2017
Kusheedzwa kuBasa
Chikumi 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chikumi 2017

Kusheedzwa kuBasa

Mufananidzo
Mutungamiri Thomas S. Monson

Apo Muporofita Joseph Smith pavakasheedza Gosa Heber C. Kimball (1801–68) kuti “vavhure musuwo weruponeso” semushumiri kunyika yeEngland, Gosa Kimball vakanzwa manzwiro akasimba ekusakodzera.

“Ishe”, vakanyora vachidaro, “Ndiri murume ane rurimi runokakamira, uye zvachose asinakukodzera kuita basa rakadayi”.

Gosa Kimball vakatambira kusheedzwa uku zvisinei, vachiwedzera vachiti: “Pfungwa idzi hadzina kundibvisa kubva munzira yebasa panguva yandakangonzwisisa chido chaBaba vangu Vekudenga, ndakanzwa hushingi hwekuenda zvisinei nematambudziko api zvawo kana zvinetso zvipi zvazvo, ndichitenda kuti Vanozonditsigira nesimba Ravo guru, uye vagondiropafadza nekodzero yose yandaida”.1

Mabhuradha nemasisita angu vechidiki avo vanosheedzwa kumushando hweushumiri hwenguva izere, munosheedzwa kubasa iri nekuti imi, sezvakaita Gosa Kimball, “mune zvido zvekushandira Mwari”. (D&C 4:3) nekuti makagadzirira uye makakodzera.

Vakaroorana vavechikuru, munosheedzwa kubasa irori nezvikonzero zvimwechetezvo. Imi, zvisinei, hamuunze kwete chete chido chokushandira, asiwo ungwaru hwakawanikwa mumakore ekuzvipira, erudo, uye eruzivo rwamavanarwo izvo zvinokwanisa kushandiswa naBaba venyu Vekudenga kubata mwoyo yevanakomana nevanasikana varikutsvaga chokwadi. Pasina kupokana makadzidza kuti hatimbofa takagona kuda Ishe pachokwadi kusvikira taVashandira kuburikidza nokushandira vamwe.

Maererano nezvido zvenyu zvekushandira sevashumiri, muchawedzera rutendo nesimba, ushingi neruvimbo, kutsungirira nekugwinyirira, kusimbirira nekuzvipira. Vashumiri vakazvipira vanogona kuunza zvishamiso mubasa roushumiri.

Mutungamiri John Taylor (1808–1887) vakataura muchidimbu hunhu hwakakosha hwevashumiri nenzira iyi: “Rudzi rwevarume uye vakadzi nevakaroorana vatinoda kuti vatakure shoko raMwari varume vanerutendo munaMwari; varume vanerutendo muchitendero chavo; varume vanoremekedza hupirisita hwavo, varume vanovimbwa navo naMwari. … Tinoda varume vakazara neMweya Mutsvene uye nesimba raMwari[,] … varume veruremekedzo, vakavimbika, vehunhu uye vakachena mumwoyo.”2

Ishe vakazivisa kuti:

“Nokuti tarisai munda wachena wave kuda kukohwewa uye onai; uyo anoisa jeko rake nokugwinya, iyeyo anochengetedza zvekuti asafe, asi anounza ruponeso kumweya wake;

“Uye rutendo, tariro, rudo rwakadzama nerudo, neziso rakatarisana bedzi kukubwinya kwaMwari, kunomuita kuti akwanise basa.” (D&Z 4:4–5)

Shevedzo yenyu yakauya kuburikidza nefemero. Ndinopupura kuti uyo anosheedzwa naMwari, Mwari vanomukodzeresa. Munozogamuchira rubatsiro rwekudenga apo munoshanda muchinyengetera mumunda wemizambiringa waIshe.

Vimbiso yakanaka iyo Ishe yavakapa kuvashumiri kumavambo kwemukuwo uno, sezvazviri muDzidziso neZvibvumirano, zvichava zvenyu: “Ndichaenda pamberi pehuso hwenyu. Ndichange ndiri kurudyi rwenyu nokuruboshwe, Mweya wangu uchange uri mumwoyo yenyu, uye ngirozi dzangu dzakakukomberedzai, kuti dzikusimudzirei pamusoro.” (D&Z 84:88).

Apo pamunoshandira, muchavaka ndangariro neshamwari dzakakosha dzekusingaperi. Handina munda wandinoziva unoburitsa goho guru chaizvo rerufaro unopinda munda weushumiri.

Zvino, izwi rekurudziro kuneavo magosa, masisita, uye vakaroorana avo, nechikonzero chipi zvacho, vangangova vakatadza kukwanisa kupedza nguva yavo yavakatarirwa mumunda weushumiri: Ishe vanokudai. Vanotenda nekuzvipira kwenyu. Vanoziva chigumbu chenyu. Zivai kuti Vachine basa rekuti muite. Musarega Satani achikutaurirai zvisiri saizvozvo. Musasuruvare; musavore mwoyo; musarase tariro.

Sezvandakacherechedza mumusangano mukuru chinguva chipfupi ndangobva kusheedzwa kuti nditungamirire Chechi: “Usatye. Iva wakafara. Ramangwana rakajeka sorutendo rwako”.3 Vimbiso iyoyi ichine chokwadi nekwamuri. Naizvozvo musarase rutendo rwenyu, nokuti Ishe havana kurasa rutendo mamuri. Chengetedzai zvibvumirano zvenyu uye muenderere mberi.

Nyika inoda vhangeri raJesu Kristu. Dai Ishe Vakomborera Vatendi Vavo vose-nemwoyo wehushumiri-zvisinei nekwatinoshandira.

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Heber C. Kimball, muna Orson F Whitney. Life of Heber C. Kimball. 3rd ed.(1967),104.

  2. Teachings of Presidents of the Church: John Taylor (2001), 73.

  3. Thomas S. Monson, “Be of Good Cheer,” Liahona, Kubvumbi 2009, 92.

Dhinda