2016
Anozokuisa paMafudzi Ake Uye Okutakura Kuenda Newe Kuma
Chivabvu 2016


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Chivabvu 2016

Anozokuisa paMafudzi Ake Uye Okutakura Kuenda Newe Kumba

Sekuwana kunoita Mufudzi Akanaka hwai yakarasika Yake, kana ukango tendeutsira pfungwa dzako nemanzwiro ako kuMuponesi wenyika, Anozokuwana.

Imwe yendangariro dzangu dzehudiki yainditambudza yaitanga neruzha rukuru rwaindimutsa kubva mukurara rwemasairini aivakure achiyambira kurwiswa kwaizoitwa nendege dzemasoja. Kusati kwapera nguva yakareba, rumwe ruzha, kurira nekutinhira kwemapuropera endege, kwaikwirira zvishoma nezvishoma kusvikira kwavakuzunza mhepo yacho chaiyo. Nokudzidziswa zvakanaka naamai vedu, isu vana mumwe nemumwe taitora bhegi redu uye tomhanya tichikwiri chikomo kuenda kudiziro remabhombu aidonedzwa nendege. Apo pataimhanya nemuusiku hutema-tema, zvioneso zvechiedza zvegirini nezvichena zvaidonha kubva mudenga kuratidza nzvimbo dzainangwa nevaibhomba. Chishamiso ndechekuti, munhu wese aidaidza zvioneso zvechiedza izvi kuti miti yeKisimusi.

Ndaiva nemakore mana, uye ndakava chapupu kuhondo yepasi rose.

Dresden

Chinhambwe chipfupi kubva kwaigara mhuri yangu kwaiva neguta reDresden. Avo vaigara ikoko zvimwe vakaona zvakapetwa chiuru kupinda zvandakanga ndaona ini. Madutu makuru-kuru emoto, aikonzerwa nezviuru zvematani ezvinoputika, akapararira nekukurumidza nemuDresden, akaparadza chikamu chinopfuura makumi mapfumbamwe kubva muzana (90 percent) cheguta iroro uye asina zvizhinji zvaaisiya asi zvinhu zvakapwanyika nedota.

Nenguva pfupi pfupi, guta raimbodaidzwa kuti “Bhokisi reUpfumi” rakanga raparadzwa. Erich Kästner, munyori wemabhuku wechiGerman, akanyora nezvekuparadzwa uku achiti, “Muchiuru chemakore runako rwake rwakavakwa, muusiku humwechete rwakaparadzwa zvachose.”1 Munguva yehuduku hwangu handina kumbofungidzira kuti kuparadza kwakakonzerwa nehondo yakanga yatangwa nevanhu vedu pachedu kungafe kwakakundwa. Nyika yakanga yakatikomberedza yairatidzika kuva isina tariro uye isina kana remangwana.

Gore rakapera ndakava nemukana wekudzokera kuDresden. Makore makumi manomwe mushure mehondo, yave, zvakare, “Bhokisi reUpfumi” reguta. Matongo akabviswa, uye guta rakavakwa zvakare uye kunyange kunatsurudzwa.

Munguva yekushanya kwangu ndakaona chechi yeLutheran yakanaka inonzi Frauenkirche, Church of Our Lady. Yakavakwa pokutanga munana 1700, yakanga iri imwe yezvivakwa zvakanaka zveDresden, asi hondo yakaideredza kuita murwi wezvinhu zvakapwanyika. Kwemakore mazhinji yakaramba yakadaro, kusvikira pekupedzisira vamwe vanhu vakasarudza kuti Frauekirche yaizo vakwazve.

Matombo akabva pachechi yakaparadzwa akanga achengetedzwa uye akarongwa uye, apo pazvaikwanisika, akashandiswa mukuvakwazve kwayo. Nhasi munokwanisa kuona matombo akasvibiswa nemoto aya anoratidzika semavanga pamadziro ekunze. “Mavanga” aya hasi chete yeuchidzo yezvakaitika kuchivako ichi munguva yehondo asiwo irangaridzo kutariro—chiratidzo chinochamisa chekwaniso yevanhu yekuumba upenyu hutsva kubva mumadota.

Apo pandakafungisisa nhoroondo yeDresden uye ndichishamisika neuchenjeri uye ushingi hweavo vakavaka zvakare izvo zvakanga zvaparadzwa zvachose kudaro, ndakanzwa kurudziro yakanaka yeMweya Mutsvene. Chokwadi, ndakafunga, kuti kana munhu achikwanisa kuvakazve, kubva mumatongo, zvinhu zvakapwanyika, nemasaridzwa eguta rakaparadzwa, chivako chinoshamisa icho chinokwira chichienda kumatenga, ko Baba vedu Samasimba vanokwanisa zvikuru zvakadii kudzorera vana Vavo avo vakapunzika, vanotambudzika, kana vakarasika (paMweya)?

