2017
Rudo Rwakakwana Runodzinga Kutya.
Chivabvu 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chivabvu 2017

Rudo Rwakakwana Runodzinga Kutya

Ngatiisei padivi matyo edu uye torarama nemufaro, huninipi, tariro, neruvimbo rukuru rwekuti Ishe vanesu.

Mabhuradha nemasisita angu anodikanwa, shamwari dzinodikanwa, uno mukana mukuru uye unondipa mufaro mukuru kwazvo kuti tisangane seChechi yepasi rose takabatana murutendo nerudo rwedu kuna Mwari nevana Vavo.

Ndinonyanya kutenda nekuva pano kwemuporofita wedu anodikanwa, Thomas S. Monson. Mutungamiri, nguva dzose tichagara tichibvuma nokuteerera kumashoko enyu enhungamiro, rairo, neungwaru. Tinokudai, Mutungamiri Monson, uye tinokunamatirai nguva dzose.

Makore apfuura ayo, apo pandakanga ndichishanda semutungamiri wesiteki muFrankfurt, Germany, umwe sisita anodikwana asi aiva akasuwa akauya kwandiri pakupera kwemumwe wemisangano yedu yesiteki.

“Hazvisi zvakaipa chaizvo here?” akadaro. “Ndinofunga kuti panga pane vanhu vana kana vashanu vanga vakarara chaizvo panguva yenhauro yenyu!”

Ndakafunga kwechinguva uye ndikapindura kuti, “Ndine chokwadi chaizvo kuti kurara muchechi ndiko kumwe kurara kwakanaka zvikurusa pautano.”

Mudzimai wangu akanaka, Harriet, akanzwa kutaurirana uku uye pashure akataura kuti mhinduro yangu yakanga iri imwe yemhinduro dzakanakisisa dzandakanga ndati ndambopa.

Rumuko Rukurusa

Makore mazana mashoma akapfuura ayo muNorth America, rimwe boka rainzi “Rumuko Rukuru” rakapararira nemunyika yose. Chimwe chezvinangwa zvikuru zvaro chaiva chokumutsa vanhu avo vairatidzika kunge vakarara maererano nenyaya dzezvemweya.

Joseph Smith achiri mudiki akakurudzirwa nezvinhu zvaakanzwa kubva kuvaparidzi avo vaiva chikamu cherumuko urwu rwezvechitendero. Ndicho chaiva chimwe chezvikonzero zvakaita kuti asarudze kutsvaka nemwoyo wose chido chaIshe mumunamato wake arioga.

Vaparidzi ava vaiva nemutoo wekuparidza zvakasimba uye zvinobata moyo, nemharidzo dzaizikanwa nokuda kwesimbisiso huru dzayo pamusoro pekutyisa kukuru kwemoto yegehena iyo yakamirira vatadzi.1 Nhauro dzavo dzakanga dzisingakotsirisi vanhu—asi dzingangova dzakakonzera kuti vamwe vanhu varote hope dzinotyisa. Zvinangwa zvadzo nenzira yokuparidzwa kwadzo zvairatidzika kuva zvokuvhundutsira vanhu kuti vapinde chechi.

Matyo seNzira yoKunyengedza

Nemunhoroondo, kutyisidzira kwaishandiswa kazhinji senzira yokuita kuti vanhu vaite chimwe chinhu. Vabereki vakaishandisa kuvana vavo, vapi vemabasa kuvasevenzi, uye vezvematongerwo enyika kuvavhoti.

Nyanzvi mune zvekushambadzwa kwezvinhu dzinonzwisisa simba rematyo uye kazhinji vanorishandisa. Ichi ndicho chikonzero chinoita kuti dzimwe shambadzo dzitaridzike kuva neshoko rinoita serinoreva kuti kana tikasatenga poriji yavo kana kuti tikasatenga mitambo yemavhidhiyo achangoburitswa kana serefoni ichangoburitswa, tiri munjodzi yokuzorarama upenyu hwuzere nokusuwa kukuru, tichizofa tiri toga uye tisina rufaro.

