2017
Simba reHupirisita kuburikidza Nekuchengetedza Zvibvumirano
Chikumi 2017


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Chikumi 2017

Simba reHupirisita kuburikidza Nekuchengeta Zvibvumirano

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa chinangwa cheChita cheRubatsiro kunozogadzirira sei vanasikana vaMwari kuwana maropafadzo ehupenyu husingaperi?

Mufananidzo
Relief Society seal

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

“Shoko rangu kwamuri … mose nderekuti tinogona kurarama awa yega yega ‘tichikomborerwa nemasimba esimba rehupirisita’, zvisinei nemagariro akaita munhu,” pamamiriro ezvinhu api zvawo vakadaro Gosa Neil L. Andersen veChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri.

“… Apo pamunotora chinhano muzvisungo zvehupirisita makakodzera, Ishe vanozokupai simba guru, runyararo, uye nemaonero ezvinhu ekusingaperi. Mumamiriro ezvinhu enyu api zvawo, imba yenyu ‘inozokomborerwa nemasimba esimba rehupirisita’”. 1

Tingakoke sei masimba ehupirisita muhupenyu hwedu? Gosa M. Russell Ballard veChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri vanotiyeuchidza kuti “avo vakapinda mumvura dzerubhabhatidzo uye vakazogamuchira endawumendi yavo muimba yaIshe vanekodzero yekuwana makomborero anokosha uye anoshamisa. Endawumendi iyoyi inotova chaizvo chipo chesimba … [uye] Baba vedu vari Kudenga havana rutsuta nesimba Ravo.” Vanotirangaridza kuti varume nevakadzi “vese vanoropafadzwa nesimba rimwechetero” “mutemberi, izvo netsananguro zvinova zvinoreva simba rehupirisita”. 2

Linda K. Burton, Mutungamiri Mukuru weChita Cherubastiro, akati: “Sezvo simba rehupirisita chiri chinhu chatinoda tose kuvanacho mumhuri nemudzimba dzedu chii isu chatinofanirwa kuita kuti tikoke simba iroro muhupenyu hwedu? Ururami hwakakoshesa pakuti uve nesimba rehupirista”.3

“Kana tikazviendesa pamberi paIshe takazvininipisa uye tikaVakumbira kuti vatidzidzise, Vanotirakidza kuti tinowedzera sei mukana wekushandisa simba Ravo,” vakadaro Mutungamiri Russell M. Nelson, Mutungamiri weChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri.4

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene neRuzivo

1 Nifai 14:14; Dzidziso neZvibvumirano 121:36; 132:20; reliefsociety.lds.org

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Neil L. Andersen, “Power in the Priesthood,” Liahona, Mbudzi 2013, 92, 95.

  2. M. Russell Ballard, “Men and Women and Priesthood Power,” Liahona, Gunyana 2014, 36.

  3. Linda K. Burton, “Priesthood Power—Available to All,” Ensign, Chikumi. 2014, 21.

  4. Russell M. Nelson, “The Price of Priesthood Power” Liahona, Kubvumbi 2016, 69.

Dhinda