2016
Rutendo paZuva reSabata
Mbudzi 2016


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Mbudzi 2016

Rutendo paZuva reSabata

KuVatendi vaMazuva Ekupedzisira, Sabata izuva rerutendo nerudo.

Mabhuradha nemasisita angu anodikanwa akapararira nepanyika muChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, ndinotenda kuti Mutungamiri Thomas S. Monson vandikumbira kuti nditaure mumusangano mukuru pazuva rino reSabata. Ndinonamata kuti Mweya Mutsvene uchakubatsirai kunzwisisa kukosha nehuchokwadi hwezvandinotaura.

Nhasi ndinoda kutaura pamusoro pekunzwa kwemwoyo. Kunzwa kwandichanangana nako ndekwe rutendo—kunyanya pazuva reSabata.

Tinonzwa kutenda nokuda kwezvinhu zvakawanda: tsitsi dzinobva kumunhu watisingazivi, zvokudya apo patinenge tinenzara, imba isingabvinzi yokugara apo matutu paanouya, pfupa rakavhunika rinopora, uye kuchema kune simba kwemwana mucheche achangozvarwa. Vazhinji vedu tinoyeuka tichinzwa rutendo panguva dzakadaro.

KuVatendi vaMazuva Ekupedzisira, Sabata inguva yakadaro, zvechokwadi izuva, rerutendo nerudo. Ishe vakaraira Vatendi muDunhu reJackson, Missouri, muna 1831 kuti minamato yavo nekutenda kwavo zvinofanira kunangiswa kuna Mwari. Vatendi vokutanga vakapuwa zvakazarurwa pamusoro pemachengetero okuita zuva reSabata uye kuti vanotsanya nokunamata sei.1

Ivo, uye nesu, takaudzwa naIshe kuti tinonamata nokupa kutenda sei paSabata. Sokuziva kwamunoita, chakanyanya kukosha rudo rwatinonzwa kuvapi vezvipo. Haano manzwi aIshe ekuti tinopa kutenda sei uye kuti tinoda sei paSabata.

“Ndinopa kwavari murairo, ndichiti: Idai Ishe Mwari venyu nemwoyo yenyu yose, neshungu dzenyu dzose, nepfungwa dzenyu dzose, nesimba renyu rose; uye nemuzita raJesu Kristu muchavashandira. …

“Mutende Ishe Mwari wenyu mune zvinhu zvose.

“Mupe mupiro kuna Ishe Mwari wenyu mukururama, kunyangwe uyo wemwoyo wakatyoka uye nemweya wakapfava.”2

Uye zvino Ishe vanoenderera mberi nekuyambira nezve njodzi kana tikatadza kutenda Baba Vokudenga naJesu Kristu sevapi vezvipo: “Uye hapana chimwe chinoita kuti munhu agumbure Mwari, kana kuti hakuna wavanoshatirirwa, kunze kweavo vasingatende ruoko rwavo muzvinhu zvose, uye vasingateereri mirairo yavo.”3

Vazhinji venyu vakateerera munotowana rufaro muSabata sezuva rokurangarira nekupa kutenda kunaMwari nokuda kwemaropafadzo. Munorangarira rwiyo runozikanwa:

Kana wakamomoterwa nenhamo,

Kana waora mwoyo, uchifunga warasikirwa nezvese,

Verenga zvikomborero zvako zvizhinji; zvidome chimwe nechimwe

Zvichakushamisa zvakaitwa naIshe.

Verenga zvikomborero zvako;

Zvidome chimwe nechimwe

Verenga zvikomborero zvako;

Uone Mwari zvaaita. …

Unoremerwa here nemutoro?

Muchinjikwa warema here wawapuwa?

Verenga zvikomborero zvako zvizhinji; uchagutsikana,

Uchaimba mukufamba kwemazuva.4

Ndinotambira tsamba nekushanyirwa kubva kuvaVatendi vaMazuva Ekupedzisira vakatendeka avo vanonzwa kuremerwa nemitoro yakawanda zvikuru. Vamwe vavapedyo nokunzwa kuti, kwavari ivo pachavo, varasikirwa nezvose. Ndinovimba nokunamata kuti zvandinotaura pamusoro pekuva nekutenda paSabata zvichabatsira kuita kuti mugutsikane uye kuti kuimba kutange mumwoyo menyu.