Tinonyemwerera pazviri uye tofunga kuti hatizombofi takakwezvwa nekunyengedza kwakadaro, asi dzimwe nguva tinokwezvwa. Chakanyanya kuipa ndechokuti pane dzimwe nguva isu tinoshandisa nzira dzimwechetedzo kuita kuti vamwe vaite zvatinoda.

Shoko rangu rine zvinangwa zviviri nhasi: Chokutanga ndochokutikumbira kufungisisa udzami hwekushandisa kwatinoita matyo kuitira kukurudzira vamwe—kusanganisira isu pachedu. Chechipiri ndechekupa nzira iri nani.

Dambudziko riri muKutyisidzira

Chokutanga ngatitaurei nezve dambudziko riri mumatyo. Pamusoro pazvose, ndiani pakati pedu asina kumbomanikidzwa nekuda kwekutya kuti adye zvakanaka, asunge bhandi pachigaro chemumotokari, angwinyise muviri, achengetedze mari, kana kunyangwe kuti atendeuke pachivi?

Ichokwadi kuti kutya kunokwanisa kuva neshanduro yakasimba pazviito zvedu netsika dzedu. Asi shanduro iyoyo kazhinji inenge iri yechinguva chidiki uye isina udzami. Matyo kazhinji haana simba rokushandura moyo yedu, uye haambofi akatipindura kuita vanhu vanoda izvo zvakakana uye vanoda kuteerera Baba Vokudenga.

Vanhu vanotya vanogona kutaura nokuita zvinhu zvakanaka, asi havanzwi mumoyo yavo zvinhu zvakanaka. Kazhinji vanonzwa kupererwa uye ruvengo, kunyangwe kushatirwa. Pokupedzisira manzwiro aya anotungamira mukushayaikwa kweruvimbo, kusateerera, kunyangwe kupanduka.

Chinosuwisa ndechokuti, maitiro aya asina kururama muupenyu nemuhutungamiriri haawanikwi chete muvanhu vasina chitendero. Zvinondirwadza zvikuru kunzwa nezve nhengo dzeChechi dzinoshandisa udzvinyiriri—kana muri mudzimba dzavo, mumabasa avo emuChechi, kubasa, kana mukushanda kwavo nevamwe kwemazuva ose.

Kazhinji vanhu vanogona kumhura udzvinyiriri munavamwe, asi havakwanisi kuhuona mavari ivo pachavo. Vanoudza vanhu nechisimba kuti vateerere mitemo yavakatara pamadiro avo pachavo, asi apo vanhu pavanoramba kutevera mitemo isina maturo iyi, vanovaranga nemashoko, nekuvarwadzisa pamoyo, uye dzimwe nguva kana nekurwadzisa panyama.

Ishe vakati “kana tave … kubata kana kutonga kana kumanikidza pamweya yevana vevanhu, mukusarurama kupi zvako, … matenga anosuduruka [uye] Mweya waIshe unosuwiswa.”2

Pangangova nenguva apo patingangoda kuratidza kuti zviito zvedu zvakanaka nokubvuma kuti zviito zvese zvinotenderwa kana zvinangwa zvazvo zviri zvokubudisa mugumo wakanaka. Tingangofunga kuti kuva neudzvinyiriri, neunyengedzi, uye neukasha chinhu chinozova chakanakira vamwe. Hazvisirizvo, nokuti Ishe vakataura pachena kuti “chibereko choMweya ndirwo rudo, nomufaro, norugare, nomwoyo murefu, nomwoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka novunyoro [uye] nokuzvidzora”3

