichimisa zvinangwa .

Pakati pezvinangwa zvedu zvegore rino, takamisa here chinangwa chekupa nguva muupenyu hwedu kuMuponesi uye nokukudziridza manzwiro akasimba kwaAri? Zvisinei nekubudirira kwatingadai takaita kusvika iyezvino nechinangwa ichocho, ndine chokwadi kuti tose tinechido chekuchizadzikisa zvirinani. Mwaka weKisimusi uno inguva yakanaka yekuwongorora nekuvandudza kuedza kwedu.

Muupenyu hwedu hune zvekuita zvakawanda, apo pane zvimwe zvinhu zvakawanda zvikuru zvatinodawo kuita, zvakakosha kuti tizvipire pakuedza nemwoyo wese kuunza Kristu mumupenyu hwedu nemudzimba dzedu. Uye zvakakosha kuti isu, seVachenjeri Vekumabva Zuva, tirambe takatarisa panyenyedzi Yake uye “touya kuzomunamata.”1

Nemunhoroondo yese, shoko kubva kuna Jesu rakanga riri rimwechetero. Kuna Petro naAndrea pamahombekombe eGarirea, Akati, “Nditevere.”2 Kuna Firipi kwakauya daidzo yekuti, “Nditevere.”3 KumuRevi akanga agere panotereswa kwakauya murairo unoti, “Nditevere.”4 Uye kwauri nekwandiri, kana tikangoteerera chete, kunouya daidzo yekukoka imwecheteyo: “Nditevere.”5

Apo patinotevera muenzaniso Wake nhasi, tichave nemikana yekuropafadza upenyu hwevamwe. Jesu anotikoka kuti tizvipire: “Tarisai Ishe vanoda mwoyo uye nepfungwa inoda.”6

Pane munhu waunofanira kushandira here Kisimusi ino? Pane munhu akamirira kushanya kwako here?

Makore akapfuura ndakashanyira panguva yeKisimusi kumba kweshirikadzi yakanga yakwegura. Pandakanga ndichimushanyira, mumwe munhu akaridza bhero repamusuwo. Pamusuwo ipapo pakamira chiremba anogara ane basa rakawanda uye anozivikanwa zvikuru. Akanga asina kunge adaidzwa; kunze kwaizvozvo, akanga angonzwa femero yekuti ashanyire murwere wake waairapa uyu akanga akasurukirwa.

Mumwaka uno weKisimusi, avo vasingakwanise kubuda mudzimba dzavo (nokuda kwekuremara kana zvinetso zveutano) vanodisisa zvakadzama kushanyirwa panguva yeKisimusi. Imwe Kisimusi pandakanga ndichishanyira nzvimbo inochengetwa nekutaririrwa vakakwegura kana vakaremara, ndakagara ndikataura nemadzimai mashanu akangaakwegura, mukuru pakati pavo aiva nemakore zana nerimwechete. Akanga akapofomara, asi akaziva izwi rangu.

“Bhishopi, manonoka zvishoma gore rino!” akadaro. “Ndaifunga kuti hamusi kuzombouya.”

Takava nehurukuro yakanakisa pamwechete. Mumwe murwere, zvisinei, aitarisa nechido chakadzama kunze nepafasitera uye achiramba achidzokorora adzokororazve kuti, “Ndinoziva kuti mwanakomana wangu achauya kuzondiona nhasi.” Ndakafunga kuti aizouya here, nokuti kwaive neimwe mwaka yeKisimusi yaakanga asina kumbozoshanya.

Ichiripo nguva gore rino yekupa rubatsiro, rudo, nemweya unoda—nemamwe mazwi, kutevera muenzaniso wakamiswa neMuponesi wedu uye nekushandira sekushandira kwaAngade kuti tiite. Apo patinoMushandira, hatizorasa mukana wedu, sezvakaita muchengeti weimba yevayeni wekare,7 wekupa nguva kwaAri muupenyu hwedu nekukudziridza manzwiro akasimba kwaAri.

Tingakwanise here kunzwisisa vimbiso inoshamisa inowanikwa mushoko rengirozi rakapihwa kuvafudzi vaigara muuragu rinoti: “Ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru. … Nokuti nhasi mazvarirwa … Muponesi, ndiye Kristu Ishe”?8

Apo patinopanana zvipo paKisimusi, ndinovimba kuti tinozoyeuka, tinozoyemura, uye tinozogashira chipo chikurusa kupinda zvipo zvose—chipo cheMuponesi neMununuri wedu, kuti tigova neupenyu husingaperi.

“Ko zvinoyamureiko munhu kana chipo chikaiswa paari, uye iye akasagashira chipo? Tarisai, haafare muneicho chinopihwa kwaari, kana kufarira mune uyo anove ndiye mupi wechipo.”9

NgatiMutevereyi, tiMushandire, tiMukudze, uye tigashire muupenyu hwedu zvipo Zvake kwatiri, kuti tigozova, nemumazwi aBaba Rihai, “takakomberedzwa nokusingaperi mumaoko avo orudo.”10

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mutungamiri Monson vanotikoka kuti “tizvipire, pakuedza nemwoyo wese kuunza Kristu muupenyu hwedu nemudzimba dzedu.” Funga kukurukura neavo vamunodzidzisa kuti vangaedza nemwoyo wese sei semunhu mumwechete uye semhuri. Ungangofunga kuvakumbira kuti vafunge mumwe munhu wavanoziva kana mhuri yavangakwanisa kushanyira kana kushandira paKisimusi ino. “Ichiripo nguva gore rino yekupa rubatsiro, rudo, nemweya unoda.”

Dhinda