Ropafadzo rimwechete ratinokwanisa kutenda naro nderekuti tirimo mumusangano wesakaramende chose, takaungana nevakawanda kupinda mumwechete kana vaviri vevadzidzi vavo muzita Ravo. Kune vamwe vari kumba vasingakwanise kumuka kubva pauraro hwavo. Kune vamwe vanoda kuva kwatiri asi panokudaro vari kushanda muzvipatara vachipa ruponeso kuvanhu vose kana kuti vari kutidzivirira vachiisa hupenyu munjodzi vari kune rimwe gwenga kana sango. Chokwadi chekuti tinokwanisa kuungana kunyangwe nemumwe Mutendi mumwechete uye totora sakaramende chinozotibatsira kutanga kunzwa rutendo nerudo nokuda kwetsitsi dzaMwari.

Nokuda kweMuporofita Joseph Smith uye vhangeri rakadzorerwa, rimwe ropafadzo ratinokwanisa kuverenga nderekuti tine mukana wekutora sakaramende vhiki yoga yoga—iyo inenge yagadzirwa, yaropafadzwa, uye yagoverwa nevaranda vanemvumo vaMwari. Tinokwanisa kutenda apo Mweya Mutsvene paunosimbisa kwatiri kuti manzwi emunamato wesakaramende, anopuwa neavo vane hupirisita vanemvumo, anokudzwa naBaba vedu Vokudenga.

Pamaropafadzo ose atinokwanisa kuverenga, gurusa nekure ndere kunzwa kweruregerero uko kunouya patinodya sakaramende. Tinozonzwa rudo nerutendo rukurusa neMuponesi, uyo kuzvipira kwake kusina mugumo kwakaita kuti zvikwanisike kuti ticheneswe kubva muchivi. Apo patinodya chingwa nemvura, tinorangarira kuti Akatitamburira. Uye apo patinonzwa rutendo nezvaAkatiitira, tinozonzwa rudo Rwake kwatiri uye rudo rwedu kwaAri.

Ropafadzo rerudo rwatinotambira rinozoita kuti zvive nyore kwatiri kuchengeta murairo weku “murangarira nguva dzose.”5 Unokwanisa kunyangwe kunzwa rudo norutendo, sekunzwa kwandinoita ini, neMweya Mutsvene, uyo Baba Vokudenga wavakavimbisa kuti uchagara uinesu apo tinoramba takatendeka kuzvibvumirano zvatakaita. Tinokwanisa kuverenga maropafadzo ose aya pamusi weSvondo wega wega uye tonzwa rutendo.

Sabata inguvawo yakanakisisa yokurangarira chibvumirano chatakaita pamvura yerubhabhatidzo chekuda nokushandira vana vaBaba Vokudenga. Kuzadzikisa vimbiso iyoyo paSabata kunozosanganisira kutora chinhanho mukirasi kana muchikwata nechinangwa chizere chemwoyo chokuvaka ruvimbo nerudo pakati pemabhuradha nemasisita aripo nesu. Vimbiso iyoyo inozosanganisira kuzadzikisa nerufaro mabasa edu emuchechi.

Ndinotenda nemisi yeSvondo mizhinji yandakadzidzisa chikwata chemadhikoni muBountiful, Utah, pamwechete nekirasi yeChikoro cheSvondo muIdaho. Uye ndinorangarirawo nguva dzandakashanda semubatsiri kumudzimai wangu munesari, umo basa rangu guru raiva rokupa vana matoyi ekutambisa nekuzoaunganidza.

Akava makore mazhinji ndisati ndaziva nokuburikidza neMweya kuti kushandira Ishe kwangu kudiki uku kwaikosha muupenyu hwevana vaBaba Vokudenga. Kuchishamiso changu, vamwe vavo vakarangarira uye vakanditenda nekuedza kudiki kwangu kuvashandira ndakamirira Tenzi pamazuva eSabata iwayo.