Nzira Iri Nani

Manyanyiro andinoita kuziva Baba vangu Vokudenga ndinonyanyawo kuona makurudziro nematungamiriro aVanoita vana Vavo. Havana kushatirwa, havatsivi, kana kudzorera.4 Chinangwa chavo chaicho—basa Ravo nekubwinya Kwavo—ndero kutidzidzisa, kutisimudzira, uye kutitungamirira mukuzara Kwavo5

Mwari vakazvitsanangura kuna Mosesi saMwari “uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, unetsitsi huru nezvokwadi.”6

Rudo rwaBaba vedu Vokudenga kwatiri, vana Vavo, runopfuura nokuresa kwaniso yedu yokunzwisisa.7

Izvi zvinoreva here kuti Mwari vanobvumira kana kusaona tsika dzinotyora mirairo Yavo? Kwete, chaizvo handizvo!

Asi Vanoda kushandura zvakawanda kupfuura tsika dzedu chete. Vanoda kushandura hunhu hwedu chaihwo. Vanoda kushandura moyo yedu.

Vanoda kuti tinanavire uye tibatirire zvakasimba padanda resimbi, titarisane nematyo edu, uye neushingi tifambire mberi nokumusoro nemunzira isiri nyore uye yakamanikana. Vanoda izvi kwatiri nokuti Vanotida uye nokuti iyi ndiyo nzira yokurufaro.

Nokudaro, Mwari vanokurudzira vana Vavo sei kuti vaVatevere muzuva redu?

Mwari Vakatuma Mwanakomana Wavo!

Mwari Vakatuma Mwanakomana Wavo Mumwechete, Jesu Kristu, kuzotiratidza nzira kwayo.

Mwari vanotikurudzira kuburikidza nekunyengerera, mwoyo murefu, hunyoro, kuzvininipisa, nerudo rusina kunyengedza.8 Mwari vari kudivi redu. Vanotida, uye apo patinoputsika, Vanoda kuti tisimuke, tiedze zvakare, uye tive vakasimba.

Ndivo mudzidzisi wedu.

Ndivo tariro yedu hurusa uye inokosheswa.

Vanoda kutikurudzira nerutendo.

Vanovimba nesu kuti tidzidze kubva kuzvikanganiso zvedu uye toita sarudzo kwadzo.

Iyi ndiyo nzira iri nani!9

Tingatii nezve Uyipi hwePanyika?

Imwe yenzira iyo Satani yaanoda kuti tinyengedze vamwe nayo ndeyokufungisisa nezve uyipi hwepanyika kana kunyangwe kuhwuita hukurukuru.

Chokwadi panyika pedu pakagara, uye pacharamba pasiri pakarurama. Vanhu vakawandisa vasina mhosva vanotambudzika nokuda kwemamiriro ezvinhu panyika pamwepo nokubva kuutsinye hwevanhu. Huori nehuipi huripo muzuva redu hwunoshamisa uye hwunovhundutsa.

Asi kunyangwe nezvose izvi, ndinosarudza kurarama munguva ino pane kurarama mune imwe nguva ipi zvayo munhoroondo yepanyika. Takaropafadzwa zvisina upimo kurarama muzuva rine upfumi husati hwamboonekwa, rujekeso rusati rwamboonekwa, uye nepundutso isati yamboonekwa. Pamusoro pezvose, takaropafadzwa kuva nekuzara kwevhangeri raJesu Kristu, iro rinotipa mafungiro akasiyana pamusoro penjodzi dzepanyika uye rinotitaridza kuti tingadzivirira sei njodzi idzi kana kuti tingatarisana nadzo sei.

Pandinofunga nezve maropafadzo aya, ndinoda kugwadama pasi uye ndopa rumbidzo kuna Baba vedu Vokudenga nokuda kwerudo Rwavo rusina mugumo kuvana Vavo vose.