Hazvina basa kuti upenyu hwedu hungangoratidzika sehwakaparadzwa zvachose zvakadii. Hazvina basa kuti zvivi zvedu zvakatsvuka sei, kutsamwa kwedu kwakadzama sei, kuti mwoyo yedu yakasurukirwa, yakasiiwa yoga kana kuti yakatyorwa zvakadii. Kunyange avo vasina tariro, vanogara mukurasa mwoyo, vakatyora ruvimbo, vakasiya kutendeka kwavo, kana vakabva panaMwari vanokwanisa kuvakwazve. Kunze kweavo vashoma vanakomana vekuraswa, hakuna upenyu hwakaparadzwa zvakanyanya zvekuti haukwanise kudzorerwa.

Nhau dzinofadza dzevhangeri ndeidzi: nokuda kwechirongwa cherufaro chekusingaperi chakapihwa naBaba vedu Vekudenga vane rudo uye kuburikidza nekuzvipira kusingagume kwaJesu Kristu, hatikwanise chete kununurwa kubva mumamiriro edu ekupunzika uye tichidzorerwa kukuchena, asi tinokwanisawo kufambira mberi kupfuura zvinofungidzirwa nevanhu venyama uye tova vagari venhaka yeupenyu husingaperi nevadyi vekubwinya kwaMwari kusingatsanangurike.

Rungano rweMufananidzo rweHwai Yakarasika

Munguva yeushumiri hweMuponesi, vatungamiri vechitendero panguva iyoyo vakanga vasingabvumirane nekuti Jesu aipedza nguva nevanhu vavakanga vachinongedza se“vatadzi”

Zvimwe kwavari zvairatidzika sekuti Akanga achibvumira kana kunyange kutendera tsika dzakaipa. Zvimve vaitenda kuti nzira yakanakisa yekubatsira vatadzi kuti vatendeuke yakanga iri yekutuka, kuseka, nekuvanyadzisa.

Apo Muponesi paakaona izvo zvaifungwa neVafarise nevanyori, Akataura nyaya:

“Ndiyaniko kwamuri unamakwai anezana, kana akarashikirwa nerimwe rawo, ungasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rarashika kusvikira ariwana? 

“Uye kana ariwana, anoriisa pamafudzi ake, achifara,”2

Kwenguva refu, rungano rwemufananidzo urwu rwakagara rwuchinzwisiswa semurairo kwatiri wekuti tiunze hwai dzakarasika uye tinanavire kuneavo vakarasika. Kunyange zvazvo izvi pachokwadi zvakakodzera uye zvakanaka, ndinofunga ndichivhunza kana paine zvimwe zvinopfuura izvozvo.

Zvinokwanisika here kuti chinangwa chaJesu, chakakosha zvikuru-kuru, chakanga chiri chekudzidzisa pamusoro pebasa reMufudzi Akanaka?

Zvinokwanisika here kuti Akanga achipupura nezverudo rwaMwari kuvana Vavo vakarasika?

Zvinokwanisika here kuti shoko reMuponesi rakanga riri rekuti Mwari vanonyatsoziva avo vakarasika—uye kuti Vachavawana, kuti Vachananavira kwavari, uye kuti Vachavanunura?

Kana zviri izvo, chii chinofanira kuitwa nehwai kuti ikodzere rubatsiro rweumwari urwu?

Hwai inofanira here kuziva mashandisiro ekuita sextant inogozha (kambasi unoshandiswa mungarava kana mundege) kuti izive nzira yairi? Inofanira here kukwanisa kushandisa GPS kuti iwane nzvimbo yairi chaiyo panyika? Inofanira here kuva neunyanzvi hweku gadzira software app inozotsvaga rubatsiro? Hwai inofanira here kuva netsigiro dzekupupurirwa nemumwe munhu anemvumo, Mufudzi Akanaka asati auya kuzoinunura?

Kwete, Chokwadi kwete! Hwai yakakodzera rununuro rweumwari nokuti chete inodiwa neMufudzi Akanaka.

Kwandiri, rungano rwemufananidzo rwehwai yakarasika rwumwe rwendima dzizere netariro mumagwaro matsvene ose.

