2016
Muchato Wakagadzwa naMwari
Kukadzi 2016


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kukadzi 2016

Muchato Wakagadzwa naMwari

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa “Mhuri: Chiziviso kuNyika” kunozowedzera sei rutendo rwako muna Mwari nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku reliefsociety.lds.org.

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

Vaporofita, vaapositora, nevatungamiri vanoenderera mberi “nokuzivisa zvakadzikama kuti muchato pakati pemurume nemukadzi wakagadzwa naMwari uye kuti mhuri yakakosha kuchirongwa cheMusiki.”1

Elder D. Todd Christofferson veChikwata cheVaApositora vane Gumi neVaviri vakati: “Mhuri yakavakwa pamuchato wemurume nemukadzi inopa mamiriro akanakisisa ekuti chirongwa chaMwiri chibudirire. …

“… Isu kana mumwe munhu zvake hatikwanise kushandura chirongwa chehumwari ichi chemuchato.”2

Bonnie L. Oscarson, mutungamiri mukuru weVasikana veChidiki, akati: “Munhu wese, zvisinei nemamiriro ezvinhu emuchato wavo kana huwandu hwevana vavo, vanokwanisa kuva vadziviriri vechirongwa chaIshe chakatsanangurwa muchiziviso chemhuri. Kana chiri chirongwa chaIshe, chinofanirawo kuva chirongwa chedu!”

Gosa Christofferson vakaenderera mberi vachiti: “Vamwe venyu vanoshaiswa ropafadzo remuchato nezvikonzero zvinosanganisira kushaikwa kwemikana inobudirira, hungochani, kuremara pamuviri kana papfungwa, kana kungotya kusabudirira. … Kana kuti ungange wakachata asi muchato wacho wakaguma. … Vamwe venyu vakachata havakwanise kubereka vana. …

“Kunyange zvakadaro, … munhu wose anokwanisa kubatsira kuti chirongwa cheumwari chiitike.”4

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene

Genesi 2:18–24; 1 VaKorinte 11:11; Dzidziso neZvibvumirano 49:15–17

Nyaya dzeVachiri Kurarama

Bhuradha Larry M. Gibson, vaimbova mutevedzeri wekutanga muhutungamiri hukuru hweVakomana Vechidiki, vakayeuka apo Shirley, uyo ava mudzimai wavo iyezvino, paakati:

“‘Ndinokuda nokuti ndinoziva kuti unoda Ishe kupfuura kuda kwaunoita ini.’ …

“Mhinduro iyoyo yakareva zvakakomba kwandiri. …

“… [Uye] ndaida kuti anzwe nguva dzose kuti ndinoda Ishe kupfuura zvimwe zvinhu zvose.”5

Gosa David A. Bednar veChikwata cheVaApositora vane Gumi neVaviri vakadzidzisa kuti: “Ishe Jesu Kristu ndivo chikamu chinokoshesesa muhukama hwemuchato wechibvumirano. … [Fungidzira kuti] Muponesi akaiswa pakona yepamusoro peshepi yetiraenguru, nemukadzi ari pazasi peimwe kona uye murume ari pazasi peimwe kona yacho. Zvino funga izvo zvinoitika muhukama pakati pemurume nemukadzi apo semunhu pachake uye zvishoma nezvishoma ‘vanouya kuna Kristu’uye vachiedza ‘kunatswa maAri’ (Moronai 10:32) Nokuda (kweMununuri) uye kuburikidza neMununuri, murume nemukadzi vanoswedera kuuya pamwechete.”6

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. “The Family: A Proclamation to the World,” Liahona, Mbudzi 2010, 129;

  2. D. Todd Christofferson, “Why Marriage, Why Family,” Liahona, Kubvumbi 2015, 52.

  3. Bonnie L. Oscarson, “Defenders of the Family Proclamation,” Liahona, Kubvumbi 2015,15.

  4. D.Todd Christofferson, “Why Marriage, Why Family,” 52.

  5. Larry M. Gibson, “Fulfilling Our Eternal Destiny,” Ensign, Kukadzi 2015, 21–22.

  6. David A. Bednar, “Marrige is Essential to His Eternal Plan,” Liahona, Chikumi 2006, 54.

Funga Izvi

Ndiri kuedza sei ini pachangu uye zvishoma nezvishoma “kuuya kuna Kristu”?

Dhinda