2016
Gwara Rakarurama rekuRufaro
Mbudzi 2016


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Mbudzi 2016

Gwara Rakarurama rekuRufaro

Ndinopupura nezve chipo chikuru icho chinova chirongwa chaBaba vedu kwatiri. Ndicho gwara rakarurama rekurunyararo nerufaro.

Mabhuradha nemasisita angu anodikanwa, mose imi muri muno muImba yeMusangano Mukuru nemi muri nepanyika pose, ndinotenda zvikuru nemukana wekugoverana pfungwa dzangu nemi magwanani ano.

Makore makumi mashanu nemaviri akapfuura ayo, muna Chikunguru 1964, ndakanga ndine basa muGuta reNew York panguva Shoo yePanyika pose payaiitwa ikoko. Mamwe magwanani-gwanani ndakaenda kunoshanyira Mormon Pavilion iyo yaiva sitendi yezviratidzwa zveChechi kushoo. Ndakasvika chinguva chidiki vavakuda kutaridza firimu reChechi rinonzi Man’s Search for Happiness, (Kutsvaga kweVanhu Rufaro) rinotaridza chirongwa cheruponeso iro rava firimu rinozikanwa chaizvo muChechi. Ndakagara pedyo nemumwe murume wechidiki uyo pamwe aiva nemakore makumi matatu nemashanu ekuzvarwa. Takataura kwenguva diki. Akanga asiri nhengo yeChechi yedu. Zvino magetsi akadzimwa uye firimu rikatanga kuratidzwa.

Takateerera kuinzwi remuturukiri apo paaibvunza mibvunzo yakakosha uye yomunhu wese: “Ndakabva kupi?” Sei ndiri pano? Ndinoenda kupi kana ndasiya upenyu huno? Munhu wese aivapo aida chaizvo kunzwa mhinduro, uye munhu wese akatarisa chaizvo pamifananidzo yaitaridzwa. Tsananguro yeupenyu hwedu tisati tauya pano pasi yakapuwa, pamwepo netsananguro yechinangwa chedu panyika. Takaona mufananidzo unobata pamwoyo wekusiya hupenyu huno kwevamwe sekuru vakanga vakwegura uye kusangana zvakare kwavo kwakanakisisa nevadikanwi avo vakanga vatungamira mberi kwavo kuenda kunyika yemweya.

Pamagumo echiratidzo chakanaka ichi chechirongwa chaBaba vedu Vokudenga kwatiri, mhomho yevavhu yaivamo yakabuda chinyararire, vazhinji vachiratidza kubatwa pamwoyo neshoko refirimu. Mushanyi wechidiki uyo akanga ari pedyo neni haana kusimuka. Ndakamubvunza kana akanga anakidzwa nezvakanga zvaratidzwa. Mhinduro yake yaiva nesimba yaiva yokuti: “Ichi ichokwadi!”

Chirongwa chaBaba vedu kurufaro rwedu uye kuruponeso rwedu chinodzidziswa nevashumuri nepanyika pose. Havasi vose vanonzwa shoko reumwari iri vanoribvuma nokuritambira. Zvisinei, varume nevakadzi kwese kwese, sezvakangoitwa neshamwari yangu yechidiki kuShoo yePanyika yekuNew York, vanoona huchokwadi hwacho, uye vanosarudza zvakasimba kutevera gwara iro rinozovatungamirira zvakanaka kumusha. Hupenyu hwavo hunoshandurwa nariini.

Chakakosha zvikuru kuchirongwa ichi Muponesi wedu, Jesu Kristu. Pasina kuzvipira kwake kwerudzikinuro, munhu wose aizoramba akarashika pamweya. Hazvina kukwana, zvisinei, kungotenda maAri nemubasa Rake. Tinofanira kushanda nokudzidza, kunzvera nokunamata, kutendeuka nokuzvinatsudzira. Tinofanira kuziva mitemo yaMwari uye toirarama. Tinofanira kutambira zvisungo zvinoponesa Zvavo. Chete nokuita izvi ndipo patinozowana rufaro rwechokwadi rwekusingaperi.

Takaropafadzwa kuva nechokwadi. Tine basa rekugovera chokwadi. Ngatiraramei chokwadi, kuitira kuti tigowana izvo zvose Baba zvavanazvo zvedu. Hapana chavanoita kunze kwekunge chiri chinozotiyamura. Vakatiudza kuti, Iri ndiro basa rangu nekubwinya kwangu—kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu.”1

Nehuchokwadi hwakadzama uye nekuzvininipisa kwakadzama, ndinopupura nezve chipo chikuru icho chinova chirongwa chaBaba vedu kwatiri. Ndicho gwara rimwechete rakarurama rekurunyararo nerufaro zvose pano nemunyika ichauya.

Mabhuradha nemasisita angu, ndinosiya nemi rudo rwangu neropafadzo rangu apo pandinopedza, uye ndinoita kudaro nemuzita reMuponesi neMununuri wedu, kunyangwe Jesu Kristu, ameni.

Dhinda