Muponesi wedu, Mufudzi Akanaka, anotiziva uye anotida. Anokuziva uye anokuda.

Anoziva apo paunenge warasika, uye Anoziva paunenge uri. Anoziva marwadzo ako. Zvikumbiro zvinyerere zvako (kwaAri) zverubatsiro. Kutya kwako. Kuchema Kwako.

Hazvina basa kuti wakarasika sei—kunyange kungave nokuda kwesarudzo dzako pachako dzakaipa kana nokuda kwemamiriro ezvinhu ausingakwanise kuita chinhu nezvawo.

Zvine basa ndezvekuti uri mwana Wake. Uye Anokuda. Anoda vana Vake.

Nokuti Anokuda, Achakuwana. Achakuisa pamafudzi Ake, achifara. Uye apo paAnokuunza kumba, Anozoti kumunhu wese, “Farai neni; nokuti ndawana gwai rangu rakanga rakarashika.”3

Chii Chatinofanira Kuita?

Asi, mungange muchifunga kuti, chii chinodikanwa kubva kwandiri? Chokwadi ndinofanira kuita zvakawanda kudarika kungomirira chete kuti ndinunurwe.

Kunyange Baba vedu vane rudo vachida kuti vana Vavo vose vadzokere kwaVari, Havana munhu waVanomanikidza kuenda kudenga.4 Mwari havazotinunura tisingade.

Saka chii chatinofanira kuita?

Kukoka kwaVo kurinyore:

“Tendevukirai … kwandiri.”5

“Uyai kwandiri.”6

“Swederai pedyo neni uye ini ndichaswedera pedyo nemi.”7

Aya ndiwo maratidziro atinoVaita kuti tinoda kununurwa.

Zvinongoda rutendo. Asi musa ore mwoyo. Kana musingakwanise kuva nerutendo parizvino, tangai netariro.

Kana musingakwanise kutaura kuti munoziva kuti Mwari Variko, munokwanisa kuvimba kuti Variko. Munokwanisa kuda kubvuma.8 Izvozvo zvakakwana kutanga ( nzira yekununurwa).

Zvino, muchishanda netariro iyoyo, nanavirai kunaBaba Vekudenga. Mwari vanozosvitsa rudo rwaVo kwamuri, uye basa Ravo rerununuro neshanduro rinozotanga.

Mushure menguva, munozoona ruoko Rwavo muupenyu hwenyu. Munozonzwa rudo Rwavo. Uye chido chekufamba muchiedza Chavo nekutevera nzira Dzavo zvinozokura nenhano yega yega yerutendo yamunotora.

Tinodaidza nhano dzerutendo idzi kuti “kuteerera.”

Iro harisi izwi rinodikanwa zvikuru mazuva ano. Asi kuteerera ipfungwa inokosha muvhangeri raJesu Kristu nokuti tinoziva kuti “kuburikidza neRudzikinuro rwaKristu, vose vanhu vangangoponeswa, nokuteerera kumitemo nezvisungo zveVhangeri.”9

Apo patinowedzera murutendo, tinofanirawo kuwedzera mukutendeka. Pashure ndambotapa mazwi emunyori wechiGerman uyo akanyora nekusuwa pamusoro pekuparadzwa kweDresden. Akanyorawo ndima inoti “Es gibt nichts Gutes, ausser: Man tut es.” Kune avo vasingataure ndimi yeserestiyaro, izvi zvinodudzirwa sekuti “Hapana chakanaka kunze kwekunge wachiita.”10

Iwe neni tingangotaura zvakanyatsonakisisa nezve zvinhu zvemweya. Tingangoshamisa vanhu nemaonero edu anoratidza ruzivo rwedu rwekunzwisisa zvemisoro yenyaya yezvechitendero. Tingangotaura nezwi rakasimba repamusoro-soro nezvechitendero uye “tichifunga zvinechido pamusoro pemibairo [yedu] kudenga.”11 Asi kana rutendo rwedu rwukasashandura mararamiro atinoita—kana zvitendero zvedu zvikasakurudzira sarudzo dzedu dzezuva rega rega—chitendero chedu hachina basa, uye rutendo rwedu, kana rusina kufa, pachokwadi haruna kumira zvakanaka uye rwuri munjodzi yekuzopedzisira rwafa.12

Kuteerera kunopa simba kurutendo. Tinowana chiedza mumweya yedu kuburikidza nekuteerera (kwedu pachedu).