Sezvazvinoita kuti dzimwe nguva hatikwanisi kuona mibairo yekushanda kwedu pachedu kwatinopa paSabata, tingangotadza kukwanisa kuona shanduro dzakawanda dzevamwe varanda vaIshe. Asi Ishe vari kuvaka umambo Hwavo chinyararire kuburikidza nevaranda Vavo vakavimbika uye vakaninipa, zvisingashambadzwi kunyika, hwakananga kukubwinya kwahwo kwezviuru zvemakore kuchauya. Zvinotora Mweya Mutsvene kuona kukura kurikuita kubwinya kwahwo.

Ndakakura ndichienda kumisangano yesakaramende muchibazi chidiki diki cheNew Jersey maiva nenhengo shomanana chete nemhuri imwechete, iyo yaiva yangu. Makore makumi manomwe akapfura, ndakabhabhatidzwa muPhiladelphia muchaperi imwechete yakavakwa neChechi yataikwanisa kuenda muPennsylvania kana muNew Jersey. Asi apo pakwaiva nekabazi kadiki kamwechete muPrinceton, New Jersey, nhasi kwava nemawadhi makuru maviri. Uye mazuva mashoma apfuura ayo, zviuru zvevanhu vechidiki zvakatora chinhano mumapemberero aizoteverwa nekutsaurwa kweTemberi yePhiladelphia Pennsylvania.

Semukomana wechidiki, ndakadaidzwa semushumiri wemudunhu umo matainamata pamisi yeSvondo muchaperi imwechete yaiva muAlbuquerque, New Mexico. Nhasi kune temberi nemasiteki mana.

Ndakabva muAlbuquerque kuti ndiende kuchikoro muCambridge, Massachusetts. Kwaiva nechaperi imwechete uye dunhu raipararira nemunzvimbo zhinji yeMassachusetts neRhode Island. Ndakachaira motokari nemuzvikomo zvenyika yakanaka iyoyo kuenda kumisangano yesakaramende mumapazi madiki, mizhinji yaiva muzvivako zvidiki zvairendwa kana kuti mudzimba diki dzaiva dzagadzirwa kuti dzikwanise kuitirwa misangano. Iye zvino kwava netemberi inoyera yaMwari muBelmont, Massachusetts, uye masiteki akapararira nemunzvimbo iyoyo yose.

Zvandaikwanisa kuona pachena nguva iyoyo kwaiva kuti Ishe vaidurura Mweya Wavo pavanhu vaiva mumisangano yesakaramende midiki iyoyo. Ndaikwanisa kuzvinzwa, asi handina kukwanisa kuona makuriro ezvinangwa zvaIshe uye nguva Yavo pakuvaka nokukukudza umambo Hwavo. Muporofita, kuburikidza nezvakazarurwa, akaona uye akanyora izvo zvatava kukwanisa kuona pachedu isu. Nifai akati huwandu hwese hwedu hahwuzovi hukuru asi kuti huwandu hweshanduro hwunozova hunoshamisa zvikuru.

“Uye zvakaitika kuti ndakatarisa chechi yeGwayana raMwari, nehuwandu hwayo hwaive hushoma. …

“Uye zvakaitika kuti ini, Nifai, ndakaona simba reGwayana raMwari, kuti rakadzika pavatendi vechechi yeGwayana, nekune vanhu vechibvumirano chaIshe, vakange vakapararira nepasi pose; uye vakanga vakapakatira ururami nesimba raMwari mukukudzwa kukuru.”6

Mumukuwo uno, tsananguro yehuporofita yakafanana nayo yemamiriro edu uye mikana iri mberi yakanyorwa muDzidziso neZvibvumirano:

“Hamusati mave kunzwisisa kukura kwemaropafadzo anaBaba mumaoko avo uye akagadzirirwa imi;

“Uye hamukwanise kutakura zvinhu zvose iyezvino, zvisinei ivai makafara, nokuti ini ndichakutungamirai. Umambo ndehwenyu uye nemaropafadzo arimo ndeenyu, uye neupfumi hwekusingaperi ndehwenyu.