Handibvumi kuti Mwari vanoda kuti vana Vavo vave nematyo kana kuti vafungisise nezve huipi hwepanyika. “Nokuti Mwari havana kutipa mweya wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora.”10

Vakatipa zvikonzero zvakawandisa zvokuti tifare. Tinofanira chete kuzviwana nokuzviziva. Ishe kazhinji vanotiyeuchidza kuti “musatye,” kuti “mufare,”11 uye kuti “musatye henyu, imi kapoka kaduku”12

Ishe Vacharwa Hondo Dzedu

Mabhuradha nemasisita, tiri “kapoka kaduku” kaIshe. Tiri Vatendi vamazuva ekupedzisira. Chinhu chinowanikwa muzita redu itsidziro yokutarisira kukudzoka kweMuponesi nokuzvigadzirira isu pachedu uye nenyika kuMutambira. Naizvozvo, ngatishandirei Mwari uye ngatidei vamwe vedu. Ngatiitei izvi neruvimbo rwagara ruri matiri, nekuzvininipisa, tisingambofi takatarisira pasi chimwe chipi zvacho chitendero kana boka revanhu. Mabhuradha nemasisita, takakumbirwa kunzvera shoko raMwari uye kuteerera kuinzwi reMweya, kuitira kuti tigokwanisa “kuziva zviratidzo zvenguva, uye nezviratidzo zvekuuya kweMwanakomana weMunhu.”13

Naizvozvo, hatisi vanhu vasingazivi zviedzo zvepanyika, uye hatisi vanhu vasingazivi matambudziko enguva yedu. Asi izvi hazvirevi kuti tinofanira kuzviremedza kana kuremedza vamwe nekutya nguva dzose. Panokufungisisa nguva dzose nezve kukomba kwezviedzo zvedu, hazvisi zvingava nani here kunangisa pfungwa dzedu pahukuru husingaperi, runako rusingaperi, uye simba rokusingaperi zvaMwari wedu, tichivimba Navo uye tichigadzirira nemwoyo unemufaro wekudzoka kwaJesu Kristu?

Savanhu vechibvumirano Vavo, hatifaniri kuremadzwa zvachose nematyo nokuda kwekuti zvinhu zvakaipa zvingangoitika. Panokudaro, tinokwanisa kufambira mberi nerutendo, neushingi, nekutsungirira, uye nekuvimba muna Mwari apo patinosangana nezviedzo uye nemikana iri mberi.14

Hatisi tinofamba nzira yeudzidzi tiri toga. “Jehova Mwari wako … unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi.”15

“Jehova uchakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.”16

Patinosangana nekutya, ngatiwanei ushingi hwedu, ngatimirei nerutendo rwedu, uye ngativei neruvimbo muchivimbiso chinoti “Hakuna chombo chinovumbwa kuzorwa newe chinozobudirira.”17

Tinorarama here munguva yenjodzi huru nebvongabvonga. Chaizvo tiri munguva idzodzo.

Mwari Pachavo vakati, “Panyika munotambudzika, asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.”18

Tinokwanisa here kushandisa rutendo rwekuvimba uye kuita zvinhu sezvazvinofanira kuitwa? Tinokwanisa here kurarama maererano netsidziro dzedu uye nezvibvumirano zvedu zvinoera? Tinokwanisa here kuchengeta mirairo yaMwari kunyangwe mumamiriro ezvinhu anogozha zvikuru? Chaizvo tinokwanisa!

Tinokwanisa nokuda kwekuti Mwari vakavimbisa kuti, “Zvinhu zvose zvichashanda pamwechete kukupundutsai, kana [imi] mukafamba makatwasanuka.”19 Naizvozvo, ngatiisei padivi matyo edu uye tirarame nemufaro, kuzvininipisa, tariro, uye neruvimbo rukuru rwekuti Ishe vanesu.

Rudo Rwakakwana Runodzinga Kutya.

