2017
Simba reBhuku raMormoni
Chivabvu 2017


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Chivabvu 2017

Simba reBhuku raMormoni

Mufananidzo
Mutungamiri Thomas S. Monson

Ndinokurudzira zvakasimba mumwe nemumwe wedu kunzvera nomunamato uye kufungisisa Bhuku raMormoni zuva rega rega.

Mabhuradha namasisita angu anodikanwa, ndinokukwazisai nemwoyo wangu wose apo tinosangana zvakare mumusangano mukurusa weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Ndisati ndatanga shoko rangu randakagadzirira musangano uno nhasi, ndinoda kuzivisa matemberi mashanu matsva ayo, achavakwa munzvimbo dzinotevera: Brasilia, Brazil, Manila huru, munzvimbo yePhilippines; Nairobi, Kenya; Pocatello, Idaho, USA; uye Saratoga Springs, Utah, USA.

Magwanani ano ndinotaura pamusoro pesimba reBhuku raMormoni uye kudikanwa kwakakosha zvikuru kwatinako senhengo dzeChechi ino kunzvera, kufungisisa, uye kushandisa dzidziso dzaro muhupenyu hwedu. Kukosha kwekuva neuchapupu hwakasimba uye hwechokwadi hweBhuku raMormoni hakukwanisi kusimbisiswa zvinopfuuridza.

Tinorarama munguva izere namatambudziko makuru nehuipi hukuru. Chii chinozotidzivirira kubva kuchivi nehuipi izvo zvakazara panyika panhasi? Ndinotaura nesimba rose kuti uchapupu hwakasimba hweMuponesi wedu Jesu Kristu, uye hwevhangeri Rake hwunozobatsira kudzivirirwa kubva kunjodzi. Kana usingaverengi Bhuku raMormoni zuva rega rega, ndapota ita kudaro. Kana ukariverenga nemunamato uye nechido chaicho chokuziva chokwadi, Mweya Mutsvene unozotaridza chokwadi charo kwauri. Kana riri rechokwadi—uye ndinopupura nemwoyo wose kuti ndere chokwadi—zvino Joseph Smith akanga ari muporofita akaona Mwari Baba neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu.

Nokuda kwekuti Bhuku raMormoni ndere chokwadi, Chechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira iChechi yaIshe pasi, uye hupirisita hutsvene hwaMwari hwakadzorerwa kuitira rupundutso neropafadzo zvevana Vavo.

Kana usina uchapupu hwakasimba hwezvinhu izvi, ita izvo zvakafanira kuti uhwuwane. Zvakakosha zvikuru kuti uve neuchapupu hwako pachako munguva dzino dzamatambudziko, nokuti uchapupu hwevamwe hunozokutakura kwechinguva chidiki chete. Zvisinei, kana uchinge wahwuwana, uchapupu hwunofanira kuchengetedzwa zvakakosha uye hwuri hwupenyu kuburikidza nekuteerera nguva dzose kumirairo yaMwari uye kuburikidza nemunamato wemazuva ose nekunzvera magwaro matsvene mazuva ose.

Vafambidzani vanodikanwa vangu mubasa raIshe, ndinokurudzira nesimba rose mumwe nemumwe wedu kunzvera nokufungisisa nomunamato Bhuku raMormoni zuva rega rega. Apo patinoita kudaro, tinozokwanisa kunzwa inzwi reMweya, kuramba chiedzo, kukunda kusatenda uye kutya, nokutambira rubatsiro rwedenga muhupenyu hwedu. Ndinopupura nemwoyo wangu wose nemuzita raJesu Kristu, ameni.

Dhinda