2017
Mushumairi asina chinongedzo chechinyorwa
Chikumi 2017


Vechidiki

Mushumiri asina Bheji reZita

Kuchikoro ndine mudzidzisi ane rudzi rwohunhu rwunogona kutyisa umwe munhu kuti asagovere pfungwa dzinopikisa pamusoro peimwe nyaya irikukurukurwa. Rimwe zuva takatanga kukurukura pamusoro pevashumiri veVatendi Vamazuva Vekupedzisira. Ndaiziva kuti ndaigona kunge ndaka pindura mibvunzo yake, asi ndakanzwa kuti ndiregere kupindura. Naizvozvo ndakangotaura zvakakwana kumugutsa kwenguva iyoyo.

Pamasvondo aitevera pamberi ndakatadza kumira kufunga nezvenhaurirano yedu. Pekupedzisira, kapfungwa kakauya kwandiri kekuti ndaifanirwa kumupa Bhuku raMormoni rine zvimwe zvinyorwa zvakatarwa pamusoro pebasa reushumiri. Kapfungwa aka kakandityisa, asi kakaramba karipo. Ndakaziva kuti kaive femero yandaifanira kutevera.

Mushure memwedzi inogona kuita miviri, ndakanga ndagadzirira neBhuku raMormoni. Zuva rose ndakanzwa sekunge bhuku rakanga richida kuburitswa kubva mubhegi rangu kuti rishandiswe. Masekonzi matatu azvakanditorera kuti ndiritambidze kwaari apo pandaienda kuzororo renguva yechando akava chinguva chinotyisa zvikuru-kuru cheupenyu hwangu.

Pazuva rokutanga tadzoka, ndakapfuura nepamupanda wekudzidzira wake asi ndakatya kupindamo. Zvino ndakanzwa ondisheedza, uye akandipa kadhi. Ndakariverenga mumukoto wepakati pemakirasi. Akanyora kuti ainge anzvera kwenguva refu ndima dzandainge ndakamutarira, uye ainge ave kutanga kuona zvimwe zvikonzero zvechitendero changu.

Ndinonzwa kufara zvikuru kugovera vhangeri, uye ndiri kutonyanya kufara zvikuru kunoshandira Baba vangu Vekudenga muushumiri panguva shoma inotevera.

Dhinda