“Uye uyo anogashira zvose zvinhu nokutenda acharopafadzwa; uye zvinhu zvepano pasi zvichapamidzirwa kwaari, kunyangwe zvakapetwa kazana, hongu, kana kupfuura.”7

Ndakanzwa shanduro iyoyo yerutendo runokura rwemaropafadzo nerudo rwaMwari zvichiwedzera nepakati peChechi. Zvinotaridzika kunyanya kukura pakati penhengo dzeChechi munguva nemunzvimbo umo munenge mune zviyedzo zveruvimbo rwavo, umo mavanofanira kuteterera kuna Mwari kuti vabatsirwe kunyange pakuenderera mberi chaiko.

Nguva dzatichapfuura nemadziri dzichava nemadziri zviyedzo zvakaoma, sezvadzakanga dzakaita kuvanhu vaAruma vari pasi paAmuroni aiva neutsinye, uyo akaisa mitoro pamisana yavo yairema zvikuru kwavari kuitakura.

“Uye zvakaitika kuti izwi raIshe rakauya kwavari mumatambudziko avo, richiti: Simudzai misoro yenyu uye munzwe kunyaradzwa, nokuti ndinoziva chibvumirano chamakaita kwandiri; uye ndichabvumirana nevanhu vangu ndigovabvisa muusungwa.

Uye ndicharerutsa mitoro inoiswa pamapfudzi enyu, zvekuti imi hamuzoinzwa kurema kana dai iri kumisana yenyu, kana dai muri muusungwa; uye izvi ndinozviita kuti mugove vapupuriri vangu ndabva pano, uye kuti mugoziva nechokwadi kuti ini Ishe Mwari, ndinoshanyira vanhu vangu mumatambudziko avo.

“Uye zvino zvakaitika kuti mitoro yakaiswa pana Aruma nehama dzake yakarerutswa, hongu, Ishe vakavasimbisa kuti vatakure mitoro yavo zvinyore-nyore, uye vakatambira norufaro nemwoyo murefu zvose zvaidikanwa naIshe.”8

Iwe neni tiri vapupuri kuti apo pose patakachengeta zvibvumirano zvedu naMwari, kunyanya apo pazvainge zvakaoma, Vakanzwa minamato yedu yokutenda neizvo zvaVakatotiitira uye vakapindura munamato wedu wekukumbira simba rokushingirira noruvimbiko. Uye kakawanda kupinda kamwechete Vakaita kuti tive nerufaro pamwepo nesimba.

Ungangova unoshama kuti chii chaungakwanisa kuita kurarama nokunamata pazuva rino reSabata kuitira kuti utaridze rutendo rwako uye kuti uzvisimbise iwe pachako uye usimbise vamwe kuzviyedzo zvakatimirira mberi.

Unokwanisa kutanga nhasi nemunamato wako pachako newemhuri wekutenda nezvese izvo Mwari zvavakakuitira. Unokwanisa kunamata kuti uzive izvo Ishe zvavanoda kuti uite kuVashandira uye kushandira vamwe. Kunyanya, unokwanisa kunamata kuti Mweya Mutsvene ukuudze nezve mumwe munhu akasurikirwa kana anoshaya uyo Ishe wavanoda kuti uende kwaari.

Ndinokuvimbisa kuti minamato yako inozopindurwa uye apo paunoita sezvaunoudzwa mumhinduro yaunozotambira, unozowana rufaro muSabata, uye mwoyo wako uzozara chaizvo nerutendo.

Ndinopupura kuti Mwari Baba vanokuziva uye vanokuda. Muponesi, Ishe Jesu Kristu, akadzikinura zvivi zvako nokuda kwerudo kwauri. Ivo, Baba neMwanakomana, vanoziva zita rako sokuziva kwaVaiita zita reMuporofita Joseph Smith apo paVakazviratidza kwaari. Ndinopupura kuti ino iChechi yaJesu Kristu uye kuti Achakudza zvibvumirano zvaunoita nokuvandudza naMwari. Hunhu hwako chaihwo hwuchashandurwa kuva hwakanyanya kufanana neMuponesi. Uchadzivirirwa zvakasimba kubva kuchiedzo uye kubva kukunzwa kwekusatenda pamusoro pechokwadi. Uchawana rufaro muSabata. Izvi ndinokuvimbisai nemuzita raIshe Jesu Kristu, ameni.

Dhinda