2016
Hwaro hweUchapupu Hwangu
Kukadzi 2016


Vechidiki

Hwaro hweUchapupu Hwangu

Munyori wenyaya iyi anogara muUtah, USA.

Apo pandaiva nemakore gumi nematanhatu, shamwari yangu yakauya kumba kwedu nevashumiri. Mukati memwedzi mumwechete wechidzidzo chekutanga chinopihwa nevashumiri vazere kuvanhu vasiri nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, mibvunzo yangu yese yakapindurwa zvakajeka. Ndakanzwa Mweya Mutsvene uchipupura huchokwadi hwemashoko ari pamusoro peKudzorerwa. Zvakanga zvakasiyana nechimwe chinhu chandakanga ndati ndambonzwa, uye ndakaziva kuti zvose zvakanga zviri zvechokwadi.

Zvisinei, ndakasangana nekurambwa nekupikiswa kwakanyanya kupinda zvakati zvamboitika. Ndakanzwa kuva ndiri ndega, kuneta, nekuvhiringika. Kana ndakanga ndiri kuita chinhu chakanaka, sei ndakanga ndiri kusangana nematambudziko akawanda kudai? Handina kukwanisa kunzwisisa kuti zviedzo zvangu zvakanga zviri zvakandinakira sei. Vashumiri vakandidzidzisa kutsanya nekunamata, kunyange pakati pezuva rechikoro. Apo zvinhu pazvainyanya kuoma ndaitanga kunamata nemwoyo wose uye pakarepo ndobva ndanzwa kunyaradzwa kweMweya.

Svondo rerubhabhatidzo rwangu rakanga rizere nezviedzo. Mutungamiri wangu wekubasa akatyisidzira kundiburitsa basa kana ndikasarega kuenda kurubhabhatidzo rwangu kuti ndishandire mumwe munhu akanga asingakwanise kushanda, ndakapinda muchipatara nekuda kwematombo akaomarara anoita muitsvo, uye vabereki vangu vakanditi ndibve pamba pedu. Nezvinhu zvakawanda kudaro zvandakanga ndisina simba pazviri, chinhu chete chandaikwanisa kuita kwaiva kuvimba naIshe

Chimwe nechimwe chezviedzo izvozvo chakapedzisira chava pundutso yangu. Zvakandibatsira kudzidza pamusoro pedzidziso dzevhangeri, idzo dzakandipa hwaro hweuchapupu hwangu.

Dhinda