2017
Kushandira Vamwe muRutendo
Kubvumbi 2017


Vechidiki

Kushandira Vamwe muRutendo

Mutungamiri Uchtdorf vanotitaurira kuti rutendo rwedu muna Mwari runofanira “kuperekedzwa nemabasa.” Apo rutendo rwedu parunenge “ruchiperekedzwa nemabasa anoitwa zvimwechetezvo nguva dzose,” vanotsanangura, “runozadza…mweya nerunyararo nerudo.” Nevimbiso yeropafadzo iyi, tinokwanisa kuita musiyano, uye tinokwanisa kuzviona muupenyu hwedu kana tikatora nguva yokuita mushando wakazadzwa nerutendo. Unokwanisa kunamata magwanani oga oga kuti ukumbire Ishe rubatsiro mukushandira vamwe. Somuenzaniso, Vakumbire kukutaridza apo mwana waamai vako paanenge achida rubatsiro nebasa kana apo shamwari painenge ichida rumbidzo. Zvino, apo paunotambira femero, shanda pairi! Kana ukaita minamato iyi nekushandira uku tsika yako, zvino mabasa ako anoitwa zvimwechetezvo nguva dzose nerutendo anozoropafadza upenyu hwako neupenyu hwevamwe. Mutungamiri Uchtdorf vanovimbisa kuti “unokwanisa kushandura vanhu, mhuri, ndudzi, nepanyika.”

Dhinda