Asi dzimwe nguva ndinofunga kuti hatinzwisise zvinoreva kuteerera. Tingangofunga kuteerera sekuti ndicho chinova chinangwa, kunze kwekuti inzira yekubudirira pachinangwa chedu. Kana kuti tingangorova nyundo yekuteerera pachipfuriro chesimbi chemirairo mukuedza kuumba avo vatinoda, kuburikidza nekuramba tichipisa nekudzokorora kukohomedza, kuti tivapinze, muzvinhu zvitsvene zvekudenga.

Zviri pachokwadi kuti pane dzimwe nguva apo patinoda kurairwa zvakasimba kuti titendeuke. Zvechokwadi, kune vamwe vangangokurudzirwa kuti vatendeuke nenzira iyi chete.

Asi zvimwe pane mumwe mufananidzo wakasiyana unokwanisa kutsanangura kuti sei tichiteerera mirairo yaMwari. Zvichida kuteerera hakusi nzira yekukombamisa, kumona, nekudzvura mweya yedu kuiita chimwe chinhu chatisiri. Kunze kwaizvozvo, inzira yatinowana nayo izvo zvatakaumbwa nazvo chaizvo.

Takasikwa naMwari Samasimba. NdiBaba vedu Vekudenga Tiri chaizvo izvo vana Vavo vemweya. Takaumbwa nezviumbiso zveumwari zvinokosha zvikuru uye zvakanakiswa zvikuru-kuru, saka nokudaro tine matiri hunhu hweumwari.

Pano pasi, zvisinei, pfungwa nezviito zvedu zvinova zvinorunzirwa neizvo zvakaora, zvisiri zvitsvene, uye zvisina kuchena. Zvisakachena zvenyika (yenyama) zvinokonzera mweya yedu kuti ive yakasviba, zvichikonzera kuti zvive zvakaoma kuti tizive nekuyeuka kodzero yekuzvarwa yedu nechinangwa chedu.

Asi zvose izvi hazvikwanise kushandura zvatiri chaizvo. Hunhu hwehumwari hwedu hunokosha hunoramba huripo. Uye chinguva chatinongosarudza kutendeutsira pfungwa nemanzwiro edu kuMuponesi wedu anodikanwa uye toisa tsoka pamusoro penzira yeudzidzi, chimwe chinhu chinoshamisa chinoitika. Rudo rwaMwari rwunozadza mwoyo yedu, chiedza chechokwadi chinozadza pfungwa dzedu, tinotanga kurasikirwa nechido chekutadza, uye hatizoda kuramba tichifamba murima.13

Tinosvika pakuona kuteerera kwete sekurangwa asi senzira inotibvumira kuzadzikisa magumo edu ehumwari. Uye zvishoma nezvishoma, huwori, zvisakachena, nezvitadziso zvenyika ino zvinotanga kubva. Pekupedzisira, mweya wekusingaperi unokosha zvikuru-kuru, wechisikwa chekudenga uri matiri unoratidzwa, uye tinova manyuko erunako.

Wakakodzera Rununuro

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, shamwari dzangu dzinodikanwa, ndinopupura kuti Mwari vanotiona sezvatiri chaizvo—uye Vanotiona takakodzera rununuro.

Ungangonzwa kuti upenyu hwako hwakaparara. Ungangova wakaita chivi. Ungangova uchitya, wakashatirwa, uchichema, kana kutambudzwa nekusatenda. Asi sekuwana kunoita Mufudzi Akanaka hwai Yake yakarasika, Kana ukangosimudza mwoyo wako kuMuponesi wenyika, Anokuwana.

Anokununura.

Anokusumudza uye okuisa pamafudzi Ake.

Anokutakura kuenda kumba.

Kana maoko enyama achikwanisa kushandura zvinhu zvakapwanyika nematongo kuzviita imba yakanaka yekunamatira, naizvozvo tinokwanisa kuva nechokwadi neruvimbo rwekuti Baba vedu Vekudenga vanerudo vanokwanisa uye vanotivakazve. Chirongwa chavo ndechekutivaka kutiita chimwe chinhu chakakura zvikuru kupinda zvataive—chakakura zvikuru kupinda izvo zvatinofa takafungidzira. Nenhanho yega yega panzira yeudzidzi, tinokura kuva zvisikwa zvekubwinya kwekusingaperi nerufaro rwusingapere izvo zvatakagadzirwa kuti tive.

Uhwu huchapupu hwangu, ropafadzo rangu, nemunamato wangu wakaninipa nemuzita rinoera raTenzi wedu, nemuzita Jesu Kristu, ameni.

Dhinda