Shamwari dzangu dzinodiwa, vadikanwi mabhuradha nemasisita angu muna Kristu, kana tikafa takazviwana tichirarama mukutya kana mukusagadzikana, kana kuti tikafa takawana kuti manzwi edu pachedu, mafungiro edu pachedu, kana zviito zvedu pachedu zviri kukonzera kutya mune vamwe, ndinonamata nesimba rose remweya wangu kuti tigone kusunungurwa kubva kukutya uku nemurapo wakamiswa nehumwari unobvisa kutya: rudo rutsvene rwaKristu, nokuti “rudo rwakakwana runodzinga kutya.”20

Rudo rwakakwana rwaKristu runokunda zviedzo zvokuda kukuvadza, kumanikidza, kunetsa, kana kudzvinyirira.

Rudo rwakakwana rwaKristu rwunotibvumira kufamba takaninipa, tinechiremera, uye tine ruvimbo rukuru sevateveri veMuponesi wedu anodiwa. Rudo rwakakwana rwaKristu runotipa ruvimbo rwekuenderera mberi zvisinei nematyo edu uye tovimba zvakazara nesimba nerunako rwaBaba vedu Vokudenga neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu.

Mudzimba dzedu, munzvimbo dzemabhizimisi dzedu, mumabasa eChechi edu, mumwoyo yedu, ngatibvisei kutya uye panzvimbo pako toisa rudo rwakakwana rwaKristu. Rudo rwaKristu runozotora nzvimbo yekutya nerutendo!

Rudo Rwake runozoita kuti tikwanise kuziva, kuvimba, nokuva nerutendo murunako rwaBaba vedu Vokudenga, chirongwa chohumwari Chavo, vhangeri Ravo, uye mirairo Yavo.21 Kuda Mwari nevamwe vedu kunozoshandura kuteerera kwedu kumirairo yaMwari kukuita ropafadzo kwete mutoro. Rudo rwaKristu runozotibatsira kuva netsitsi dzakawedzerwa, kunyanya kuregerera vamwe, kunyanya kuva nehanya, uye kunyanya kuzvipira kubasa Ravo.

Apo patinozadza mwoyo yedu nerudo rwaKristu, tinozomuka neutsva hwemweya hwakavandudzwa uye tinozofamba nemufaro, nechivimbo, takamuka, uye tirivapenyu muchiedza nekubwinya kweMuposeni wedu anodikanwa, Jesu Kristu.

Ndinopupura, neMuapositora Johane, “Hakuna kutya murudo [rwaKristu].”22 Mabhuratha nemasisita, shamwari dzinodikanwa, Mwari vanokuzivai zvakakwana. Vanokudai zvakakwana. Vanoziva zviri muneramagwana renyu. Vanoda kuti “usatya, utende bedzi”23 uye “ugare murudo rwavo [rwakakwana].”24 Uyo ndiwo munamato wangu neropafadzo rangu nemuzita raJesu Kristu, amen.

Zvimwe Zvinyorwa

  1. George Whitefield naJonathan Edwards ndivo mienzaniso mikuru yerudzi rwakadai rwemuparidzi.

  2. Dzidziso neZvibvumirano 121:37

  3. VaGaratia 5:22–23.

  4. Pane imwe nguva, Muponesi aida kupinda mumusha wemaSamaria, asi vanhu vakaramba Jesu uye vakaramba kuMugamuchira mumusha wavo. Vaviri vevadzidzi Vake vakagumburwa zvikuru nazvo uye vakabvunza kuti, “Ishe, Munoda kuti titi mwoto uburuke kudenga, uvaparadze here?” Jesu akapindura neyambiro iyi: “Hamuzivi mamiriro emweya wamakasikwa nawo uri mamuri. Nokuti Mwanakomana weMunhu haana kuuya kuzoparadza upenyu hwevanhu asi kuzovaponesa” (ona Ruka (:51–56, New King James Version [1982]).

