2016
Sarudzo
Chivabvu 2016


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chivabvu 2016

Sarudzo

Ndinovimba kuti tinozogara tichiita sarudzo dzakanaka kunyangwe dziri dzakaoma pane kuita sarudzo nyore asi dzisiri kwadzo.

Mabhuratha nemasisita, ndisati ndatanga shoko rangu randakagadzirira remusangano uno nhasi, ndinoda kuzivisa matemberi mana matsva ayo, mumwedzi nemakore zvirikuuya, achavakwa munzvimbo dzinotevera: Quito, Ecuador; Harare, Zimbabwe; Belem, Brazil; uye temberi yechipiri muLima, Peru.

Apo pandakava nhengo yeChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri muna 1963, kwakanga kuine matemberi gumi nemaviri aishanda muChechi yose. Nekutsaurwa kweTemberi yeProvo City Center masvondo maviri akapera, kwava iyezvino nematemberi zana nemakumi mashanu arikushanda pasi rose. Tinotenda zvikuru nemaropafadzo atinogashira mudzimba tsvene idzi.

Zvino, mabhuratha nemasisita, ndinoda kutaura kutenda kwangu nemukana wekugoverana nemi pfungwa shomanani mangwanani ano.

Ndaifunga nguva ichangopfuura iyo pamusoro pesarudzo. Zvakataurwa kuti zviitiko zvidiki zvinokwanisa kuva neshanduro huru panhoroondo, uye upenyu hwevanhu hunokwanisawo kushandurwa nezviitiko zvidiki. Sarudzo dzatinoita dzinotungamirira magumo edu.

Apo patakasiya upenyu hwedu hwenyama husati hwavapo tichipinda muupenyu hunofa, takauya nesu nechipo chekuzvisarudzira. Chinangwa chedu ndechekuwana kubwinya kweseresitiyaro, uye sarudzo dzatinoita, kazhinji, dzinotungamirira kuti tinosvika pachinangwa chedu here kana kuti kwete.

Vazhinji venyu munoziva Alice mubhuku renyaya rakanakisisa raLewis Carroll rinonzi Alice’s Adventures in Wonderland (Zviitiko zvaAlice muNyika Inoshamisa). Munoyeuka kuti akasvika pamhararano paive nenzira mbiri pamberi pake, imwe neimwe ichienda mberi asi nekumativi akasiyana. Apo paaifunga kuti woita sei, akasvikirwa neKatsi yeCheshire, Alice akaibvunza kuti, “Ndeipi nzira yandinofanira kutevera?”

Katsi yakapindura ichiti, “Izvo zvinoenderana nekwauri kuda kuenda. Kana usingazive kwauri kuda kuenda, hazvina basa kuti nzira yaunotora ndeipi.” 1

Mukusiyana naAlice, isu tinoziva kwatiri kuda kuenda, uye zvine basa kuti tinoenda nenzira yipi, nekuti nzira yatinotevera muupenyu huno inotungamirira kumagumo edu muupenyu hunotevera.

Ndinovimba kuti tinozosarudza kuvaka matiri pachedu rutendo rukuru-kuru uye rwakasimba runozova dziviriro yedu inoshanda zvikuru kupikisa zvinangwa zvemuvengi—rutendo chairwo, rudzi rwerutendo rwunozotitsigira uye rwunozosimbisa chido chedu chekusarudza zvakanaka. Tisina rutendo rwakadaro, hakuna kwatinoenda. Narwo, tinokwanisa kubudirira pazvinangwa zvedu.

Kunyange zvakakosha kuti tisarudze zvakachenjera, pane dzimwe nguva apo tinozoita sarudzo dzeupenzi. Chipo cherutendeuko, chakapihwa neMuponesi wedu, chinotikwanisa kuti tigadzirise upenyu hwedu, kuti tigodzokera kunzira inozotitungamirira kukubwinya ikoko kweseresitiyaro kwatinotsvaga.

Ndinovimba tinozoramba tiine ushingi hwekusatevera pfungwa dzeruzhinji. Ndinovimba kuti tinozogara tichiita sarudzo dzakanaka kunyangwe dziri dzakaoma pane kuita sarudzo nyore asi dzisiri kwadzo.

Apo patinofunga sarudzo dzatinoita muupenyu hwedu zuva rega rega—kuti toita sarudzo iyi kana sarudzo iyo—kana tikasarudza Kristu, tinenge taita sarudzo chaiyo.

Munamato wemwoyo wangu wese uye wakaninipa ndewekuti izvi zvigova saizvozvo nguva dzose nemuzita raJesu Kristu, Ishe neMuponesi wedu, ameni.

Kwakatorwa Chinyorwa

  1. Zvakatorwa kubva mubhuku raLewis Carroll, Alice’s Adventures in Wonderland (1898), 89

Dhinda