2017
Ruvimbo
Kubvumbi 2017


Vana

Ruvimbo

Edza chiitwa ichi neshamwari. Unofanira kuvimba nekutevera mirairo yavo nomazvo.

Tora bepa risina kunyorwa uye wotara denderedzwa pariri rinotaridza chiso. Nepeni kana penzura muruoko rwako, vhara maziso ako. Ita kuti shamwari yako ikutaurire pokutara maziso, mhino, muromo, uye vhudzi pachiso ichi. Zvino tarisa zvawatara. Mufananidzo wawatara wakanaka here? Unokwanisa kuisa ruvara muchiso uye wotara chimwe kuti mutambe zvakare!

Dzimwe nguva zvakaoma kutevera mirairo. Asi apo patinoedza kutevera Baba Vokudenga nokuteerera kuMweya Mutsvene, Vanozotibatsira. Tinokwanisa kuvimba Navo nguva dzose.

Dhinda