  5. Ona Mosesi 1:39; onawo VaEfeso 3:19.

  6. Eksodo 34:6.

  7. Ona VaEfeso 3:19.

  8. Ona Dzidziso neZvibvumirano 121:41 Chokwadi kana Mwari vachitarisira kubva kwatiri, vana venyama inofa Vavo, kuti tibate vamwe vedu nenzira iyi, Ivo—munhu akarurama ane tsika dzose dzakanaka—ndivo muenzaniso wetsika idzodzo.

  9. Dare reKudenga rakaitika tisati tauya pano pasi ndiwo muenzaniso weizvi wakanakisisa unotaridza hunhu hwaMwari. Ikoko Baba vedu Vokudenga vakapa chirongwa Chavo chekufambira mberi kwokusingaperi kwedu. Zvikamu zvakanga zvakakosha zvechirongwa ichocho zvaisanganisira, rusununguko rwesarudzo, kuteerera, uye ruponeso kuburikidza neRudzikinuro rwaKristu. Rusifa, zvisinei, akapa chirongwa chakasiyana nechichi. Akavimbisa kuti vanhu vose vaizoteerera—hapana aizorasika. Nzira chete yokubudirira pazviri yaizova kuburikidza neudzvinyiriri uye kumanikidza zvechisimba. Asi Baba vedu Vokudenga vane rudo havana kubvumira chirongwa chakadaro. Vaikoshesa rusununguko rwesarudzo rwevana Vavo. Vaiziva kuti tinofanira kuita zvikanganiso nemunzira kana tichizofanira kudzidza zvechokwadi. Uye ndiko kusaka Vakapa Muponesi, uyo kuzvipira kwekusingaperi kwake kwaizokwanisa kutichenesa kubva pachivi uye nokubvumira kupinda kwedu zvakare muumambo hwaMwari.

    Apo Baba vedu Vokudenga pavakaona kuti vazhinji vevana Vavo vanodikanwa vakanga vanyengerwa kutsauka naRusifa, vakavanaminikidza here kutevera chirongwa Chavo? Vakatyisidzira kana kuvhundutsira here avo vakanga vachiita sarudzo yakaipa kudaro? Kwete. Mwari vedu vanesimba rose chokwadi vaikwanisa kumisa kupanduka uku. Vaikwanisa kunge vakamanikidza nechisimba chido Chavo pavapanduki ava uye vakaita kuti vateere kwaVari. Asi panokudaro, Vakabvumira vana Vavo kuzvisarudzira.

  10. 2 Timotio 1:7.

  11. Ona, somuenzaniso Joshua 1:9; Isaya 41:13; Ruka 12:32; Johane 16:33; 1 Petro 3:14; Dzidziso neZvibvumirano 6:36; 50:41; 61:36; 78:18.

  12. Ruka 12:32.

  13. Dzidziso neZvibvumirano 68:11.

  14. Rairo yaMosesi kuvanhu vezuva rake ichine chekuita nesu nhasi: “Musatya henyu. … Mugovona sununguro yaJehova, yaachakuitirai nhasi” (Eksodo 14:13, New King James Version).

  15. Deuteronomio 31:6.

  16. Eksodo 14:14, New King James Version.

  17. Isaya 54:17.

  18. Johane 16:33.

  19. Dzidziso neZvibvumirano 90:24; onawo 2 Vakorinte 2:14; Dzidziso neZvibvumirano 105:14.

  20. 1 Johane 4:18.

  21. Ngatirangarirei kuti Muponesi akauya kwete “panyika kuti atonge nyika asi kuti nyika iponeswe naye”. (Johane 3:17). Chokwadi ndechekuti, “hapana chaanoita kunze kwekunge chiri chinozoyamura pasi rose; nokuti anoda nyika, zvekuti akapa upenyu hwake kuti agokwevera vanhu vose kwaari” (2 Nifai 26:24).

  22. 1 Johane 4:18; onawo 1 Johane 4:16.

  23. Marko 5:36.

  24. Johane 15:10.

Dhinda