2016
Kumharisa Ndege Zvakanaka muMhepo Yakasimba
Kukadzi 2016


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kukadzi 2016

Kumharisa Ndege Zvakanaka muMhepo Yakasimba

Mufananidzo
Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf

Nguva shoma yakapfuura mudzimai wangu, Harriet, neni takanga tiri panhandare yendege tichiona ndege dzinoshamisa dzichimhara. Rakanga riri zuva raiva nemhepo yakawanda, uye mhepo yakasimba zvikuru-kuru yaivhuvhuta zvinesimba ichirova ndege dzaisvika, ichikonzera imwe neimwe kubuda munzira nekuzunguzika panguva yekunomhara.

Apo pataitarisa kunetsana uku pakati pemamiriro ekunze nemushina, ndakayeuka kudzidzira kwangu pachangu kubhururutsa ndege uye misimboti yandakadzidza ikoko—uye pashure yandakadzidzisa kune vamwe vatyairi vendege vaiva mukudzidzira.

“usanetseke kumanikidza ndege kuti iite zvaurikuda mumamiriro ekunze akaipa,” ndaigara ndichivaudza. “Ramba wakadzikama; usavhundukira. Maziso ako ngaarambe akatarisa pamutsetse wepakati penzira inomhara nayo ndege. Kana ukatsauka kubva panzira yaunoda kumhara nayo, gadzirisa nekukurumidza asi zvakanyatsonaka. Vimba nekwaniso yendege yako. Ramba uchibhururuka kusvikira mhepo yaderera.”

Vatyairi vendege vava neunyanzvi vanonzwisisa kuti havakwanise kuva nesimba nguva dzose pazvinhu zvinoitika munzvimbo mavari. Havakwanise kungomisa mhepo. Havakwanise kuita kuti mvura inonaya kana chando chinodonha zvinyangarike. Havakwanise kukonzera kuti mhepo imire kuvhuvhuta kana kuti ichinje kwairi kuvhuvhuta ichienda.

Asi vanonzwisisawo kuti kunenge kuri kukanganisa kana vakatya dutu kana mhepo dzine simba guru—uye kunyanya kana vakavhunduka zvokutadza kuita chimwe chinhu nokuda kwazvo. Nzira yekumharisa ndege zvakanaka apo panenge mamiriro ezvinhu asina kunyatsonaka ndeyekuramba uri panzira chaiyo yekubhururuka nayo zvakanaka pazvinokwanisika.

Apo pandaitarisa ndege imwe neimwe ichidzika kuti ichinomhara uye ndikayeuka misimboti yandakadzidza kubva mumakore angusemutyairi wendege, ndakafunga kana pakanga pasina chidzidzo munaizvozvi cheupenyu hwedu hwamazuva ose.

Hatikwanise nguva dzose kuva nesimba pamadutu atinosangana nawo muupenyu hwedu. Dzimwe nguva zvinhu hazvingoitike nenzira yatinoda kuti zviitike nayo. Tingangonzwa kukangaidzwa nematambudziko echigumbu, ekusatenda, ekutya, erusuwo, kana ekunetseka papfungwa.

Munguva idzodzo, zvirinyore kungonangana nezvese zvisiri kufamba zvakanaka uye nekuramba takaisa pfungwa dzedu pazvinetso zvedu. Chiedzo ndechekunangisa pfungwa dzedu pazvinetso zvatiri kutarisana nazvo kunze kwepaMuponesi neuchapupu hwedu hwechokwadi.

Asi haisiriyo nzira yakanakisisa yekufamba nayo nemuzvinetso zvedu muupenyu.

Sezvinoita mutyairi wendege ava neunyanzvi kunangisa pfungwa dzake kwete padutu asi pakati penzira inomhara nayo ndege nepanzvimbo chaipo painomhara napo, nesuwo tinofanira kunangisa pfungwa dzedu pakati perutendo rwedu—paMuponesi wedu, vhangeri Rake, uye pachirongwa chaBaba vedu Vekudenga—nepachinangwa chedu chikuru-kuru—chekudzokera zvakanaka kumusha kwedu kudenga. Tinofanira kuvimba naMwari uye tonangisa kuedza kwedu pakuita zvinhu izvo zvinofanira kuitwa nemudzidzi. Tinofanira kugara maziso edu, zvido zvedu, nepfungwa dzedu zvakanangiswa pakurarama nenzira yatinoziva kuti tinofanira kurarama nayo.

Kuratidza rutendo rwedu neruvimbo muna Baba Vekudenga nekuchengeta tichifara mirairo Yavo zvinozotiunzira rufaro nekubwinya. Uye kana tikaramba tiri panzira, tinozokwanisa kukunda dambudziko ripi zvaro—zvisinei nekuti rinoratidzika serakakura sei—uye tichizodzokera zvakanaka kumusha wedu wekudenga.

Kunyange matenga akatikomberedza akachena kana kuti akazara nemakore anoratidzika sekunge achazounza dutu guru, sevadzidzi vaJesu Kristu, kutanga tinotsvaga humambo hwaMwari neururami Hwavo, tichiziva kuti kana tikadaro, zvimwe zvose zvatinoda zvichazopihwa pekupedzisira (ona Mateo 6:33).

Chidzidzo chakakosha sei cheupenyu!

Apo patinonyanya kunangisa pfungwa dzedu pamatambudziko edu, zvinetso zvedu, kusatenda kwedu, nekutya kwedu, zvinhu zvinobvawo zvakwanisa kunyanya kuoma. Asi apo patinonangisa pfungwa dzedu pamagumo erwendo rwedu rwekudenga uye parufaro rwekuita zvinhu zvinofanira kuitwa nemudzidzi—tichida Mwari, tichishandira muvakidzani wedu—zvinokwanisika zvakanyanya kuti tibudirire pakushinga munguva dzezvinetso nematambudziko.

Shamwari dzinodikanwa, zvisinei nekuti upenyu hwedu hungava hwakaoma sei, vhangeri raJesu Kristu rinozoramba richipa nzira yakanakisisa yekubudirira pazvinangwa zvedu muhumambo hwaBaba vedu Vekudenga.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mutungamiri Uchtdorf vanotiraira kuti “tivimbe naMwari uye tonangisa kuedza kwedu pakuita zvinhu izvo zvinofanira kuitwa nemudzidzi.” Funga kubvunza avo vaunodzidzisa kuti vakaramba vakanangisa sei pfungwa “pamagumo erwendo rwedu rwekudenga neparufaro rwekutevera nzira yemudzidzi” panguva idzo dzavakatarisana nezviyedzo. Unokwanisa kuvakoka kuti vafunge nzira dzavanga kwanise kunangisa pfungwa dzavo pauchapupu hwavo uye panaKristu munguva dzakaoma uye nekusarudza nemunamato mashandisiro avangaita rimwechete kana kupfuura remazano iwayo muupenyu hwavo.

Dhinda