Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kubvumbi 2017
Chitsidzo neChibvumirano cheHupirisita
Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa chinangwa cheChita cheRubatsiro kunozogadzirira sei vanasikana vaMwari kuwana maropafadzo eupenyu husingaperi?
Rutendo , Mhuri, Rubatsiro
Apo isu semasisita patinonyanya kunzwisisa kuti chitsidzo nechibvumirano chehupirisita chine chekuita nesu pachedu, tinonyanyawo kuzotambira zvakazara maropafadzo nezvivimbiso zvehupirisita.
Gosa M. Russell Ballard veChikwata cheVaapositora Vane Gumi neVaviri vakati, “Vese vakaita zvibvumirano zvinoera naIshe uye vanokudza zvibvumirano izvozvo vane kodzero yokutambira zvakazarurwa zvavo pachavo, kuropafadzwa nengirozi dzinoshumira, kutaurirana naMwari, kutambira kuzara kwevhangeri, uye, pokupedzisira, kuva vagari venhaka pamwepo naJesu Kristu yezvese izvo Baba vedu zvavanazvo.”1
Maropafadzo nezvivimbiso zvechitsidzo nechibvumirano chehupirisita zvine maererano nekuvarume pamwepo nekuvakadzi. Sisita Sheri L. Dew, vaimbova mutevedzeri muHutungamiri Hukuru hweChita cheRubatsiro vakati, “Kuzara kwehupirisita kunowanikwa muzvisungo zvapamusoro-soro zveimba yaIshe kunokwanisa kuwanikwa chete nemurume nemukadzi pamwechete.”2
Sisita Linda K. Burton, Mutungamiri Mukuru weChita choRubatsiro, vakapa daidzo iyi, “Ndinokukokai kuti mudzidze nomusoro chitsidzo nechibvumirano chehupirisita, icho chinokwanisa kuwanikwa muDzidziso neZvibvumirano 84:33–44. Nokuita izvozvo, ndinokuvimbisai kuti Mweya Mutsvene unozowedzera nzwisiso yenyu yehupirisita uye wokukurudzirai nokukusimudzirai nenzira dzinoshamisa.”3
Mirairo yaJoseph Smith kuChita choRubatsiro yakaitirwa kugadzirira vakadzi kuti “vawane zvimuko nemaropafadzo nezvipo zvehupirisita.” Izvi zvinozokwanisika kuburikidza nezvisungo zvemutemberi.
“Zvisungo zvemutemberi [ndizvo] zvisungo zvehupirisita, asi [hazvi] gadzi chinzvimbo chehupirisita pavarume kana vakadzi. [Izvi zvisungo zvinozadzikisa] chivimbiso chaIshe chekuti vanhu vavo—vakadzi nevarume—‘vanozopihwa masimba anobva kumusoro’ [D&Z 38:32].”4
Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene neRuzivo
Dziziso neZvibvumirano 84:19–40; 121:45–46; reliefsociety.lds.org
© 2017ne Intellectual Reserve Inc. Ndiyo chete inekodzero dziri pamutemo dzekushandiswa kwechinyorwa chino. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yeMuchirungu: 6/16. Mvumo yedudziro 6/16. Dudziro ye Visiting Teaching Message, April 2017. Shona. 97924 731