2017
Wakarurama Achararama neRutendo
Kubvumbi 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kubvumbi 2017

Wakarurama Achararama neRutendo

MuRabi neMugadziri weSipo

Kune nyaya yakare yechiJudha iri pamusoro pemugadziri wesipo akanga asingatendi muna Mwari. Nerimwe zuva apo paakanga achifamba nemurabi, akati, “Pane chimwe chinhu chandisingakwanisi kunzwisisa. Takanga tiine chitendero kwezvuru zvamakore. Asi kwese kwese kwaunotarisa kune uyipi, huwori, kusatendeka, kubatwa kwevanhu zvakaipa, marwadzo, nzara, uye kurwisina. Zvinotaridzika kuti chitendero hachina kuita kuti panyika pave nani zvachose. Saka ndinokubvunza, chakanaka pakudii?”

MuRabi haana kupindura kwechinguva asi akaramba achifamba nemugadziri wesipo. Pokupedzisira vakasvika padambiro apo vana vadiki, avo vaiva vakazara nebukuta, pavaitamba muvhu.

“Pane chimwe chinhu chandisinganzwisisi,” murabi akadaro. “Tarisa kuvana avo. Takava nesipo kwezviuru zvemakore, asi vana avo vane tsvina. Sipo yakanaka pakudii?”

Mugadziri wesipo akapindura, “Asi rabi, hazvina kunaka kupomera mhosva sipo nokuda kwevana ava vane tsvina. Sipo inofanira kushandiswa isati yakwanisa kuita basa rayo.”

MuRabi akanyemwerera uye akati, “Chaizvo.”

Tinofanira Kurarama Sei?

MuApositora Pauro, achitapa muporofita wemuTestamende Yakare, akataura muchidimbu zvazvinoreva kuva mutendi apo paakanyora kuti, “Wakarurama uchararama nekutenda”. (VaRoma 1:17).

Pamwe mushoko rakareruka iri tinonzwisisa musiyano pakati pechitendero chakarukutika uye chisingashande neicho chine simba rokushandura hupenyu.

Asi kunzwisisa zvazvinoreva kurarama nerutendo, tinofanira kunzwisisa kuti rutendo chii.

Rutendo runoreva zvakawanda kupinda chitendero. Ruvimbo rwakazara muna Mwari runoperekedzwa nemabasa.

Runoreva zvakawanda kupinda kuva nezvido.

Runoreva zvakawanda kupinda kungogara pasi, tichigutsurira misoro yedu, uye tichiti tinobvuma. Apo patinoti “wakarurama achararama nekutenda,” tinoreva kuti tinotungamirirwa nokurairwa nerutendo rwedu. Tinoita zvinhu nenzira iyo inoenderana nerutendo rwedu—kwete nokuda kwekuti ungoteerera zvisina kana mufungo asi nokuda kwerudo rwakasimba uye rwechokwadi kuna Mwari wedu uye kweungwaru hwakakoshesa hwaVakazarurira kuvana Vavo.

Rutendo runofanira kuperekedzwa nemabasa; nokuti kana rusina rwakafa (ona Jakobo 2:17). Harusi rutendo zvachose. Haruna simba rokushandura munhu mumwechete, kana kuti panyika.

Varume nevakadzi verutendo vanovimba nemuna Baba Vekudenga vavo vanetsitsi—kunyangwe munguva dzekushaya chokwadi, kunyangwe munguva dzekusagutsikana nokutambudzika apo pavanenge vasingaoni zvakakwana kana kunzwisisa zvakajeka.

Varume nevakadzi vechitendero vanofamba zvechokwadi nemunzira yeudzidzi uye vanoedza nesimba rose kutevera muenzaniso weMuponesi wavo anodiwa, Jesu Kristu. Rutendo runokurudzira uye, chokwadi, runotipa simba rokurerekera mwoyo yedu kudenga uye kuti tinanavire nesimba, tisumudzire, uye tiropafadze vamwe vedu.

Chitendero chisina mabasa chakafanana nesipo inoramba iri mubokisi rayo. Ingangove nekwaniso inoshamisa, asi muchokwadi ine simba shomanana rokushandura kusvikira yazadzikisa basa rayo rayakagadzirirwa. Vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu ivhangeri remabasa. Chechi yaJesu Kristu inodzidzisa chitendero chechokwadi seshoko retariro, rutendo, nerubatsiro, kusanganisira kubatsira vamwe mumweya nemunyama.

Mwedzi mishoma yakapfuura iyo, mudzimai wangu, Harriet, neni takanga tiri parwendo rwemhuri nevamwe vevana vedu munzvimbo yeMediterranean. Takashanyira mimwe misasa yevapoteri uye tikasangana nemhuri dzaibva kunyika dzakaparadzwa nekuda kwehondo. Vanhu ava vakanga varisiri vechitendero chedu, asi vakanga vari mabhuratha nemasisita edu uye vaida rubatsiro nokukurumidza. Mwoyo yedu yakabatwa zvakadzama apo patakawana ruzivo rwedu pachedu rwekuti rutendo rune mabasa rwenhengo dzeChechi yedu runounza sei rubatsiro, ruyamuro, uye tariro kuna vamwe vedu vanoshaya, zvisinei nechitendero chavo, rudzi rwavo, kana dzidzo yavo.

Rutendo runoperekedzwa nemabasa anoitwa zvimwechetezvo nguva dzose runozadza mwoyo netsitsi, pfungwa neungwaru nenzwisiso, uye mweya nerunyararo nerudo.

Rutendo rwedu runokwanisa kuropafadza nokushandura zvakarurama isu pamwepo neavo vakatikomberedza.

Rutendo rwedu runokwanisa kuzadza panyika nerunako nerunyararo.

Rutendo rwedu runokwanisa kushandura ruvengo kuruita rudo uye vavengi kuvaita shamwari.

Vakarurama, zvino, vanorarama nekuita zvinhu murutendo; vanorarama nokuvimba muna Mwari uye nokufamba munzira Yavo.

Uye urwu ndirwo rudzi rwerutendo runokwanisa kushandura vanhu, mhuri, ndudzi, uye panyika.

Dhinda